Kuva Nevaunogara Uchiendesera Magazini Kunobatsira Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri
1. Nei sangano raJehovha rava nenguva yakareba richikurudzira vaparidzi kuti vave nevanhu vavanogara vachiendesera magazini?
1 Vanhu vakawanda havafariri kudzidza Bhaibheri nesu, asi vanonakidzwa nokuverenga magazini edu. Saka sangano raJehovha rava nenguva yakareba richikurudzira vaparidzi kuti vave nevanhu vavanogara vachiendesera magazini. Sezvavanenge vachiverenga magazini edu nguva dzose, vanhu vanozowanzova nechido chekudzidza Shoko raMwari. (1 Pet. 2:2) Nokufamba kwenguva, vangaverenga zvimwe zvinovafadza, zvoita kuti vabvume kudzidza Bhaibheri.
2. Tingaita sei kuti vanhu vatinogara tichiendesera magazini vafarire?
2 ‘Diridza’ Mbeu Dzechokwadi: Pane kungopfuura uchisiya magazini, kurukura nasaimba uye edza kuti muve neushamwari. Izvi zvichakubatsira kuziva mamiriro ake ezvinhu, zvaanofarira, zvaanotenda, uye zvichaita kuti ukwanise kutaura neuchenjeri. (Zvir. 16:23) Gadzirira nguva dzose usati washanyira munhu. Kana zvichiita, taura imwe pfungwa iri mumagazini uye rugwaro runotsigira pfungwa yacho, uchidiridza mbeu dzechokwadi dzingava mumwoyo make. (1 VaK. 3:6) Nyora pasi zuva rimwe nerimwe raunenge wamushanyira, zvawamusiira, uye nyaya nemagwaro zvamakurukura.
3. Tinofanira kudzokera kakawanda sei kune vaya vatinogara tichiendesera magazini?
3 Tinofanira Kudzokera Kakawanda Sei? Unofanira kudzokera kamwe chete pamwedzi uchiendesa magazini anenge achangobuda kune vaya vaunogara uchiendesera magazini. Asi zvichienderana nemamiriro ako ezvinhu uye kufarira kwemunhu wacho, unogona kusarudza kumushanyira kakawanda. Somuenzaniso, vhiki imwe kana mbiri wamusiira magazini, unogona kudzokera woti, “Ndangoti ndipfuure ndichitaura chimwe chinhu kwenguva pfupi nezvemagazini andakakusiyirai.” Izvi zvichaita kuti munhu wacho ave nechido chekuverenga imwe nyaya. Kana akatoiverenga kare, unogona kumubvunza kuti anofungei nezvenyaya yacho, moikurukura kwenguva pfupi. Kana munhu wacho achifarira kuverenga mabhuku edu, unogona kudzoka womuratidza turakiti, bhurocha, kana kuti bhuku raunenge uchigovera mwedzi wacho.
4. Zvii zvatingaita nguva nenguva kuti tione kana vaya vatinogara tichiendesera magazini vachida kudzidza Bhaibheri?
4 Usamirira kuti saimba akukumbire kuti udzidze naye. Tanga iwe kutaura naye. Kunyange kana akamboramba kudzidza Bhaibheri kare, nguva nenguva unogona kumuratidza pakanzi “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa” muNharireyomurindi, woona kana achida kukurukura newe. Zvimwe unogona kutanga chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa takamira pasuo. Asi kana ukatadza kutanga chidzidzo, unogona kuramba uchimuendesera magazini kuitira kuti afarire.