RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwfq nyaya 46
  • Pasi Rese Pane Zvapupu zvaJehovha Zvingani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pasi Rese Pane Zvapupu zvaJehovha Zvingani?
  • Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Munoverenga sei nhamba yeZvapupu zvaJehovha?
  • Munhu anofanira kubvisa mari here kuti azova mumwe weZvapupu zvaJehovha?
  • Munoziva sei kuti vangani vari kuita basa rekuparidza?
  • Munoverengawo here vanhu vane zvavanoita zvine chekuita nesangano renyu asi vasingaparidzi?
  • Sei nhamba yeZvapupu inobuda panoverengwa vanhu nehurumende yakakura kupfuura yamunotaura?
  • Nhamba Dzese dza2025
    Mushumo Wegore Rebasa ra2025 weZvapupu zvaJehovha Pasi Rese
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Nhamba Dzose dza2015
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • Nhamba Dzese dza2021
    Mushumo Wegore Rebasa ra2021 weZvapupu zvaJehovha Pasi Rese
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
ijwfq nyaya 46
Chapupu chaJehovha chichiparidzira mumwe mukadzi

Pasi Rese Pane Zvapupu zvaJehovha Zvingani?

2024 Mushumo

Nhamba yeZvapupu zvaJehovha pasi rese

9 043 460

Ungano

118 767

Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza munyika

240

2024 Nhamba Dzese

2024 Mishumo Yenyika Uye Yendima Dzakasiyana-siyana

Munoverenga sei nhamba yeZvapupu zvaJehovha?

Vanhu vatinoverenga seZvapupu zvaJehovha, ndevaya chete vari kuita basa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari mwedzi nemwedzi. (Mateu 24:14) Zvinosanganisira vanhu vakabhabhatidzwa seZvapupu, uyewo vaya vakakodzera kuti vaite basa rekuparidza, kunyange zvazvo vasati vabhabhatidzwa.

Munhu anofanira kubvisa mari here kuti azova mumwe weZvapupu zvaJehovha?

Aiwa. Kubvisa mari handiko kunoita kuti munhu azoverengwa seChapupu kana kuti azotanga kupiwawo mabasa ekuita musangano redu. (Mabasa 8:18-20) Chokwadi ndechekuti hapana anotomboziva kuti nhingi abvisa marii. Munhu mumwe nemumwe ari Chapupu anoshandisa nguva yake, simba rake uye zvinhu zvake zvichienderana nezvaanoda uye mamiriro ake ezvinhu, kuti atsigire basa redu rinoitwa pasi rese.—2 VaKorinde 9:7.

Munoziva sei kuti vangani vari kuita basa rekuparidza?

Mwedzi nemwedzi, mumwe nemumwe wedu anonyora pasi basa raanenge aita pakuparidza, oendesa zvaanyora zvacho kuungano yaanopinda nayo. Hapana anomanikidzwa kuita izvi.

Basa rekuparidza rinenge raitwa neungano rinorongwa zvichienderana nezvaitwa zvacho, uye nhamba dzacho dzese dzinozotumirwa kuhofisi yebazi inoona nezvebasa rekuparidza rinoitwa munyika iyoyo. Bazi racho rinozotumira kumahofisi edu makuru nhamba dzese dzezvakaitwa nenyika yaro kana kuti nharaunda yaro pabasa rekuparidza.

Panopera gore rebasaa rimwe nerimwe, ndipo panozoonekwa kuti munyika imwe neimwe maiva neZvapupu zvingani mugore iroro. Nhamba dzacho dzese dzinobva dzabatanidzwa pamwe chete kuti paonekwe kuti pasi rese pane Zvapupu zvingani. Nhamba dzinoratidza basa rakaitwa munyika imwe neimwe, kusanganisira zvakaitika mubasa racho, zvinobudiswa pachikamu chepanzvimbo yedu yepaindaneti chinenge chakanzi “Pasi Rese.” Kuziva zviri kuitika pasi rese kunotikurudzira, sezvazvaingoitawo kuvaKristu vepakutanga pavainzwa mashoko ezvinhu zvinokurudzira zvaiitika.—Mabasa 2:41; 4:4; 15:3.

Munoverengawo here vanhu vane zvavanoita zvine chekuita nesangano renyu asi vasingaparidzi?

Kunyange zvazvo tisingabatanidzi vanhu vakadaro panhamba yeZvapupu, tinovagamuchira muungano dzedu. Vakawanda vavo vanopinda Chirangaridzo cherufu rwaJesu chinoitwa gore negore, saka nhamba yevanhu vakadaro inogona kuwanikwa kana tikabvisa nhamba yeZvapupu zvese munhamba yevakapinda Chirangaridzo. Muna 2024, vakapinda Chirangaridzo vaiva 21 119 442.

Vakawanda vasingapindi misangano yedu vanobatsirwa nepurogiramu yedu yekudzidza nevanhu Bhaibheri padzimba dzavo vasingabhadhari. Mugore rebasa ra2024, takaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge 7 480 146 mwedzi mumwe nemumwe, uye zvimwe zvacho zvaiitiswa vanhu vakawanda panguva imwe chete.

Sei nhamba yeZvapupu inobuda panoverengwa vanhu nehurumende yakakura kupfuura yamunotaura?

Mapazi ehurumende anoita zvekuverenga vanhu, anowanzowana nhamba dzawo nekungobvunza vanhu kuti vanopinda chitendero chipi. Semuenzaniso, U.S. Census Bureau yakataura kuti pavanoita ongororo dzavo, vanenge “vachida kuona kana vanhu vacho vanenge vabvunzwa vachiti vane chitendero chavanopinda,” uyewo kuti nhamba dzavanozobuda nadzo “dzinoenderana nezvinenge zvataurwa nevanhu kwete zvazviri chaizvo.” Kusiyana nemapazi iwayo, vanhu vatinoverenga seZvapupu zvaJehovha ndevaya chete vanoparidzira vamwe uye vanoshuma basa ravanenge vaita, kwete vaya vanongotaura kuti tiri Zvapupu.

a Gore rebasa rinotangira pana 1 September kusvika pana 31 August wegore rinenge richitevera. Semuenzaniso, gore rebasa ra2015 rakatangira pana 1 September 2014, kusvika pana 31 August 2015.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe