RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/09 p. 5
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 8/09 p. 5

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naAugust 31, 2009. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 20 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJuly 6 kusvika kuna August 31, 2009.

1. Nei munhu ‘aituka’ vabereki vake aifanira kuurayiwa? (Revh. 20:9) [w04-CA 5/15 p. 24 ndima 6]

2. Sezvo varume vose vaifanira kuva paMutambo weMakeke Asina Kuviriswa, ndiani aikohwa zvibereko zvokutanga zvechibayiro chebhari? (Revh. 23:5, 11) [w07-CA 7/15 p. 26 ndima 3]

3. Chii chinofananidzirwa negore reJubheri? (Revh. 25:10, 11) [w04-CA 7/15 map. 26-27]

4. “Zviratidzo” zvinotaurwa pana Numeri 2:2 zvaikosha here pakunamata kwevaIsraeri? [w02-CA 9/15 p. 21 ndima 4]

5. Vazivisi voUmambo venguva yakazara vemazuva ano vanoratidza maonero akaita sei akafanana neayo evaNaziri vomuIsraeri yekare? (Num. 6:3, 5, 6) [w04-CA 8/1 map. 24-25]

6. Ipfungwa ipi inokosha inowanika pamutemo wokurega basa kwevaRevhi inoshanda pavanhu vaJehovha nhasi? (Num. 8:25, 26) [w04-CA 8/1 p. 25 ndima 1]

7. VaIsraeri vakasvika sei pakuva “nenhomba youdyire,” uye vaKristu vanhasi vangadzidzei pane zvakaitika izvozvo? (Num. 11:4) [w01-CA 6/15 map. 14-15; w95-CA 3/1 p. 16 ndima 10]

8. Nei Miriyemu naAroni vakanyunyutira Mosesi, uye nei Miriyemu ari iye oga akarohwa nemaperembudzi? (Num. 12:1, 9-11) [w04-CA 8/1 p. 26 ndima 1, 2]

9. Kusiyana kwemasa yemupendero wenguo dzevaIsraeri neimwe kunotidzidzisei nezvezvinotarisirwa naMwari kuti zviitwe? (Num. 15:37-41) [w04-CA 8/1 p. 26 ndima 7]

10. Muenzaniso upi unonyevera unowanika pana Numeri 21:5? [w99-CA 8/15 map. 26-27]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe