RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 35
  • Bhaibheri Rinoti Chii nezveKrisimasi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinoti Chii nezveKrisimasi?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Matangiro akaita tsika dzinoitwa paKrisimasi
  • Krisimisi—Neiko Yakakurumbira Kwazvo muJapan?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Magamuchidzanwa eKrisimisa—Ndedzipi Dziri Mviromviro Dzawo?
    Mukai!—1990
  • Chikonzero Nei Krisimisi Isiri yamaKristu
    Mukai!—1992
  • Krisimasi—Nei Iripo Kunyange kuMabvazuva?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 35

Bhaibheri Rinoti Chii nezveKrisimasi?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri haritauri kuti Jesu akaberekwa riini, uye haritauri kuti tinofanira kupemberera zuva raakaberekwa. Izvi zvinotsigirwawo nebhuku rinonzi McClintock and Strong’s Cyclopedia iro rinoti: ‘Kupemberera kunoitwa nevanhu Krisimasi hakutsigirwi naMwari, uye hazvimo muTestamende Itsva.’

Asi tikaongorora kwakatangira Krisimasi tinoona kuti yatangira muchihedheni. Bhaibheri rinoratidza kuti kana tikanamata Mwari nenzira yaasingadi tinomugumbura.—Eksodho 32:5-7.

Matangiro akaita tsika dzinoitwa paKrisimasi

  1. Kupemberera kuzvarwa kwaJesu: “VaKristu vepakutanga-tanga havana kupemberera kuzvarwa [kwaJesu] nemhaka yokuti vaiona kuti kupemberera zuva rokuberekwa kwemunhu chero upi zvake yaiva tsika yechihedheni.”—The World Book Encyclopedia.

  2. 25 December: Hapana umboo hunoratidza kuti uyu ndiwo musi wakaberekwa Jesu. Vatungamiriri vechechi vanofanira kunge vakasarudza zuva iri kuti rienderane nemitambo yechihedheni yaiitwa mumwaka wokupera kwechando.

  3. Kupanana zvipo, uye kuita mabiko: Bhuku rinonzi The Encyclopedia Americana rinoti: “Tsika dzakawanda dzinoitwa pakupemberera Krisimasi mazuva ano dzakabva pamutambo waiitwa munyika yeRoma wainzi Saturnalia, uyo waipembererwa nechepakati pemwedzi waDecember. Somuenzaniso pamutambo uyu ndipo pakatanga nyaya yokudya zvokudya zvemaoresa, kupanana zvipo uye kupisa makenduru.” Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinotaura kuti “hapana basa kana bhizimisi raiitwa” panguva yaipembererwa Saturnalia.

  4. Maraiti epaKrisimasi: Maererano nebhuku rinonzi The Encyclopedia of Religion, vanhu vokuEurope vaishongedza dzimba dzavo “nemaraiti nemaruva emhando dzakasiyana-siyana” pakupemberera uye kuti vadzinge mweya yakaipa.

  5. Miti inonzi mistletoe uye holly: “Vapristi vekunyika dzakadai seScotland, Wales, Ireland nedzimwewo vaiti muti unonzi mistletoe une simba rokuita zvishamiso. Muti unonzi holly wainamatwa uchinzi ndiwo wairatidza kuti mwaka wechando wava kupera.”—The Encyclopedia Americana.

  6. Muti wepaKrisimasi: “Tsika yokunamata miti yakanga yakadzika midzi kuvahedheni vaiva kuEurope uye vanhu vokuEurope pavakatendeuka vakatora tsika iyi.” Chimwe chinoratidza kuti tsika yokunamata miti ichiri kuitwa “kuisa muti unonzi Yule pamusuo kana kuti mumba panenge pachiitwa mhemberero dzemunguva yechando.”​—Encyclopædia Britannica.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe