RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 38
  • Mwari anoda kuti ndiitei neupenyu hwangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari anoda kuti ndiitei neupenyu hwangu?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • NezvaMwari Wechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Tinoraramirei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ramba Uri Pedyo naJehovha
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 38

Mwari Anoda Kuti Ndiitei Neupenyu Hwangu?

Mhinduro yeBhaibheri

Mwari anoda kuti uzive kuti ariko, uve shamwari yake, womuda uye womushumira nomwoyo wako wose. (Mateu 22:37, 38; Jakobho 4:8) Unogona kuziva zvinodiwa naMwari kuburikidza nokutarisa mararamiro aJesu uye dzidziso dzake. (Johani 7:16, 17) Jesu akanga asingagumiri pakutaura zvinodiwa naMwari asi kuti aitozviratidza nemararamiro aaiita. Kutaura zvazviri, Jesu akataura kuti chinangwa chake muupenyu chaiva chokuita ‘zvinodiwa naiye akamutuma.’—Johani 6:38.

Ndinoda chiratidzo here kana kuti kurotswa kuti ndizive kuti Mwari anoda kuti ndiite sei neupenyu hwangu?

Kwete, nokuti Bhaibheri rine mashoko anobva kuna Mwari akanyorerwa vanhu. Rine zvaunoda kuti ‘ushongedzerwe zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.’ (2 Timoti 3:16, 17) Mwari anoda kuti ushandise Bhaibheri uye ‘simba rako rokufunga’ kuti uzive zvaanoda kuti uite noupenyu hwako.—VaRoma 12:1, 2; VaEfeso 5:17.

Ndinganyatsokwanisa Kuita Zvinodiwa naMwari Here?

Hongu, unogona nokuti Bhaibheri rinoti: “Mirayiro yaMwari haina kunyanya kutiomera.” (1 Johani 5:3, Easy-to-Read Version) Izvi hazvirevi kuti kuteerera mirayiro yaMwari kuri nyore nguva dzose. Asi kubatsirwa kwaunoitwa kwakakura chaizvo kana tichienzanisa nesimba raunoisa kuti uteerere mirayiro yake. Jesu pachake akati: “Vanofara chaizvo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera!”—Ruka 11:28, Good News Translation.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe