Shandisa Bhaibheri Neunyanzvi
1. Nei Bhaibheri richibatsira chaizvo?
1 Kushandisa neunyanzvi Shoko raMwari rakafuridzirwa kunoita kuti tizivise uye tidzidzise chokwadi zvakajeka tofumura dzidziso dzenhema netsika dzevanhu.—2 Tim. 2:15; 1 Pet. 3:15.
2. Chii chichatibatsira kuwana magwaro neunyanzvi?
2 Wedzera Kuziva Bhaibheri: Kungofanana nokushandisa chishandiso chero chipi zvacho, unyanzvi hunovapo nokuwedzera ruzivo. Kuverenga Bhaibheri kubva kwokutanga kusvika kumucheto kunokubatsira kunzwisisa pfungwa huru yeBhaibheri rose. Izvi zvinokubatsirawo kuyeuka magwaro uye kuawana zviri nyore. Ruzivo rwako rweMagwaro zvarunowedzera, uchanyanya kutaura uchishingaira uye uine chokwadi nezvaunenge uchitaura paunenge uchipupurira vamwe zvisina kurongwa uye muushumiri hwomumunda.—1 VaT. 1:5.
3, 4. (a) Tingawedzera sei kuziva kwatinoita Bhaibheri? (b) Wakashandisa dzimwe nzira here kuziva Magwaro?
3 Iva netsika yokuvhura Bhaibheri rako woverengawo parinenge richiverengwa pamisangano yeungano. Paunenge uchidzidza uri woga uye uchigadzirira misangano yeungano, tarira Magwaro asina kunyorwa mashoko awo wofungisisa kushanda kwaanoita. Vakawanda vanoona kuti kuverenga magwaro eBhaibheri muBhaibheri racho chairo pane kuverenga pakombiyuta kana kuti rimwe pepa kunoita kuti zvive nyore kuzoawana paanenge achidiwa muushumiri.—Joh. 14:26.
4 Dzimwe mhuri dzakaronga kuva nenguva yokuisa ndima dzeBhaibheri mumusoro. Izvi zvingaitwa nokushandisa tumakadhi twakanyorwa rugwaro kudivi rimwe chete uye mashoko orugwaro rwacho kune rimwe divi. Vanobvunzana mashoko orugwaro rwacho, kana kuti paanowanika. Kuenzanisira mharidzo uye kuenzanisira kupindura kwatingaita munhu anenge achiramba kuparidzirwa kana kuti mubvunzo tichishandisa Bhaibheri kunowedzerawo unyanzvi hwedu.
5. Nei tichida kuwedzera unyanzvi hwedu hwokushandisa Bhaibheri?
5 Hapana rimwe bhuku rinokosha kufanana neBhaibheri. Zvakanyorwamo ndizvo chete zvinoita kuti vanhu vave ‘vakachenjera kuti vawane ruponeso.’ (2 Tim. 3:15) Vanhu vakawanda vari mundima yedu zvavasingazivi pfuma inokosha iri muBhaibheri, tine chikonzero chakanaka chokuwedzera unyanzvi hwedu pakuvaratidza zvingawanikwa muBhaibheri.—Zvir. 2:1-5.