RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/05 p. 8
  • Farira Kugara Uchiendesera Vanhu Magazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Farira Kugara Uchiendesera Vanhu Magazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Nevaunogara Uchiendesera Magazini Kunobatsira Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • “Kudyara Mbeu yoUmambo” Kwakamirirwa Magazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuva Nevanhu Vaunogara Uchiendesera Magazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 5/05 p. 8

Farira Kugara Uchiendesera Vanhu Magazini

1. Tingaita sei kuti vanhu vatinogara tichiendesera magazini varambe vachifarira?

1 Vanhu vakawanda vatinoona patinenge tiri muushumiri vanoda kuteerera patinoshanya uye vanofara kutora mabhuku edu asi vanozeza kubvuma kuti tidzidze navo Bhaibheri nguva dzose. Imwe nzira ingaita kuti vafarire ndeyokugara tichivaendesera magazini. Paunogovera magazini, nyora zita nekero zvomunhu wacho, zuva rawamuparidzira, magazini aatora, uye rugwaro rwamakurukura, pamwe chete nezvimwe zvaungave wacherechedza zvingaratidza kuti munhu wacho anofarira. Paunongogamuchira magazini matsva, tsvaka zvinhu zvingafadza vaya vaunogara uchiendesera magazini, uye varatidze paunoshanya. (1 VaK. 9:19-23) Nokufamba kwenguva, zvimwe zvinhu zvavanoverenga mumagazini edu zvingaita kuti vafarire, zvovaita kuti vade kudzidza zvakawanda.

2. Nei vanhu vachifanira kutsvaka Jehovha nokukurumidza iye zvino, uye ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tivabatsire?

2 Kunyange zvakadaro, tinoziva kuti vanhu vakawanda havazovi vashumiri vaJehovha nokungoverenga magazini vari voga. Sezvo vanhu vachifanira kutsvaka Jehovha nokukurumidza iye zvino, ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tivabatsire? (Zef. 2:2, 3; Zvak. 14:6, 7) Tinogona kuita kuti vafarire nokuvaverengera rugwaro rwakanyatsosarudzwa, pose patinovaendesera magazini.

3. (a) Tingagadzirira sei magwaro akasiyana-siyana okuzopota tichikurukura rumwe chete nevanhu? (b) Inyaya dzipi dzinonyanya kunetsa vanhu vari mundima yenyu?

3 Kukurukura Rugwaro Rumwe Chete: Funga nezvevaya vaunogara uchiendesera magazini, uye gadzirira magwaro akasiyana-siyana wozopota uchisarudza rumwe runopindirana nezvinodiwa newauri kukurukura naye. (VaF. 2:4) Somuenzaniso, kana mumwe achangobva kufirwa nomudiwa wake, ungadzokera kakawanda kuti ukurukure zvinotaurwa neBhaibheri nezvemamiriro ezvinhu evakafa uye tariro yorumuko. Mashoko ari mubhuku raKurangarira pasi pemisoro mikuru inoti “Rufu” uye “Rumuko” anogona kushandiswa kugadzirira kukurukurirana uku kworugwaro rumwe chete. Kumwe kukurukurirana kwokuwedzera nezvenyaya dzinoenderana dzakadai sokupedzwa zvachose kuchaitwa kurwara, kuchembera, uye kufa, kunozongoerekana kwaitika. Chinokosha ndechokutsvaka nyaya inofarirwa nomunhu wacho kwava kumuratidza zvishoma nezvishoma zvinoutaurwa neBhaibheri nezvenyaya yacho.

4. Nei zvichikosha kuita kuti vamwe vanzwisise patinoshandisa Magwaro, uye tingazviita sei?

4 Ita Kuti Anzwisise: Kunyange zvazvo zvichiwanzova zvakanaka zvikuru kuita kuti kukurukurirana kwakadaro kurambe kuri nyore uye kuri kupfupi, pane zvakawanda zvinodiwa pane kungoverenga rugwaro rwawasarudza. Satani akapofumadza pfungwa dzevanhu kuti vasanzwa mashoko akanaka. (2 VaK. 4:3, 4) Kunyange vaya vakajairana neBhaibheri vanoda kubatsirwa kuti varinzwisise. (Mab. 8:30, 31) Saka wana nguva yokutsanangura uye yokuverenga rugwaro, sezvaungaita muhurukuro yepaChikoro chaMwari Choushumiri. (Mab. 17:3) Iva nechokwadi chokuti munhu wacho aona kukosha kweShoko raMwari muupenyu hwake pachake.

5. Zvingaitika sei kuti waunogara uchiendesera magazini azopedzisira ava kudzidza Bhaibheri?

5 Kana munhu wacho ari kufarira zvaari kudzidza, zvishoma nezvishoma wedzera magwaro eBhaibheri maviri kana kuti matatu pose paunoshanya. Tsvaka mukana wokutaura nezvebhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo. Kana ukadaro, waunogara uchiendesera magazini angazopedzisira ava kudzidza Bhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe