Chikamu 10—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Kudzidzisa Vadzidzi Muushumiri Hwepaimba Neimba
1 Kana vakuru vakaona kuti mudzidzi weBhaibheri anokwanisa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, angatanga kuparidzira neungano. (Ona bhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, mapeji 79-81.) Tingabatsira sei mudzidzi wacho kuti ave noushingi hwokuparidza paimba neimba?
2 Kugadzirira Pamwe Chete: Hapana chinotsiva kugadzirira kwakanaka. Ratidza mudzidzi kwaangawana mharidzo dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo uye mubhuku raKurangarira, uye mubatsire kuti asarudze mharidzo iri nyore inoshanda mundima yenyu. Kubvira pakutanga, mukurudzire kushandisa Bhaibheri muushumiri hwake.—2 Tim. 4:2.
3 Zvinobatsira chaizvo kuti mudzidzi mutsva adzidzire mharidzo. Mudzidzi paanodzidzira mharidzo dzacho, muratidze kuti angaita sei nouchenjeri pane zvaanosangana nazvo mundima. (VaK. 4:6) Muvimbise kuti vashumiri vechiKristu havafaniri havo kuziva mhinduro dzemibvunzo yose ingabvunzwa nasaimba. Kazhinji zvakanaka zvikuru kupindura mibvunzo yakadaro nokukumbira kumbonotsvakurudza wozodzoka kuzokurukurazve nyaya yacho.—Zvir. 15:28.
4 Kuparidza Pamwe Chete: Mudzidzi paanotanga ushumiri hwepaimba neimba, ita kuti acherechedze paunenge uchikurukura mharidzo yamakagadzirira muri pamwe chete. Zvadaro ita kuti akurukurewo. Pane dzimwe nguva, zvingava zvakanaka kuti muparidzi mutsva aite chimwe chikamu chemharidzo yacho, zvakadai sokuverenga uye kutsinhira rugwaro. Fungawo nezvounhu nemano zvomudzidzi wacho. (VaF. 4:5) Murumbidze chaizvo sezvaunomudzidzisa zvishoma nezvishoma nzira dzakasiyana-siyana dzokuita basa rokuparidza.
5 Zvinokosha kubatsira muparidzi mutsva kuti ave nepurogiramu yenguva dzose yokubuda muushumiri, achibuda vhiki nevhiki kana zvichiita. (VaF. 3:16) Nyatsorongai kuti mushande mose muushumiri, uye mukurudzire kuti ashandewo nevamwe vaparidzi vanoshingaira. Muenzaniso wavo uye kushamwaridzana navo zvichamubatsira kuti ave nounyanzvi owana mufaro mukuparidza paimba neimba.