Chikamu 11—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Kubatsira Vadzidzi Kudzokerazve
1 Mudzidzi weBhaibheri paanotangawo kuparidza, achasangana nevanhu vanoratidza kufarira mashoko akanaka. Tingabatsira sei mudzidzi mutsva kuti adzokerezve achibudirira okudziridza kufarira kwaanenge awana?
2 Kugadzirira kudzokerazve kunotanga pakushanya kwokutanga. Kurudzira mudzidzi wacho kuti afarire vaanotaura navo nomwoyo wose. (VaF. 2:4) Zvishoma nezvishoma mudzidzise kuti avaite kuti vataure zvavanofunga, kuti ateerere mhinduro dzavo, uye ateerere zvavanotaura zvinovashungurudza. Kana mumwe munhu akafarira, ita kuti muparidzi mutsva anyore zvaaona pakushanya kwacho. Shandisa mashoko iwayo kuti umubatsire kuronga kumwezve kurukurirana.
3 Kugadzirira Kudzokerazve: Dzokorora zvamakambotaura pakushanya kwokutanga, uye ratidza mudzidzi wacho kuti anosarudza sei zvinhu zvine chokuita nemashoko oUmambo achafarirwa nasaimba. (1 VaK. 9:19-23) Gadzirirai pamwe chete mharidzo pfupi ine rugwaro rumwe chete rweBhaibheri pamwe chete neimwe ndima inobva mubhuku rinodzidzwa. Uyezve, gadzirirai mubvunzo ungabvunzwa panopera kukurukurirana kwacho kuti muronge pokutangira pakushanya kunotevera. Ratidza muparidzi mutsva kuti angawedzera sei zivo yomunhu wacho yeShoko raMwari pose paanoshanya.
4 Kudzidzisa mudzidzi wacho sumo iri nyore kunobatsirawo. Akwazisa saimba, angati: “Ndakanakidzwa nokukurukurirana kwatakaita nguva yakapfuura, uye ndadzokazve kuti tikurukure mamwezve mashoko anobva muBhaibheri pamusoro pe- [taura musoro wenyaya yacho].” Ungafanirawo kuratidza muparidzi mutsva zvaanofanira kuita kana pasuo pacho pakauya mumwewo munhu.
5 Dzokerazve Nokukurumidza: Kurudzira mudzidzi wacho kuti aratidze muenzaniso wakanaka wokukurumidza kudzokerazve kune vose vanenge vafarira. Kuwana vanhu vari pamba kungada kuti arambe achidzokera. Dzidzisa mudzidzi wacho kuti anorangana sei nasaimba kuti azoshanyazve, uye mubatsire kuti anzwisise kuti anofanira kudzokerazve sokuvimbisa kwaakaita. (Mat. 5:37) Dzidzisa muparidzi mutsva kuti ave nomutsa, ane hanya, neanoremekedza sezvaanotsvaka vakafanana namakwai oita kuti varambe vachifarira.—Tito 3:2.