Purogiramu Yevhiki yaJanuary 27
VHIKI INOTANGA NAJANUARY 27
Rwiyo 106 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 2 ¶1-11 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 17-20 (10 min.)
Nha. 1: Genesisi 17:18–18:8 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Jesu Haana Kuenda Kudenga Nemuviri Wenyama—rs p. 311 ¶2–p. 312 ¶2 (5 min.)
Nha. 3: Nei Amagedhoni Ichiratidza Rudo rwaMwari?—td 1B (5 min.)
Musangano Webasa:
5 min: Tanga Chidzidzo cheBhaibheri paMugovera Wokutanga. Hurukuro. Taurai urongwa hweungano hwekuparidza paMugovera wokutanga muna February, uye kurudzirai vose kutanga zvidzidzo paMugovera wokutanga. Ivai nemuenzaniso mupfupi muchishandisa mharidzo yokuenzanisira iri papeji 4.
15 min: Ndezvipi Zvaunovavarira Kuita Pakunamata? Kukurukurirana kubva mubhuku raTakarongwa, peji 117, ndima 1, kusvika panoperera chitsauko chacho. Bvunzurudzai muparidzi mumwe chete kana vaviri vakakwanisa kuita zvavaivavarira zvokuita basa renguva yakazara. Vakakurudzirwa sei nevamwe? Zvipingamupinyi zvipi zvavakakunda? Zvikomborero zvipi zvavakawana?
10 min: “Kuva Nevaunogara Uchiendesera Magazini Kunobatsira Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri.” Mibvunzo nemhinduro. Kumbirai vateereri kuti vataure kuti vakakwanisa sei kutanga chidzidzo cheBhaibheri nemunhu wavaigara vachiendesera magazini.
Rwiyo 103 Nemunyengetero