Kuparidza Kunotibatsira Kutsungirira
1 Shoko raMwari rinotirayira kuti ‘timhanye nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.’ (VaH. 12:1) Sezvo mumhanyi achifanira kutsungirira kuti akwikwidze zvinobudirira, nesuwo tinofanira kutsungirira kuti tiwane mubayiro woupenyu husingaperi. (VaH. 10:36) Ushumiri hwechiKristu hungatibatsira sei kuti titsungirire takatendeka kusvikira kumugumo?—Mat. 24:13.
2 Kusimbiswa Mune Zvokunamata: Kuzivisa kwatinoita chipikirwa cheBhaibheri chakaisvonaka chenyika itsva yakarurama kunobatsira kuti tariro yedu irambe yakajeka. (1 VaT. 5:8) Patinogara tichibuda muushumiri hwomumunda, tinova nomukana wokuzivisa chokwadi chatakadzidza muBhaibheri. Tine mukana wokudzivirira kutenda kwedu, zvobva zvabatsira kutisimbisa mune zvokunamata.
3 Kuti tidzidzise vamwe zvinobudirira, tinofanira kunyatsonzwisisa chokwadi cheBhaibheri isu pachedu. Tinofanira kutsvakurudza uye kufungisisa mashoko acho. Kuedza kwatinoita nomwoyo wose kunowedzera zivo yedu, kunosimbisa kutenda kwedu, uye kunotizorodza mune zvokunamata. (Zvir. 2:3-5) Saka, sezvatinoedza kubatsira vamwe, tinozvisimbisa.—1 Tim. 4:15, 16.
4 Kushingaira muushumiri chimwe chezvinhu zvinokosha pa“nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari” dzatinoda kuti timire takasimba pakurwisana naDhiyabhorosi nemadhimoni. (VaEf. 6:10-13, 15) Kuva kwedu nezvakawanda zvokuita mubasa dzvene kunotibatsira kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichifunga zvinhu zvinovaka uye kuti tisashatiswa nenyika yaSatani. (VaK. 3:2) Sezvatinodzidzisa vamwe nzira dzaJehovha, tinoramba tichiyeuchidzwa nezvokudiwa kwokuti tirambe tiine mufambiro mutsvene.—1 Pet. 2:12.
5 Kupiwa Simba naMwari: Pakupedzisira, kuitawo basa rouevhangeri kunotidzidzisa kuvimba naJehovha. (2 VaK. 4:1, 7) Ichi chikomborero chaicho! Kuvimba kwakadaro hakungotibatsiri kuti tiite ushumiri hwedu chete asiwo kuti tikurire mamiriro ezvinhu chero api zvawo atingasangana nawo muupenyu. (VaF. 4:11-13) Chokwadi, kudzidza kuvimba zvakazara naJehovha ndiwo musimboti wokutsungirira. (Pis. 55:22) Munzira dzakawanda, kuparidza kunotibatsira kutsungirira.