Chikamu 3—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Kushandisa Magwaro Zvinobudirira
1. Nei tichifanira kusimbisa Magwaro patinenge tichiitisa zvidzidzo zveBhaibheri?
1 Chinangwa chedu pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri ‘ndechokuita vadzidzi’ patinobatsira vanhu kunzwisisa uye kugamuchira dzidziso dzeShoko raMwari vodzishandisa muupenyu hwavo. (Mat. 28:19, 20; 1 VaT. 2:13) Saka, chidzidzo chacho chinofanira kuvakirwa paMagwaro. Kutanga, zvingabatsira kuratidza vadzidzi kuti vangawana sei magwaro akati muBhaibheri ravo. Zvisinei, tingashandisa sei Magwaro kuti tibatsire vakadaro kufambira mberi mune zvokunamata?
2. Tinosarudza sei magwaro eBhaibheri atinoverenga uye atinokurukura?
2 Sarudza Magwaro Auchaverenga: Paunenge uchigadzirira, ona kuti rugwaro rumwe norumwe ruri muchidzidzo chacho rusina kunyorwa mashoko arwo runoshanda sei papfungwa iri kukurukurwa, uye sarudza kuti ndeapi amuchaverenga mokurukura pamunenge muchidzidza. Kazhinji, zvakanaka kuverenga Magwaro aya anoratidza panobva zvatinotenda. Pangasava nechikonzero chokuverenga magwaro anopa mashoko okuwedzera panyaya yacho. Funga zvinodiwa nomudzidzi mumwe nomumwe uye mamiriro ezvinhu zvake.
3. Kushandisa mibvunzo kwakanakirei, uye izvi tingazviita sei?
3 Shandisa Mibvunzo: Pane kutsanangurira mudzidzi wacho magwaro eBhaibheri, ita kuti iye akutsanangurire. Unogona kumukurudzira kuita izvi nokushandisa mibvunzo nounyanzvi. Kana kushanda kworugwaro rwacho kuri pachena, ungangobvunza kuti rugwaro rwacho runotsigira sei zviri mundima yacho. Dzimwe nguva, zvingada mubvunzo wakananga kana kuti mibvunzo inotevedzana kuti mudzidzi aone mhedziso yakarurama. Kana mamwe mashoko achidiwa, ungazoataura pashure pokunge mudzidzi wacho apindura.
4. Magwaro atinoverenga angada kutsanangurwa zvakadini?
4 Ita Kuti Zvirambe Zviri Nyore: Nyanzvi yokupfura nouta inowanzoda museve mumwe bedzi kuti ipfure chinhu chairi kuda. Saizvozvowo, mudzidzisi ane unyanzvi haafaniri hake kutaura mashoko akawanda kuti asimbise pfungwa yakati. Anogona kutaura mashoko zviri nyore, zvakajeka, uye zvakarurama. Dzimwe nguva, ungada kutsvakurudza mumabhuku echiKristu kuti unzwisise rugwaro worutsanangura zvakarurama. (2 Tim. 2:15) Asi usaedza kutsanangura zvose zviri murugwaro rumwe norumwe pamunenge muchidzidza. Taura zvinongodiwa chete kuti usimbise pfungwa iri kukurukurwa.
5, 6. Tingabatsira sei vadzidzi kuti vashandise Shoko raMwari muupenyu hwavo, asi chii chatisingafaniri kuita?
5 Taura Kuti Mashoko Acho Anoshanda Sei: Pazvinenge zvakakodzera, batsira mudzidzi kuti aone kuti magwaro eBhaibheri anoshanda sei kwaari. Somuenzaniso, paunokurukura VaHebheru 10:24, 25 nomudzidzi asati ava kupinda misangano yechiKristu, ungatsanangura mumwe wemisangano womukoka kuti azoupinda. Asi usamumanikidza. Bvumira Shoko raMwari kuti rimukurudzire kuita zvinodiwa kuti afadze Jehovha.—VaH. 4:12.
6 Sezvatinoita basa rokuita vadzidzi, ngatiitei kuti “kuteerera kusimudzirwe nokutenda” nokushandisa kwatinoita Magwaro zvinobudirira.—VaR. 16:26.