RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 6
  • Sei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbofarawo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbofarawo?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Sei vabereki vangu vachigara vachingondirambidza zvimwe zvinhu?
  • Ndingaita sei kuti vandibvumidze kuita zvandinenge ndavakumbira?
  • Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Nei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbonakidzwa?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndingaita Sei Kuti Vabereki Vangu Vavimbe Neni?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 6
Mukomana ari kutaura nevabereki vake. Necheparutivi pane mapikicha ari kuratidza kuti ari kutaura nezvemavhidhiyo gemhu, vechidiki vari kutamba redhiyo vari papati, uye skateboard. Vabereki vake vakapeta maoko vakasunga zviso.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Sei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbofarawo?

Wakokwa neshamwari dzako kupati kupera kwevhiki. Unokumbira vabereki vako kuti uende asi vanokuudza kuti, “Hapana kwauri kuenda.” Haushamisiki nazvo nekuti pawakambovakumbira vakakurambidza kuenda.

Zviri munyaya ino

  • Sei vabereki vangu vachigara vachingondirambidza zvimwe zvinhu?

  • Ndingaita sei kuti vandibvumidze kuita zvandinenge ndavakumbira?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Sei vabereki vangu vachigara vachingondirambidza zvimwe zvinhu?

Kana zvichiita sekuti vabereki vako vanokurambira pese paunovakumbira kuita zvimwe zvinhu, unogona kutanga kufunga kuti pamwe havadi kuti umbofarawo.

Izvi ndizvo zvaifungwa nemumwe musikana ari kuyaruka anonzi Marie paakatanga kuva nefoni. Anoti: “Baba vangu vakandipa mitemo yakawanda panyaya yekuti maapplication api andaigona kudhaunirodha, ndivanaani vandaigona kutaura navo uye kuti nguvai. Asi shamwari dzangu dzaiita chero zvadzaida nemafoni adzo!”

Zvekufunga nezvazvo: Tingati baba vaMarie vaida kumutadzisa kufara here? Pane chimwe chinhu chavaityira here?

Mota iri kufamba mumugwagwa. Padivi pemugwagwa pane chikwangwani chiri kuratidza kuti mutyairi haafaniri kufamba nesipidhi inopfuura “50.” Panewo pikicha iri kuratidza kuti mota yacho iri kufamba nesipidhi ye50.

Mitemo yemumugwagwa inogona kukutadzisa kuita zvimwe zvinhu asi inokudzivirira; ndizvo zvakaitawo mitemo yevabereki

Edza izvi: Chimbofungidzira iwewe uri mubereki ane mwana achiri kuyaruka achangobva kuva nefoni. Zvii zvawaizotyira? Mitemo ipi yawaizomupa kuti umudzivirire? Waizoti kudii kana mwana wako akati haudi kuti afare?

“Baba vangu vaigara vachiti, ‘Dai uri iwe mubereki waizoita sei?’ Kufunga izvozvo kwakaita kuti ndione kubatsira kwemitemo yavaindipa uyewo kuti nei vaindipa mitemo yacho. Kudai ndaiva nevana, ndinofunga kuti ndaizodawo kuti vaite zvandiri kunzi nababa vangu ndiite.”—Tanya.

Ndingaita sei kuti vandibvumidze kuita zvandinenge ndavakumbira?

Mukomana akafundumwara akapeta maoko ake uye utsi huchibuda munzeve dzake.

Usaita izvi: Kufundumwara, kunyunyuta kana kuita nharo.

Mukomana akafundumwara akapeta maoko ake uye utsi huchibuda munzeve dzake.

“Kupopota hakuna zvakunobatsira uye kunokupedzai simba mese, iwe nevabereki vako. Kana ukaita nharo, vabereki vako vachakuona semunhu asati akura mupfungwa uye havazowedzeri kukupa rusununguko rwekuita zvimwe zvinhu.”—Richard.

Asi edza izvi: Usakurumidza kupindura kana kuita chimwe chinhu. Asi edza kuona zvinhu semaonerwo azviri kuitwa nevabereki vako. Zvibvunze kuti, ‘Vari kuramba nekuti havavimbi neni here kana kuti havavimbi nevanhu vandichange ndiinavo kana kuti havasi kufara nekwandinenge ndiri?’ Unogona kukurukura navo wakadzikama kuti uedze kunzwisisa mafungiro avo.

Girobhu.

Zano: Paunotaura nevabereki vako, iva nechokwadi chekuti unokwanisa kuvaudza kuti zvii zvauchaita kuti zvavari kutyira zvisaitika. Kunyange kana vakaramba pashure pekunge wataura navo, vanenge vava kunzwisisa mafungiro ako uye zvinogona kukubatsirawo kuti unzwisise mafungiro avo.

“Kazhinji vabereki vangu pavanondipa mutemo, vanenge vaine zvikonzero zvakanaka. Vabereki vangu vanenge vasiri kunditadzisa kufara asi vanenge vachitoda kuti ndisapinda mumatambudziko uye ndive nemufaro wechokwadi.”—Ivy.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzese, asi munhu akachenjera anoramba akadzikama achidzidzora.”—Zvirevo 29:11.

Musikana ari kutumirana mameseji nevanhu uye kushandisa social media pakati peusiku.

Usaita izvi: Kutsvaga nzira dzekuti uite zvawakarambidzwa nevabereki vako ivo vasingazvizivi.

Musikana ari kutumirana mameseji nevanhu uye kushandisa social media pakati peusiku.

“Ndakaedza kuita zvinhu zvandakanga ndarambidzwa nababa vangu panyaya yemashandisiro andaifanira kuita foni. Ndaitsvaga nzira dzekutumira shamwari dzangu mameseji usiku uye kudhaunirodha maapplication andakanga ndarambidzwa. Baba vangu pavaiona kuti handisi kuteerera, vaibva vatowedzera kundiisira mitemo yakaoma nekuti vakanga vasisavimbi neni. Kuita zvaunenge warambidzwa hakuna kunaka.”—Marie.

Asi edza izvi: Ratidza vabereki vako kuti unoteerera mitemo yavo. Izvozvo zvichaita kuti vakwanise kuvimba newe.

Girobhu.

Zano: Vabereki vako pavanokubvunza mibvunzo yakadai seyekuti (“Ndiani achange ari kupati yacho?” “Uchadzoka nguvai?”), vaudze chokwadi usingatendereri. Kana mhinduro dzako dzisina kunyatsojeka vanogona kutadza kuvimba newe!

“Iva nemwoyo murefu. Zvinogona kutora nguva kuti vabereki vako vachinje mutemo wavakakupa, asi kana vakaona kuti uri kuteerera mitemo yavari kukupa, vanogona kukupa rusununguko rwekuita zvimwe zvinhu.”—Melinda.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Teererai vabereki venyu nguva dzese.”—VaKorose 3:20.

Mukomana ari kukumbira achiita zvekudetemba. Mapikicha ari nechepadivi pake ari kuratidza kuti ari kutaura nezvevamwe vari kuyaruka vatatu.

Usaita izvi: Kuedza kumanikidza vabereki vako kuti vakubvumidze kuita zvinhu, zvichida nekuvaudza kuti vamwe vana vezera rako vanobvumidzwa kuita zvinhu izvozvo.

Mukomana ari kukumbira achiita zvekudetemba. Mapikicha ari nechepadivi pake ari kuratidza kuti ari kutaura nezvevamwe vari kuyaruka vatatu.

“Kuramba uchimanikidzira kuita zvauri kuda hakuiti kuti zvinhu zvikurerukire kana kuti uzobvumidzwa kuita zvaunenge uchida.”—Natalie.

Asi edza izvi: Shandisa zviri papepa rakanzi, “Kufunga Nezvemitemo” kuti ukwanise kukurukura nyaya yacho nevabereki vako.

Girobhu.

Zano: Sarudza nguva yekuti vabereki vako vanenge vakagadzikana. Usaedza kutaura navo nyaya yacho pavanenge vachangopinda kubva kubasa kana kuti pavanenge vaine zvimwe zvinhu zvavari kuita.

“Mubereki anoda kuona kuti uri munhu anokwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka. Saka pandinenge ndichitaura nevabereki vangu, ndinoedza kutaura ndichipa zvikonzero zvine musoro kuti nei ndiri kuda chimwe chinhu pane kungotaura zvichibva pamanzwiro angu. Pandinoita izvozvo, kazhinji vabereki vangu vanondibvumidza kuita zvinhu zvandinenge ndakumbira.”—Joseph.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kudza baba vako naamai vako.”—VaEfeso 6:2.

Zvinotaurwa nevezera rako

  • Isabella.

    “Ndakadzidza kuti mitemo inobatsira kuti zvinhu zvirambe zvichifamba zvakanaka mumhuri. Uye mitemo iyoyo iripo kuti itidzivirire. Kana mumwe mutemo wemumhuri uchiita sekuti unonyanya kutiomesera, inenge ingori nyaya yekuti dzimwe nguva, vabereki vanenge vaine zvikonzero zvakanaka zvekuti vatityire.”—Isabella.

  • Michael.

    “Ndinofunga kuti vana vanokura vachipiwa mitemo vanova vanhu vakanaka kupfuura vaya vasingapiwi mitemo. Kuti tinakidzwe neupenyu, hatifaniri kungoita chero zvatada; tinofanira kuva nemitemo. Mitemo iyoyo inotibatsira kudzidza kuva vanhu vanoita zvisarudzo zvakanaka uye kuti tisazvipinza mumatambudziko.”—Michael.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe