RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwfq nyaya 47
  • Ndingaita Sei Kuti Ndive Mumwe weZvapupu zvaJehovha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndive Mumwe weZvapupu zvaJehovha?
  • Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingaziva sei kana ndava kukodzera kubhabhatidzwa?
  • Vana veZvapupu vanofanirawo here kutora matanho aya?
  • Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Kuite Vavariro Yako Kubatira Mwari Nokusingaperi
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Kuita Zvinodiwa Kuti Ukwanise Kubhabhatidzwa somuKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Chii Chinonzi Kubhabhatidzwa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
ijwfq nyaya 47
Zvapupu zvaJehovha zviviri zviri kukwazisana

Ndingaita Sei Kuti Ndive Mumwe weZvapupu zvaJehovha?

Matanho anodiwa kuti munhu azova mumwe weZvapupu zvaJehovha akataurwa naJesu, uye anowanikwa pana Mateu 28:19, 20. Mavhesi iwayo anoratidza zvinofanira kuitwa nemunhu kuti azova mudzidzi waKristu, izvo zvinosanganisira kutaura, kana kuti kupupurira nezvaJehovha.

Danho Rekutanga: Dzidza Bhaibheri. Jesu akaudza vateveri vake kuti ‘itai kuti vanhu vave vadzidzi, muchivadzidzisa.’ (Mateu 28:19, 20) Shoko rakashandurwa kuti “mudzidzi” rinoreva “munhu anenge achidzidza.” Mashoko ari muBhaibheri, kunyanyanyanya zvakadzidziswa naJesu, ndiwo aunoda kuti uve neupenyu hunofadza uye hunogutsa. (2 Timoti 3:16, 17) Tingafara kukubatsira kuti uzive zvinodzidziswa neBhaibheri kuburikidza neurongwa hwedu hwekudzidza nevanhu Bhaibheri tisingavabhadharisi.—Mateu 10:7, 8; 1 VaTesaronika 2:13.

Danho Rechipiri: Ita zvauri kudzidza. Jesu akati vaya vanenge vachidzidza vanofanirawo ‘kuchengeta zvinhu zvose zvaakarayira.’ (Mateu 28:20) Izvi zvinoreva kuti kudzidza kwaunoita Bhaibheri hakufaniri kuva kwekungoti ungozivawo hako zvarinotaura, asi zvingatoda kuti uchinje zvikuru mafungiro nemaitiro ako. (Mabasa 10:42; VaEfeso 4:22-29; VaHebheru 10:24, 25) Kuchengeta zvakarayirwa naJesu kunoita kuti munhu ade kuzvisarudzira kutevera Jesu kuburikidza nekutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha Mwari.—Mateu 16:24.

Danho Rechitatu: Bhabhatidzwa. (Mateu 28:19) MuBhaibheri, kubhabhatidzwa kunofananidzwa nekuvigwa. (Enzanisa naVaRoma 6:2-4.) Kunoshanda sechiratidzo chekufa pamararamire ataimboita kare uye kutanga upenyu hutsva. Saka paunobhabhatidzwa, unenge uchiratidza pachena kuti wakatotora matanho maviri ekutanga akataurwa naJesu uye kuti wava kukumbira Mwari kuti akupe hana yakachena.—VaHebheru 9:14; 1 Petro 3:21.

Ndingaziva sei kana ndava kukodzera kubhabhatidzwa?

Taura nevakuru veungano. Vachataura newe kuti vaone kuti unonzwisisa zvinobatanidzwa here, uri kuita zvawakadzidza here uye kuti wakazvitsaurira kuna Mwari pasina aikumanikidza here.—Mabasa 20:28; 1 Petro 5:1-3.

Vana veZvapupu vanofanirawo here kutora matanho aya?

Ehe. Tinorera vana vedu “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha,” sezvinorayirwa neBhaibheri. (VaEfeso 6:4) Kunyange zvakadaro, pavanenge vachikura, vanofanira kuzvisarudzira vega kudzidza, kubvuma uye kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri kuti vakodzere kubhabhatidzwa. (VaRoma 12:2) Zvinonyanya kukosha apa ndezvekuti, munhu mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira ega panyaya yekunamata.—VaRoma 14:12; VaGaratiya 6:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe