Batsirwa Zvizere Nemisangano Yebasa Romumunda
1. Misangano yebasa romumunda ingatibatsira sei?
1 Misangano yebasa romumunda inobatsira inokurudzira zvikuru uye inopa mirayiridzo inobatsira tisati taenda muushumiri. Inoita kuti tishande nevamwe tichitsigirana nokudzidzisana. (Zvir. 27:17; Mup. 4:9, 10) Tingaita sei kuti tibatsirwe zvizere nemisangano iyi?
2. Ndezvipi zvimwe zvezvinhu zvingakurukurwa nomuitisi?
2 Muitisi: Hapana mashoko akananga anofanopiwa emisangano iyi. Naizvozvo, kugadzirira kwakanaka kunodiwa kana uchizoitisa. Haufaniri kubva wangoronga kukurukura rugwaro rwezuva, kunyange zvazvo ungasarudza kurubatanidza kana ruchitaura zvakananga nezvoushumiri. Funga nezvezvinhu zvingabatsira zvikuru vaya vari kuparidza zuva iroro. Somuenzaniso, ungasarudza kukurukura kana kuti kuenzanisira mharidzo. Ungasarudza kudzokorora chimwe chinhu kubva mubhuku raKurangarira, kana kuti mubhuku reChikoro Choushumiri, kana kuti muhurukuro yepaMusangano Webasa wenguva pfupi yapfuura. Pane dzimwe nguva, ungakurukura kuti, kana chinetso chikavapo mundima yenyu mungaita sei, kana kuti ungakurukura nezvezvingaitwa kuti munhu afarire uye kutanga kudzidzisa vanhu Bhaibheri, zvikurukuru kana vakawanda vachizodzokerazve. Pasinei nokuti zvii zvichakurukurwa, iva nechido uye iva anokurudzira.
3. Musangano wacho unofanira kuitwa kwenguva yakareba zvakadini, uye chii chinofanira kuitwa panguva iyoyo?
3 Tanga musangano wacho panguva chaiyo, kunyange zvazvo uchiziva kuti vamwe vachanonoka. Sarudza zvakanaka pakuronga mapoka, uye ipa ndima kune vanoida. Musangano wacho haufaniri kupfuura maminitsi 10 kana kuti 15 uye unofanira kuva mupfupi zvikuru kana uchizoitwa pashure pemisangano yeungano. Usati wapera, vanhu vose vanofanira kuziva wavachashanda naye uye kwavachashanda. Unofanira kugumiswa nomunyengetero.
4. Chii chichaita kuti vanhu vose vabatsirwe zvizere nomusangano webasa romumunda?
4 Unogona Kubatsira: Sezvinongoitwa pamisangano yeungano, tinoremekedza Jehovha uye tinofungawo vamwe nokusvika panguva chaiyo. Batanidzwawo pakukurukurirana kwacho. Unogona kuita kuti muitisi aronge kuti ushande nomumwe munhu, kana kuti ungasarudza kufanoronga wauchashanda naye. Kana uchida kuzvirongera, edza ‘kuwedzera’ nokushanda nevaparidzi vakasiyana-siyana, pane kushanda neshamwari dzepedyo nguva dzose. (2 VaK. 6:11-13) Kana musangano wacho wangopera, musachinja zvarongwa, uye ibvai maenda kundima yacho.
5. Chinangwa chemisangano yebasa romumunda ndechei?
5 Chinangwa chemisangano yebasa romumunda chakangofanana nechemisangano yeungano. Inorongwa kuti “tirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.” (VaH. 10:24, 25) Kana tikaedza kubatsirwa nemisangano iyi, tichabatsirwa kuita ushumiri hwedu—‘basa rakanaka’ zvikuru!