RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 June p. 32
  • Zvaungaita Kuti Uyeuke Mavhesi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Uyeuke Mavhesi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Bhaibheri Neunyanzvi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Kutungamirira Ngwariro kuBhaibheri
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashandisiro Atingaita JW Library
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Magwaro Ashandiswa Zvakarurama
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 June p. 32

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Zvaungaita Kuti Uyeuke Mavhesi

Wakamboomerwa nekuyeuka imwe vhesi iri muBhaibheri yaunofarira here? Inogona kunge iri vhesi inokunyaradza, inokubatsira kurwisa pfungwa dzakaipa, kana kuti yauri kuda kuudza mumwe munhu. (Pis. 119:​11, 111) Ona zvimwe zvinogona kukubatsira kuyeuka mavhesi.

  • Shandisa matag paJW Library®. Gadzira tag woripa zita rekuti “Mavhesi Andinofarira.” Paunenge uchiverenga Bhaibheri paJW Library wobva waona vhesi rauri kuda kuzoyeuka, unogona kuriisa tag iroro kuti zvizova nyore kuwana vhesi racho.

  • Isa vhesi racho pekuti unogara uchiriona. Nyora pabepa vhesi rauri kuda kuyeuka wobva waisa bepa racho pekuti unogara uchiriona. Unogona kunamira bepa racho pamadziro kana kuti padhoo refiriji. Vamwe vanotora pikicha yevhesi racho vobva vaiisa mufoni kana mukombiyuta mavo pekuti kana vakangoibatidza vanobva vaiona.

  • Gadzira makadhi anokubatsira kubata mavhesi nemusoro. Nyora mashoko evhesi raunoda kuyeuka kune rimwe divi rekadhi uye kuseri kwacho wonyora kuti vhesi racho nderipi. Unogona kuzotarisa divi rawanyora mashoko evhesi racho woedza kuona kana uchiri kuyeuka rugwaro rwakatorwa mashoko iwayo. Kana kuti unogona kutarisa divi rine rugwaro rwacho woedza kuona kana uchiri kuyeuka mashoko evhesi racho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe