RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/05 pp. 3-6
  • Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mabhuku Akanzi Ashandiswe
  • Chikamu 2: Kugadzirira Kuitisa Chidzidzo
  • Kugadzirira Kwaungaita
  • Ita Kuti Chidzidzo Chienderane Nezvinodiwa Nomudzidzi
  • Chikamu 3: Kushandisa Magwaro Zvinobudirira
  • Dzidzisa Kubva muShoko raMwari
  • Chikamu 4: Kudzidzisa Vadzidzi Kuti Vagadzirire
  • Kutara uye Kunyora
  • Kumboongorora uye Kudzokorora
  • Chikamu 5: Kuona Kuti Mungakurukura Zvakawanda Sei
  • Vaka Kutenda Kwakasimba
  • Usatsauswa
  • Chikamu 6: Mudzidzi Paanobvunza Mubvunzo
  • Iva Anonzwisisa
  • Iva Nomwero
  • Chikamu 7: Kunyengetera Pamunodzidza
  • Kutanga Nomunyengetero
  • Zvingataurwa Muminyengetero Yacho
  • Chikamu 8: Kutungamirira Vadzidzi Kusangano
  • Misangano Yeungano
  • Shandisa Mavhidhiyo Kuti Vafarire
  • Chikamu 9: Kubatsira Vadzidzi Kuparidza Zvisina Kurongwa
  • Vakurudzire Kuparidza
  • Vadzidzise Kuudzawo Vamwe Zvavanotenda
  • Chikamu 10: Kudzidzisa Vadzidzi Muushumiri Hwepaimba Neimba
  • Kugadzirira Pamwe Chete
  • Kuparidza Pamwe Chete
  • Chikamu 11: Kubatsira Vadzidzi Kudzokerazve
  • Kugadzirira Kudzokerazve
  • Dzokerazve Nokukurumidza
  • Chikamu 12: Kubatsira Vadzidzi Kutanga Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri
  • Kutaura Nezvokudzidza Bhaibheri
  • Kudzidzisa Vadzidzi Kuva Vadzidzisi
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Nyatsogadzirira Kudzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 9/05 pp. 3-6

Chengeta

Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi

Wedzero iyi mubatanidzwa wepfungwa dzinokosha dzinobva munyaya dzinotevedzana pakudzidzisa vanhu Bhaibheri zvinofambira mberi dzakabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tose tinokurudzirwa kuchengeta wedzero ino uye kuishandisa patinenge tichidzidzisa vanhu Bhaibheri. Uyezve, pfungwa dziri muwedzero ino dzingakurukurwawo pamisangano yebasa romumunda, uye vatariri vebasa vangadzishandisa pakupa hurukuro pavanoshanyira mapoka ezvidzidzo zvebhuku.

Chikamu 1: Chidzidzo cheBhaibheri Chii?

Kana uchigara uchikurukura Bhaibheri nevanhu nenzira yakarongwa, kunyange kwenguva shomanana, uchishandisa Bhaibheri pamwe chete nemabhuku akanzi ashandiswe, uri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Chidzidzo chacho chingashumwa kana chaitiswa kaviri pashure pokunge waratidza madzidziro acho uye kana zvaratidzika kuti mucharamba muchidzidza.—km 7/04 p. 1.

Mabhuku Akanzi Ashandiswe

◼ Mwari Anodei Kwatiri?

◼ Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi

◼ Namata Mwari Wechokwadi Bedzi

◼ Bhurocha raUnogona Kuva Shamwari yaMwari! ringashandiswa kudzidza nevanhu vasina kunyanya kudzidza kana kuti vasingagoni kunyatsoverenga.

Chikamu 2: Kugadzirira Kuitisa Chidzidzo

Tinofanira kutaura mashoko acho nenzira inobaya mwoyo womudzidzi. Izvi zvinoda kunyatsogadzirira tichifunga mudzidzi wacho.—km 8/04 p. 1.

Kugadzirira Kwaungaita

◼ Imbotarisa musoro wacho, misoro miduku, uye mifananidzo, mepu, machati nezvimwewo zviri muchitsauko chacho kana kuti chidzidzo.

◼ Tsvaka mhinduro dzemibvunzo yakadhindwa, uchingotara mashoko anokosha chete.

◼ Sarudza kuti ndeapi magwaro achaverengwa pamunenge muchidzidza. Nyora mashoko mashoma mumicheto mebhuku racho.

◼ Gadzirira kuzodzokorora pfungwa huru muchidimbu.

Ita Kuti Chidzidzo Chienderane Nezvinodiwa Nomudzidzi

◼ Nyengeterera mudzidzi wacho uye zvaanoda.

◼ Fungidzira nezvepfungwa dzingaomera mudzidzi wacho kunzwisisa kana kuti kugamuchira.

◼ Zvibvunze kuti: Chii chaanoda kuti anzwisise kana kuti kushandira pachiri kuti afambire mberi mune zvokunamata? Ndingasvika sei pamwoyo wake?

◼ Pazvinenge zvakakodzera, gadzirira muenzaniso, tsanangudzo, kana kuti mibvunzo kuti ubatsire mudzidzi wacho kunzwisisa zvinoreva imwe pfungwa kana kuti rugwaro.

Chikamu 3: Kushandisa Magwaro Zvinobudirira

Chinangwa chedu pakudzidzisa vanhu Bhaibheri ‘ndechokuita vadzidzi’ nokubatsira vanhu kunzwisisa uye kugamuchira dzidziso dzeShoko raMwari vodzishandisa muupenyu hwavo. (Mat. 28:19, 20; 1 VaT. 2:13) Saka, chidzidzo chacho chinofanira kuvakirwa paMagwaro.—km 11/04 p. 4.

Dzidzisa Kubva muShoko raMwari

◼ Ratidza mudzidzi kuti angawana sei magwaro ari kudiwa muBhaibheri rake.

◼ Verenga uye kurukura magwaro eBhaibheri anoratidza panobva zvatinotenda.

◼ Shandisa mibvunzo. Pane kutsanangurira mudzidzi wacho magwaro eBhaibheri, ita kuti iye akutsanangurire.

◼ Ita kuti zvirambe zviri nyore. Usaedza kutsanangura zvose zviri murugwaro. Taura zvinongodiwa chete kuti ujekese pfungwa yacho.

◼ Taura kuti mashoko acho anoshanda sei. Batsira mudzidzi kuti aone kuti magwaro eBhaibheri anoshanda sei kwaari.

Chikamu 4: Kudzidzisa Vadzidzi Kuti Vagadzirire

Mudzidzi anoverenga chidzidzo musati madzidza, anotara mhinduro, uye anofunga kuti angataura sei mhinduro dzacho asingaiti zvokuverenga, anokurumidza kufambira mberi mune zvokunamata. Naizvozvo, kana mangotanga kudzidza nguva dzose, gadzirirai chidzidzo chacho pamwe chete nomudzidzi uchimuratidza kuti zvinoitwa sei. Vadzidzi vakawanda vachabatsirwa kana mukagadzirira chitsauko chacho chose kana kuti chidzidzo chacho chose muri mose.—km 12/04 p. 1.

Kutara uye Kunyora

◼ Tsanangura kuti anowana sei mhinduro dzakananga dzemibvunzo yakadhindwa.

◼ Ratidza waunodzidza naye bhuku rako ramuri kudzidza rawakatara mashoko anokosha chete.

◼ Batsira mudzidzi kuona kuti rugwaro rumwe norumwe ruripo runotsigira pfungwa iri mundima yacho, uye muratidze kuti angazvinyora sei muchidimbu mumucheto mebhuku raari kudzidza.

Kumboongorora uye Kudzokorora

◼ Ratidza mudzidzi wacho kuti anogona kuongorora sei kwenguva pfupi chitsauko chacho kana kuti musoro wechidzidzo chacho, misoro miduku, uye mifananidzo asati atanga kugadzirira.

◼ Kurudzira mudzidzi wacho kudzokorora pfungwa huru pamunopedza kugadzirira.

Chikamu 5: Kuona Kuti Mungakurukura Zvakawanda Sei

Kuwanda kwezvichadzidzwa kunoenderana nemano uye mamiriro ezvinhu omudzidzisi nomudzidzi wacho.—km 1/05 p. 1.

Vaka Kutenda Kwakasimba

◼ Usatadzisa mudzidzi kunyatsonzwisisa Shoko raMwari pamusana pokuti unoda kukurumidza kupedza.

◼ Pedza chero nguva yakakodzera kuti ubatsire mudzidzi kunzwisisa uye kugamuchira zvaari kudzidza.

◼ Zvipe nguva yakakwana yokukurukura magwaro anokosha ayo anoratidza pari kubva zviri kudzidzwa.

Usatsauswa

◼ Kana mudzidzi achida kutaura zvakawandisa nezvoupenyu hwake, mungada kuronga kuzokurukura izvi mapedza kudzidza.

◼ Usanyanyisa kutaura pamunenge muchidzidza. Usanyanya kukurukura pfungwa isiri mundima kana kuti zvakaitika kuti usakanganisa mudzidzi kuwana zivo yakarurama yedzidziso dzinokosha dzeBhaibheri.

Chikamu 6: Mudzidzi Paanobvunza Mubvunzo

Kana mava kunyatsodzidza Bhaibheri zvakarongeka, zvakanaka kudzidza dzidziso dzeBhaibheri zvakarongeka pane kudarika zvimwe zvidzidzo. Izvi zvinobatsira kuti mudzidzi akudziridze hwaro hwezivo yakarurama uye afambire mberi mune zvokunamata.—km 2/05 p. 6.

Iva Anonzwisisa

◼ Mibvunzo ine chokuita nezviri kudzidzwa inogona kupindurwa pakarepo.

◼ Mibvunzo isina chokuita nezviri kudzidzwa kana kuti inoda kuti munhu atsvakurudze ingazopindurwa pane imwe nguva. Zvingabatsira kunyora mibvunzo yakadaro.

◼ Kana mudzidzi achiomerwa nokubvuma imwe dzidziso, kurukurai mashoko okuwedzera anonyatsotaura nyaya yacho.

◼ Kana mudzidzi akasagutsikana, siyai nyaya yacho mozoikurukura pane imwe nguva uye endererai mberi nokudzidza kwenyu.

Iva Nomwero

◼ Kana usingazivi mhinduro yomubvunzo, usamuudza zvaunofunga.

◼ Zvishoma nezvishoma dzidzisa mudzidzi nzira yokutsvakurudza nayo.

Chikamu 7: Kunyengetera Pamunodzidza

Kuti vadzidzi veBhaibheri vafambire mberi mune zvokunamata, zvinokosha kuti Jehovha avakomborere. Saka, zvakakodzera kuti titange uye kupedza nomunyengetero pamunhu watave kudzidza naye zvakarongeka.—km 3/05 p. 8.

Kutanga Nomunyengetero

◼ Nevaya vanofarira zvechitendero, munyengetero unogona kupiwa patinotanga chaipo kudzidza.

◼ Kune vamwe, tingafanira kunzwisisa kuti ndirini patinozotanga nomunyengetero.

◼ Ungashandisa Pisarema 25:4, 5 uye 1 Johani 5:14 kutsanangura kuti nei munyengetero uchifanira kupiwa.

◼ Ungashandisa Johani 15:16 kuratidza kuti tinofanira kunyengetera kuna Jehovha kuburikidza naJesu Kristu.

Zvingataurwa Muminyengetero Yacho

◼ Zvakakodzera kurumbidza Jehovha nokuti ndiye Anopa mirayiridzo.

◼ Taura kuti unofarira mudzidzi wacho nomwoyo wose.

◼ Taura kuti unoonga sangano riri kushandiswa naJehovha.

◼ Kumbira kuti Jehovha akomborere zviri kuedza kuitwa nomudzidzi kuti ashandise zvaari kudzidza.

Chikamu 8: Kutungamirira Vadzidzi Kusangano

Chinangwa chedu patinodzidzisa vanhu Bhaibheri hachisi chokungodzidzisa mashoko edzidziso asiwo kubatsira vadzidzi kuti vave nhengo dzeungano yechiKristu. Iva nemaminitsi mashomanana vhiki yoga yoga pamunodzidza okukurukura pfungwa imwe nezvesangano raJehovha.—km 4/05 p. 8.

Misangano Yeungano

◼ Tsanangura musangano weungano mumwe nomumwe. Vakoke kuti vapinde kubvira pachidzidzo chokutanga chaicho.

◼ Vaudze zvakakunakidza pamisangano yacho.

◼ Kudziridza chido chokuti vave paChirangaridzo, magungano, kana kuti kushanya kwomutariri wedunhu.

◼ Shandisa mifananidzo iri mumabhuku edu kuti uvabatsire kuona kuti zvinofamba sei.

◼ Vakurudzire kuverenga bhurocha raZvapupu zvaJehovha—Ndivanaani? Zvinodavirei?

Shandisa Mavhidhiyo Kuti Vafarire

◼ Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name

◼ Our Whole Association of Brothers

◼ United by Divine Teaching

◼ To the Ends of the Earth

Chikamu 9: Kubatsira Vadzidzi Kuparidza Zvisina Kurongwa

Vadzidzi veBhaibheri pavanotanga kuratidza kutenda mune zvavanenge vari kudzidza, vanonzwa vachida kutaura nezvazvo.—km 5/05 p. 1.

Vakurudzire Kuparidza

◼ Pane shamwari kana kuti vomumhuri vavangakoka kuti vavepowo pavanenge vachidzidza here?

◼ Vamwe vevavanoshanda navo, vavanodzidza navo kuchikoro, kana kuti vamwe vavanoshamwaridzana navo vakaratidza kufarira here?

Vadzidzise Kuudzawo Vamwe Zvavanotenda

◼ Pamunenge muchidzidza, pazvinenge zvakakodzera bvunza mudzidzi kuti: “Mungashandisa sei Bhaibheri kutsanangurira mhuri yenyu chokwadi ichi?”

◼ Batsira mudzidzi kuti aone kukosha kwokunzwisisa uye kuva anoremekedza nokuva ane mutsa paanenge achitaura nevamwe nezvaMwari nezvinangwa zvake.

◼ Bhurocha raZvapupu zvaJehovha—Ndivanaani? Zvinodavirei? ringashandiswa nevadzidzi kubatsira shamwari nevomumhuri kunzwisisa zvatinotenda zvinobva muBhaibheri uye basa redu.

Chikamu 10: Kudzidzisa Vadzidzi Muushumiri Hwepaimba Neimba

Kana vakuru vakaona kuti mudzidzi weBhaibheri anokwanisa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, angatanga kuparidzira neungano.—km 6/05 p. 1.

Kugadzirira Pamwe Chete

◼ Ratidza muparidzi mutsva kwaangawana mharidzo dzingashandiswa.

◼ Mubatsire kusarudza mharidzo iri nyore inoshanda mundima yenyu.

◼ Mukurudzire kushandisa Bhaibheri muushumiri hwake.

◼ Dzidzirai pamwe chete. Muratidze kuti angaita sei nouchenjeri pane zvaanosangana nazvo mundima.

Kuparidza Pamwe Chete

◼ Ita kuti mudzidzi aone uchikurukura mharidzo yamakagadzirira muri mose.

◼ Fungawo nezvounhu nemano zvomudzidzi wacho. Pane dzimwe nguva, zvingava zvakanaka kuti angoita chimwe chikamu chemharidzo yacho.

◼ Batsira muparidzi mutsva kuti ave nepurogiramu yenguva dzose yokubuda muushumiri.

Chikamu 11: Kubatsira Vadzidzi Kudzokerazve

Kugadzirira kudzokerazve kunotanga pakushanya kwokutanga. Kurudzira mudzidzi wacho kuti afarire vaanotaura navo nomwoyo wose. Zvishoma nezvishoma mudzidzise kuti avaite kuti vataure zvavanofunga, kuti ateerere mhinduro dzavo, uye ateerere zvinovashungurudza.—km 7/05 p. 1.

Kugadzirira Kudzokerazve

◼ Dzokororai zvamakambotaura pakushanya kwokutanga, uye batsira mudzidzi wacho kusarudza nyaya ichafarirwa nasaimba.

◼ Gadzirirai mharidzo pfupi ine rugwaro rumwe chete rweBhaibheri pamwe chete nendima yomune rimwe bhuku.

◼ Gadzirirai mubvunzo ungabvunzwa panopera kukurukurirana kwacho.

Dzokerazve Nokukurumidza

◼ Kurudzira mudzidzi kuti akurumidze kudzokerazve kune vose vanenge vafarira.

◼ Batsira mudzidzi kuti aone kukosha kwokuti arambe achiedza kuwana vanhu vaya vanonetsa kuwana.

◼ Ratidza muparidzi mutsva kuti anorangana sei nasaimba kuti azoshanyazve, uye mubatsire kuziva kuti anofanira kudzokerazve sokuvimbisa kwaakaita.

Chikamu 12: Kubatsira Vadzidzi Kutanga Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri

Kutevedzera kwaunoita Jesu nokuva nomuenzaniso wakanaka muushumiri hwako kunokosha. Waunodzidza naye paanoona muenzaniso wako muushumiri, achanzwisisa kuti chinangwa chokudzokerazve ndechokutanga kudzidzisa vanhu Bhaibheri.—km 8/05 p. 1.

Kutaura Nezvokudzidza Bhaibheri

◼ Kazhinji hazvidi hazvo kutsanangura urongwa hwose hwokudzidza.

◼ Kakawanda zvakanaka kungoenzanisira kudzidza kwacho tichishandisa ndima imwe kana mbiri mubhuku rinodzidzwa.

◼ Dzokorora uye dzidzira mazano okutanga kudzidzisa vanhu Bhaibheri.—km 8/05 p. 8; km 1/02 p. 6.

Kudzidzisa Vadzidzi Kuva Vadzidzisi

◼ Kurudzira vadzidzi kuti vanyorese paChikoro chaMwari Choushumiri.

◼ Ronga kuti vaparidzi vatsva vavepowo paunenge uchidzidzisa vamwe Bhaibheri, wovapawo zvokuita.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe