Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJune 13
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 1 neAwake! yaJune 8. Dzimwe mharidzo dzakakodzera dzingashandiswa. Mune imwe yemharidzo dzacho, enzanisira kugovera magazini zvisina kurongwa.
15 min: Batsira Vamwe Kuti Vave Vaparidzi Vasina Kubhabhatidzwa. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kunoitwa nomukuru kubva mubhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, pamapeji 79-81. Kurukura urongwa hwokusarudza kana mudzidzi weBhaibheri ava nezvinodiwa zvomuMagwaro kuti aitewo basa romumunda neungano. Vhiki inouya tichakurukura kuti tingadzidzisa sei vadzidzi veBhaibheri vava kukwanisa kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa kuti vatange kuita ushumiri hwepaimba neimba.
20 min: “Kuparidza Kunotibatsira Kutsungirira.”a Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro aripo.
Rwiyo 149 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 20
10min: Zviziviso zveungano. Dzokorora pfungwa huru dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo, hwaJuly 2003 papeji 4. Tsanangura kuti vaparidzi vangawana sei mabhuku omumwe mutauro. Taura kuti mashoko aya anoshanda sei mundima yenyu. Odha dzose dzemabhuku omumwe mutauro dzinofanira kuitwa nomutarisiri wemabhuku, kunyange kana richingova rimwe chete, kuitira kuti mabhuku anodiwa awanikwe pasina kunonoka.
15 min: Shoko raMwari Rine Simba. (VaH. 4:12) Hurukuro inobva muNharireyomurindi, yaNovember 15, 2003, papeji 11, ndima 13-17. Taura zvakaitika zvinoratidza kuti mirayiridzo yeBhaibheri ingaita sei kuti vanhu vachinje mararamiro avo. (w00-CA 1/1 map. 3-5) Kurudzira vose kushandisa Bhaibheri zvakanaka mumarudzi ose oushumiri.
20 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 10.”b Ivawo nomuenzaniso unoratidza mudzidzi ari kudzidzira mharidzo. Mudzidzi paanenge achidzidzira mharidzo, mudzidzisi wacho anenge ari saimba, anoramba sezvinowanzoitwa uye, kana mudzidzi asina chokwadi kuti oti kudini, mudzidzisi wacho anotsanangura kuti zvingaitwa sei. Uyezve, fanoronga kuti pave nomunhu mumwe kana kuti vaviri vanotaura nezvokudzidziswa kwavakaita pavakatanga ushumiri hwepaimba neimba.
Rwiyo 208 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 27
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaJune. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mharidzo dziri papeji 8 (kana dzichikodzera ndima yenyu), enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 15 kana kuti Awake! yaJune 22. Imwe mharidzo yakakodzera ingashandiswa. Kana mapedza kuenzanisira, dzokorora mashoko atanga kutaurwa aita kuti saimba afarire.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: Kugovera Mabhurocha muna July naAugust. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muwedzero. Tsanangura zvishoma kuti wedzero yacho inoshandiswa sei, uchitaura zviri mubhokisi riri papeji 3 pamwe chete nepfungwa huru dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005 papeji 8. Kurukura mharidzo dzakakodzera mundima yenyu dzokugovera mabhurocha pakushanya kwokutanga. Ita kuti mharidzo mbiri kana nhatu dzienzanisirwe. Ita kuti mumwe muenzaniso uitwe nomuparidzi wechiduku.
Rwiyo 196 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 4
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Muri Kubatsirwa Here Nokuva Nepurogiramu Yemhuri? Dzokorora mazano ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 2005, uye kumbira vateereri kuti vataure zvavakaedza kuita kuti vashandise mazano acho uye kubatsirwa kwavakaitwa nokuita izvi.
20 min: “Kuparidza Zvinobudirira Munzvimbo Dzinowanikwa Vanhu Vakawanda.”c Ita kuti mashoko acho ashande mundima yenyu. Yeuchidza vaparidzi kuti vashandise fomu rinonzi Tapota Muonei (S-43) pazvinenge zvichidiwa.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 2005 papeji 6.
Rwiyo 120 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.