“Kudyara Mbeu yoUmambo” Kwakamirirwa Magazini
1 Rwiyo 133 muna Imbirai Jehovha Rumbidzo rune musoro unoti “Kudyara Mbeu yoUmambo.” Rwakavakirwa pamuenzaniso waJesu unofananidza basa rokuita vadzidzi nokudyara mbeu. (Mat. 13:4-8, 19-23) Mashoko orwiyo rwacho anoti: “Kuwira kwembeu paivhu kwaro/Kunotsamira pauri.” Tingawedzera sei kubudirira kwoushumiri hwedu? Imwe nzira kutanga ndokuchengeta kwakamirirwa magazini.
2 Zvinangwa zvakawanda zvingaitika kupfurikidza nekwakamirirwa magazini. (1) Kushanya nguva dzose vhiki mbiri dzoga dzoga kunokugonesa kutanga kushamwaridzana nomunhu anofarira. (2) Unoita kuti munhu iyeye arambe achiwana mashoko anoponesa upenyu ari muNharireyomurindi neMukai! nguva dzose. (3) Kupfurikidza nokukurukurirana kwenyu ungabetsera munhu wacho kuti apange chokwadi cheMagwaro, zvinogona kuita kuti muzofunda Bhaibheri.—1 Pet. 2:2.
3 Nzira Yokutanga Nayo Kwakamirirwa Magazini: Pose apo mumwe munhu anongofarira magazini chete, tsanangura kuti nyaya dzakasiyana nedzimwe dzinobuda muchinyorwa choga choga uye kuti uchafara kuzviunza mavhiki maviri oga oga. Kana wabvapo, nyora zita romunhu wacho nekero, zuva rawashanya, misi yezvinyorwa zvagoverwa, nyaya yakurukurwa, uye nhau dzanyanyofadza munhu wacho.
4 Unogona kutanga kwakamirirwa magazini uchingova navanhu vashomanene chete. Ipapo shanda kuti uwedzere kupfurikidza nokuwedzera vamwe vaunogovera magazini. Sezvo vanomirira magazini ako vanowanda, unogona kuvaronga maererano nekwavanogara kuitira kuti zvive nyore kuvaona vose. Chengeta chinyorwa chakanyatsonaka chezvinyorwa zvakagoverwa pakushanya kwoga kwoga uye kuti rini. Wedzera mashoko anotaura zvamakakurukurirana uye kuti uchapfuurira sei kukudza kufarira chokwadi kwomunhu wacho pakushanya kunotevera.
5 Batanidza Vazvinabhizimisi Nevanhu Vanoshanda: Zvinowanzoitika zvinoratidza kuti vatengesi vomuzvitoro nevamwe vanoshanda vangangogamuchira magazini edu nguva dzose. Mumwe mukuru aitova nameya wedhorobha rake aimirira magazini. Mumwe muparidzi akatanga kufunda nomuridzi wekambani inotengesa zvokuvakisa ane makore 80 pashure pokumuendesera magazini kwemakore gumi akatevedzana!
6 Imwe hanzvadzi piyona yakapinda muchitoro ndokusangana nevamwe varoorani vasina kuigamuchira noushamwari. Zvisinei, sezvo vakagamuchira magazini, yakafunga kuwedzera varoorani vacho pane vakamirira magazini ayo. Pashure penguva yakati, hanzvadzi yacho yakanga yoda kurega kuvashanyira nokuti vakanga vasina ushamwari uye vakanga vasina zvakawanda zvokutaura, kunyange paaivabvunza zvavaifunga. Asi hanzvadzi yacho yakanyengeterera nhau yacho uye pakupedzisira yakagovera varoorani vacho bhuku raKurarama Nokusingaperi. Pashure pokurirava, mudzimai wacho akadanidzira kuti: “Pakupedzisira, ndawana chokwadi!” Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye gare gare varoorani vacho vakabhabhatidzwa. Kushivirira kwapiyona wacho chokwadi kwakabereka zvibereko.
7 Kuita Shanyo Dzedzokerero: Paunogamuchira magazini itsva, rava nyaya imwe neimwe. Tsvaga mifungo ichafadza munhu oga oga pavanhu vakamirira magazini ako. Zvino paunodzoka, unogona kuti: “Pandairava nyaya iyi, ndakakufungai uye kuti ingakufadzai sei.” Vaparidzi vamazera ose vanogona kunakidzwa nekuva nekwakamirirwa magazini. Kunyange mwana muduku anogona kuti: “Ndafara kukuonaizve. Makopi enyu achangobva kubudiswa eNharireyomurindi neMukai! auya. Ndinofunga kuti muchafarira nyaya iyi inoti . . . ”
8 Nyandura kuda kuziva nyaya dzinotevera kupfurikidza nokumuratidza bhokisi rakanzi “Dziri Muchinyorwa Chedu Chinotevera.” Apo nyaya dzinobuda dzichitevedzana, ratidza izvozvo uye kurudzira muravi kuti asarega kurava rutivi rwayo chero rwupi zvarwo. Usakanganwe kuti nguva yoga yoga yaunoendesa magazini kumunhu anomirira magazini ako, ingaverengwa seshanyo yedzokerero. Uye kupfuura zvose, yeuka kuti vavariro yedu ndeyokuita kuti shanyo idzi dzive fundo dzeBhaibheri dzapamusha.
9 Shanyira Vanhu Vakamirira Magazini Ako Nguva Dzose: Unogona kuona vanhu vako vose vakamirira magazini chero panguva ipi zvayo inoita—pamangwanani ezuva romukati mevhiki, mumasikati makuru, pakuvamba mumanheru, kana kuti pakupera kwevhiki pashure pokuva nenguva mubasa rapaimba neimba. Kana usingakwanisi kuona vanhu vako vose vakamirira magazini nemhaka yokurwara kana kuti kuenda kuzororo, kumbira mumwe muparidzi ari mumhuri yako kana kuti muungano kuti akuendesere magazini acho. Zvikaitwa kudaro, vanhu vakamirira magazini ako havazokundikani kuwana magazini avo panguva.
10 Imwe nzira yokudyara nayo mbeu yoUmambo kuendesa Nharireyomurindi neMukai! nguva dzose kuvanhu vose vakamirira magazini ako. Sezvaunovadzidzisa chokwadi chemuMagwaro, vangawana mufungo weshoko roUmambo vopedzisira vava kubereka zvibereko pamwe chete newe.—Mat. 13:8, 23.