Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuva Nevanhu Vaunogara Uchiendesera Magazini
Sei Zvichikosha? Kune vakawanda vanofarira kuverenga magazini edu asi vasingadi kudzidza nesu Bhaibheri. Zvichida vanogutsikana nechitendero chavo kana kuti vanoona sokuti havana nguva yokudzidza. Asi kana vakagara vachiverenga magazini edu, vangada kuziva zvakawanda nezveShoko raMwari. (1 Pet. 2:2) Vanogona kubayiwa mwoyo nenyaya yavanenge vaverenga kana kuti mamiriro avo ezvinhu anogona kuchinja. Kugara tichivashanyira kwenguva pfupi, kunoita kuti vajairane nesu, zvoita kuti tizive zvavanofarira nezvinovanetsa. Nekufamba kwenguva, vangabvuma kudzidza nesu Bhaibheri.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Nyora mazita evanhu vaunoda kuzogara uchiendesera magazini. Vape magazini emwedzi iwoyo, wovaudza kuti uchavaunzira magazini emwedzi unotevera.