RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/09 pp. 6-7
  • Misangano Yebasa Romumunda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa Romumunda
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Batsirwa Zvizere Nemisangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvaungaita Kuti Ubatsirwe Nokupinda Muboka Rako Rokuparidzira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Unobatsirwa Sei Neurongwa Hwemapoka Ekuparidza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 8/09 pp. 6-7

Misangano Yebasa Romumunda

1. Nei tine hanya nenyaya yokuenda muushumiri hwomumunda zvakarongeka?

1 Jesu akaratidza muenzaniso wokutarisira basa rokuparidza Umambo zvakarongeka uye zvinobudirira. Saizvozvowo mazuva ano, vaya vanotarisira basa iri rokuparidza Umambo munyika yose vane chido chikuru chokuona richitarisirwa sezvaiitwa naJesu. Maererano neizvi, ungano dziri munyika yose dzinoshandisa misangano yebasa romumunda senzira yokuronga nayo mapoka evaparidzi voUmambo kuti vaite ushumiri.—Mat. 24:45-47; 25:21; Ruka 10:1-7.

2. Misangano yebasa romumunda inofanira kuitwa sei?

2 Urongwa Hwakanaka Chaizvo: Misangano yebasa romumunda inoitirwa kuti ikurudzire uye ipe mirayiridzo inoshanda kune vaya vanenge vava kuenda muushumiri. Rugwaro rwezuva rungakurukurwa muchidimbu parunenge ruchibatsira zviri pachena muushumiri. Pane dzimwe nguva, zviyeuchidzo zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo, bhuku raKurangarira, kana kuti zvimwe bhuku reChikoro Choushumiri zvinokurukurwa kuitira kuti vose vanenge varipo vagadzirire kuita basa zuva iroro. Pangaenzanisirwawo muchidimbu kugoverwa kungaitwa bhuku romwedzi wacho. Musati manyengetera, vose vanofanira kuziva kuti vari kushanda nani muushumiri uye kune ndima yavachange vachishanda. Musangano uyu usingapfuuri maminitsi 15 wangopera, vose vanofanira kubva vaenda kundima dzavo.

3. Ndivanaani vanoona nezvokurongwa kwemisangano yebasa romumunda?

3 Inorongwa Sei? Mutariri webasa ndiye anoona nezvokurongwa kwemisangano yebasa romumunda. Vatariri vemapoka, kana kuti vabatsiri vavo, ndivo vane basa rokuenda muushumiri nemapoka avo ebasa romumunda pakupera kwevhiki. Vamwe vatariri kana vashumiri vanoshumira vangakwanisa kuenda muushumiri pamwe nemapoka pakati pevhiki. Vatariri vemapoka vanonyatsoshanda pamwe nomutariri webasa kuitira kuti pave nendima yakakwana yemapoka avo yokushanda paimba neimba pakupera kwevhiki. Pakati pevhiki, mutariri webasa ndiye achaona nezvourongwa hwevaya vachaenda muushumiri nemapoka acho.

4-6. (a) Chinangwa chemisangano yebasa romumunda chine chii chokuita nendima yeungano? (b) Ndezvipi zvingafungwa nezvazvo pakusarudza zvine chokuita nemisangano yebasa romumunda?

4 Misangano Iyi Inofanira Kuitwa Rini Uye Kupi? Pane kuita kuti ungano yose isangane panzvimbo imwe, zvakanyanya kunaka kuti misangano iyi iitirwe munzvimbo dziri nyore kusvika, kakawanda mudzimba dzehama, mundima yacho yose, izvi zvichiitirwa kuti ndima yose yeungano ishandwe zvinobudirira. Dzimba dzoUmambo dzingashandisirwa chinangwa ichi. Ungano dzakawanda dzinoitira musangano webasa muImba yoUmambo dzichangopedza hurukuro yavose neNharireyomurindi musi weSvondo. Munofanira kuvavarira kuita kuti musanyanya kufamba kuenda kundima. Saka, urongwa hwacho hungaongororwa pano neapo kuti zvionekwe kuti nzvimbo dziri kuitirwa misangano iyi dzichakakodzera nokuda kwokushanda ndima yose uye zvinobudirira.

5 Nguva yakanaka yokuita misangano iyi uye kuti ichaitwa kangani mukati mevhiki kana kuti mukati mezuva inoenderana nezvakaita ndima yacho. Mibvunzo inotevera ingabatsira kusarudza kwakanyanya kunaka kuitira misangano yebasa romumunda uye nguva yacho.

6 Ndeipi ndima inoda kuwedzera kuparidzwa? Ndeipi nguva yakanyanya kunaka kushanda paimba neimba? Nguva yemanheru ingarongwa here kuti muite basa repaimba neimba kana kuti kudzokerera? Urongwa hwose hwebasa romumunda hunofanira kuiswa pachikwangwani chemashoko cheungano. Vaparidzi vose voUmambo vane chido chokunyatsoparidza ndima yavo yose yavakapiwa zvokuti tingataurawo sezvakaita muapostora Pauro kuti: ‘Handisisinazve nharaunda isina kumbobatwa.’—VaR. 15:23.

7. Anenge anzi atungamirire musangano webasa romumunda anotarisirwa kuitei?

7 Kutungamirira Misangano Yebasa Romumunda: Anenge anzi atungamirire musangano uyu anoratidza kunyatsoremekedza urongwa uhwu hwaMwari nokunyatsogadzirira. Misangano iyi inofanira kuva mipfupi, ichiitwa kwemaminitsi ari pakati pe10 ne15. Inofanira kutanga nenguva uye ichirayiridza. Anenge achitungamirira anofanira kuva nendima dzichashandwa musangano wacho usati watanga. Kunyange zvazvo panopera musangano webasa musingafaniri kumirira vanenge vanonoka, zvingabatsira kusiya mashoko okuti ndokupi kuri kushandwa neboka racho. Vose vanofanira kubva vananga kundima yavanenge vapiwa panongopera musangano webasa. Hapana mubvunzo kuti musangano webasa romumunda wakanyatsorongwa uye unodzidzisa ucharayiridza vanenge varipo sezvingadiwa kuti vaite ushumiri hwavo musi iwoyo.—Zvir. 11:14.

8. Vaya vanopinda misangano yebasa romumunda vangashandira pamwe sei nevanenge vachitungamirira?

8 Kupinda Misangano Yebasa Romumunda: Kushandira pamwe kunokosha. (VaH. 13:17) Kana zvichiita anenge achironga boka racho achabatsira chero munhu anenge achida wokushanda naye. Zvakanaka kuti vaparidzi vane unyanzvi vavepo kuitira kuti vabatsire vatsva uye vasina unyanzvi. Vaya vanoda kushanda nevamwe vavasina kumboshanda navo, vangabatsira pane zvakawanda. (Zvir. 27:17; VaR. 15:1, 2) Vose vanofanira kuvavarira kusvika nenguva. Kuremekedza kwatinoita urongwa uhwu hwaMwari uye kufunga nezvehama dzedu kuchaita kuti tichinje chero zvingadiwa panyanya iyi.—2 VaK. 6:3, 4; VaF. 2:4.

9. Mapiyona angatsigira sei nenzira dzinobatsira urongwa uhwu?

9 Kutsigira Kwemapiyona: Kutsigira misangano yebasa romumunda kunoitwa nemapiyona kunokosha uye kunokurudzira vose. Zvinonzwisisika kuti mapiyona ane zvakawanda zvokuita. Kunze kwokudzidzisa vanhu Bhaibheri nokudzokerera, zvimwe zvavanoita pazuva zvingasanganisira kuita mabasa emhuri uye kuenda kubasa. Saka mapiyona haafaniri hawo kunzi atsigire misangano yose yebasa romumunda inorongwa neungano, kunyanya kana ichiitwa zuva roga roga. Zvisinei, mapiyona angangokwanisa kutsigira mimwe yemisangano yebasa vhiki yoga yoga. Tingati misangano yebasa romumunda inobatsira kudzidzisa vamwe, uye ruzivo nounyanzvi zvemapiyona zvingabatsira vamwe zvikuru. Kugara vachibuda muushumiri kwakaita kuti vave nounyanzvi. Vangabatsirawo vamwe nounyanzvi ihwohwo. Kushingaira kwavo muushumiri uye pamisangano yebasa romumunda kwakaita kuti vave mienzaniso yokutevedzera. Zvavanoita pamisangano iyi zvinoongwa zvikuru.

10. Nei zvakakodzera kuti vaparidzi vose voUmambo vatsigire urongwa uhwu nemwoyo wose?

10 Sezvazvakanga zvakaita kuna Jesu nevadzidzi vake, basa redu rokuparidza Umambo rinonyanya kuitwa nokuparidza paimba neimba. Misangano yebasa romumunda ndeyokuti vanhu vakurudzirane uye vabudirire mubasa iri. Vaparidzi vose vemashoko akanaka vanofanira kutsigira urongwa uhwu hwaMwari sezvavangakwanisa. (Mab. 5:42; 20:20) Tose zvedu ngatitsigirei urongwa uhwu nemwoyo wose. Kana tikadaro, tingava nechokwadi chokuti Jehovha achatikomborera chaizvo uye tingafadza mwoyo woMutungamiriri wedu Jesu Kristu, sezvatinoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mat. 25:34-40; 28:19, 20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe