Zvinotaura Bhaibheri
Jesu Akazvarwa Rini?
ENCYCLOPEDIA of Early Christianity inoti, “Musi chaiwo wakazvarwa Kristu hauzivikanwi.” Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda vari munyika, avo vanozviti vaKristu, vanopemberera kuzvarwa kwaJesu pana December 25. Asi musi uyu hapana pauri muBhaibheri. Jesu akazvarwa muna December zvechokwadi here?
Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri musi chaiwo wakazvarwa Jesu, rinopa uchapupu hwokuti haana kuzvarwa muna December. Uyewo, tinodzidzawo pauchapupu husiri muBhaibheri nei December 25 akasarudzwa kuti ave musi wokupemberera kuzvarwa kwake.
Nei Zvinganzi Haana Kuzvarwa Muna December?
Jesu akazvarirwa muguta reJudhiya reBhetrehema. Evhangeri yaRuka inoti: “Munyika iyoyowo makanga muine vafudzi vaigara kunze kwemisha vachitarisira mapoka avo ezvipfuwo panguva dzokurinda usiku.” (Ruka 2:4-8) Izvi ndizvo zvaigara zvichiitika. Bhuku rinonzi Daily Life in the Time of Jesus rinoti, “Mapoka ezvipfuwo aifanira kupedza nguva yakawanda yegore asiri mudanga.” Vafudzi vaizova kunze nemapoka avo ezvipfuwo usiku muna December kuchitonhora here? Bhuku racho rinoti: “Vaipedza nguva yechando vari mudzimba; uye pane izvi chete zvingaoneka kuti musi unogara uchichengetwa Krisimasi, muchando, ungangove usina kururama, nokuti Evhangeri yacho inoti vafudzi vaiva musango.”
Izvi zvinotsigirwa neimwe pfungwa iri munhoroondo yeEvhangeri yaRuka, inoti: “Zvino mumazuva iwayo murayiro wakabva kuna Kesari Agasto wokuti nyika yose inogarwa inyoreswe; (kunyoresa uku kwokutanga kwakaitika Kwiriniyo paakanga ari gavhuna weSiriya;) uye vanhu vose vakaenda kunonyoresa, mumwe nomumwe kuguta rokwake.”—Ruka 2:1-3.
Zvichida Agasto akarayira kuti vanhu vanyorwe achida kuona uwandu hwevanhu vose kuti izvi zvishandiswe pakutora mitero kana kuti pakumanikidza vanhu kuenda kuhondo. Mariya akanga akurirwa, akateerera murayiro wacho, akaenda pamwe nomurume wake Josefa. Rwendo urwu rwaiva makiromita 150 kubva kuNazareta kuenda kuBhetrehema. Zvino chifunga izvi, Agasto, mutongi aisapindira-pindira munyaya dzehurumende yomunzvimbo imomo, aizorayira kuti vanhu vakanga vachitoda kupanduka vaite rwendo irworwo rwakareba muchando here?
Zvinokosha kuona kuti vanonyora nezvezvakaitika kare vakawanda nenyanzvi dzeBhaibheri havabvumi kuti Jesu akazvarwa pana December 25. Our Sunday Visitor’s Catholic Encyclopedia inoti: “Vakawanda vanobvuma kuti Jesu haana kuzvarwa pana December 25.”
Bhaibheri rinopa uchapupu hwokuti Jesu haana kuzvarwa muna December
Zvakaita Kuti December 25 Asarudzwe
December 25 akazosarudzwa somusi wakazvarwa Jesu kwatopfuura mazana emakore iye afa. Nei? Vanonyora nezvezvakaitika kare vakawanda vanofunga kuti nguva yegore yakasarudzwa kuti Krisimasi ipembererwe, zvechokwadi yaiva nguva yaiitwa mitambo yevahedheni.
Somuenzaniso, Encyclopædia Britannica inoti: “Imwe tsananguro inonyanya kuzivikanwa yokutanga kwakaita musi uyu waDecember 25 ndeyokubatanidzwa kwakaitwa mutambo unonzi dies solis invicti nati (‘musi wokuzvarwa kwezuva risingakundiki’), nechiKristu. Iri raiva zororo rakanga rakakurumbira muUmambo hweRoma. Vaipemberera kudzoka kwezuva munguva yechando sokuzvarwa kwaro patsva. Uku kwaiva kuzivisa kupera kwechando nokutanga kwepfumvudza uye chirimo.”
The Encyclopedia Americana inotiudza kuti: “Chakaita kuti December 25 asarudzwe somusi weKrisimasi hachinyatsozivikanwi, asi kakawanda zvinonzi zuva iroro rakasarudzwa kuti rienderane nemitambo yechihedheni yaiitwa panenge panguva yokudzoka kwezuva munguva yechando, mazuva paaitanga kureba kupfuura usiku, kuti vapemberere ‘kuzvarwa patsva kwezuva.’ . . . Mutambo unonzi Saturnalia wokuRoma (waiitirwa Saturn, mwari wezvokurima, uye waiitirwa kuva nesimba idzva kwezuva) waivawo panguva iyoyi.” Vanhu vaiita unzenza pamitambo yakadaro uye vaifara zvoupengo chaizvo. Vanhu vave vachiita saizvozvowo pakupemberera Krisimasi kwakawanda mazuva ano.
Kukudza Kwatingaita Kristu
Vamwe vanofunga kuti kunyange zvazvo musi wacho chaiwo usingazivikanwi, vaKristu vanofanira kupemberera kuzvarwa kwaJesu. Vanofunga kuti kupemberera kwakadaro inzira yakakodzera yokukudza Kristu kana kukaitwa zvinoremekedzeka.
Chokwadi kuzvarwa kwaJesu chiitiko chinokosha chiri munhoroondo yeBhaibheri. Bhaibheri rinotaura kuti pakazvarwa Jesu, boka rengirozi rakangoerekana ravapo rikatanga kurumbidza Mwari richifara, richiti: “Mwari ngaakudzwe kumusorosoro, uye panyika rugare ngaruve pavanhu vaanotendera.” (Ruka 2:13, 14) Zvisinei, zvinokosha kuona kuti muBhaibheri hapana panotomboratidza kuti kuzvarwa kwaJesu kunofanira kupembererwa. Asi, mune murayiro chaiwo wokuti vanhu vachengete musi wokufa kwake, unochengetwa kamwe chete pagore neZvapupu zvaJehovha. (Ruka 22:19) Kuita kudaro ndeimwe nzira yokukudza Jesu.
Pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake panyika, Jesu akati: “Imi muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.” (Johani 15:14) Akatiwo: “Kana muchindida, muchachengeta mirayiro yangu.” (Johani 14:15) Zvechokwadi, hapana imwe nzira yokukudza Jesu Kristu iri nani kupfuura kudzidza uye kuita sezvaakadzidzisa.