RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 36
  • Jesu Akaberekwa Riini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Akaberekwa Riini?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Sei Krisimasi ichiitwa musi wa25 December?
  • Jesu Akazvarwa Rini?
    Mukai!—2009
  • Jesu Akaberekwa Musinou Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Bhaibheri Rinoti Chii nezveKrisimasi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nei Vamwe Vanhu Vasingapembereri Krisimasi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 36

Jesu Akaberekwa Riini?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri haritauri kuti Jesu Kristu akaberekwa riini, uyewo ndizvo zvinotaura mabhuku anotevera:

  • “Zuva chairo rakaberekwa Kristu harizivikanwi.”—New Catholic Encyclopedia.

  • “Musi chaiwo wokuberekwa kwaKristu hauzivikanwi.”—Encyclopedia of Early Christianity.

Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri kuti Jesu akaberekwa riini, rinorondedzera zviitiko zviviri zvakaitika panguva yekuzvarwa kwake izvo zvinobatsira vanhu vakawanda kuti vaone kuti haana kuberekwa musi wa25 December.

KuIsrael December Inguva Yechando

  1. Kunyoresa. Kwangosara nguva shoma kuti Jesu achiberekwa, Kesari Agasto akarayira kuti “nyika yose inogarwa inyoreswe.” Munhu mumwe nomumwe aifanira kunyoresa “kuguta rokwake,” uye izvozvo zvaida kuti vanhu vafambe kwevhiki kana kupfuura kuti vaende kunonyoresa. (Ruka 2:1-3) Zvimwe chakaita kuti murayiro uyu upiwe ndechokuti paida kuonekwa uwandu hwevanhu vaizobhadhara mutero uye vaizopinda muchiuto. Saka dai Agasto akapa murayiro uyu waizoita kuti vanhu vafambe madaro akareba panguva iyi yechando zvaizoita kuti agumbukirwe zvakanyanya nevanhu vaaitonga.

  2. Makwai. Vafudzi “vaigara kunze kwemisha vachitarisira mapoka avo ezvipfuwo panguva dzokurinda usiku.” (Ruka 2:8) Bhuku rinonzi Daily Life in the Time of Jesus rinotaura kuti zvipfuwo zvaigara panze “vhiki rimwe chete Paseka isati yaitwa [pakupera kwaMarch]” kusvika pakati paNovember. Rinowedzera kuti: ‘Makwai aipedza mwaka uyu wechando ari panzvimbo yakadzivirirwa. Saka tichitarisa izvi tinogona kuti musi unopembererwa Krisimasi munguva yechando hausi wechokwadi nokuti Evhangeri inoti vafudzi vakanga vari musango.”

Nguva yakaberekwa Jesu

Tinogona kufungidzira nguva yakazvarwa Jesu nokuverenga tichidzoka kumashure tichitangira musi waakafa paPaseka panguva yechirimo musi waNisani 14, 33 C.E. (Johani 19:14-16) Jesu akanga ava nemakore anenge 30 paakatanga kuita ushumiri hwake hwemakore matatu nehafu, saka akaberekwa nechekwekutanga kwaOctober gore ra2 B.C.E.—Ruka 3:23.

Sei Krisimasi ichiitwa musi wa25 December?

Sezvo pasina umboo hunoratidza kuti Jesu Kristu akaberekwa musi wa25 December, sei Krisimasi ichipembererwa musi uyu? Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinotaura kuti vatungamiriri vechechi vanogona kunge vakarisarudza “kuti rienderane nemusi waipembererwa mutambo wechihedheni waiva nechokuita ‘nekuberekwa kwezuva risingakundiki,’” pamwaka wokupera kwechando zuva rava kudzoka. Maererano nebhuku rinonzi The Encyclopedia Americana, nyanzvi dzakawanda dzinoti izvi zvakaitirwa “kuti vanhu vechihedheni vaitendeuka vafarire chitendero chechiKristu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe