VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI
Ndingaita Sei Kana Vabereki Vangu Vari Kurambana?
Kurambana kwevabereki ndeimwe nyaya inogona kushungurudza vana zvakanyanya. Mazano api angakubatsira kuti utsungirire?
Zviri munyaya ino
Zvinhu zvitatu zvausingafaniri kuita
1. Kuzvipa mhosva
“Amai vangu vakambondiudza kuti kusawirirana kwavo nababa kwakatanga pandakaberekwa, saka ndaifunga kuti ndini ndakakonzera kuti varambane.”—Diana.
Yeuka izvi: Haisi mhosva yako kuti vabereki vako vakarambana. Inyaya dzekusawirirana kwavo pachavo. Matambudziko avo haana kukonzerwa newe uye matambudziko iwayo haugoni kuagadzirisa. Ivo ndivo vane basa rekugadzirisa nyaya dziri kunetsa muwanano yavo.
2. Kuramba wakagumbuka
“Ndakagumbukira baba vangu chaizvo nekuti vakatadza kuramba vakatendeseka kuna amai. Zvichandiomera kuti ndizovimba navo zvakare.”—Rianna.
Yeuka izvi: Pamwe wakatsamwa nemhaka yezviri kuitika kuvabereki vako, uye izvozvo zvinonzwisisika. Asi hazvina kunaka kuti munhu arambe akagumbuka. Zvinogona kukanganisa utano nepfungwa dzako. Ndosaka zvichinzi kuramba uine chigumbu kwakafanana nekunwa muchetura uchida kuti munhu akakutadzira azorwariswa nawo.a
3. Kutyira kuti kana ukazova muwanano hauzofari
“Ndinotya chaizvo kuti pamwe ndichazoita zvakaitwa nababa vangu. Ndinotya kuti kana ndikaroorwa ndoita vana, ndinogona kuita zvakaitwa nevabereki vangu izvo zvakazoita kuti varambane.”—Jessica.
Yeuka izvi: Kana vabereki vako vakarambana hazvirevi kuti wanano yako ichapararawo. Chokwadi chiripo ndechekuti unogona kuwana zvidzidzo zvinokosha pane zvakaitika kuvabereki vako. Semuenzaniso, unogona kunge wava kunyatsoziva unhu hunofanira kunge huine munhu waunoda kuroorana naye. Kurambana kwevabereki vako kunogona kuita kuti ude kuva neunhu huchaita kuti uve murume kana kuti mudzimai akanaka.
Kubvuma kuti vabereki vako vakarambana kwakada kufanana nekupora kunoita bhonzo rinenge ratyoka. Marwadzo anopera nekufamba kwenguva
Zvinhu zvitatu zvaunogona kuita
1. Taura. Vanhu vasingaudzi vamwe zvinhu zvinenge zvichivanetsa vanogona kuzopedzisira vava kuita zvinhu zvinovakuvadza, zvakadai sekunwisa doro kana kuti kushandisa madhiragi. Saka kuti izvozvo zvisaitika, edza kuita zvinotevera:
Taura nevabereki vako. Kana baba vako kana kuti amai vakaedza kuita kuti upindire munyaya dzavo, vatsanangurire zvakajeka asi wakadzikama kuti izvi zviri kukukanganisa sei. Kana uchiomerwa nekutaura navo muchionana, unogona kunyora tsamba kune mumwe wavo kana kuti kwavari vese.
Taura neshamwari yaunovimba nayo. Kungowana mumwe munhu anonyatsokuteerera kunogona kukubatsira. Bhaibheri rinotaura kuti “shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.
Taura neMusiki wako. Jehovha Mwari agara achida kukuteerera nekuti Bhaibheri rinoti iye “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Rinotiwo unogona ‘kukanda zvese zvinokudya mwoyo paari, nekuti iye ane hanya newe.’—1 Petro 5:7.
Pavabereki vako, ndeupi waunogona kutaura naye zvakanaka, makadzikama?
Ishamwari ipi yaunovimba nayo (ingava yechidiki kana yechikuru), yaunoona kuti inogona kukubatsira kuti utsungirire?
Inyaya dzipi dzaunogona kunyengetera nezvadzo?
2. Ita zvinoenderana nemamiriro ezvinhu avapo
Kurambana kwevabereki vako kunogona kuita kuti uchinje kwekugara, chikoro, shamwari, uye murarame nemari shoma. Zvinonzwisisika kuti izvi zvinogona kuita kuti unetseke, urwadziwe chaizvo, uye unzwe sekuti upenyu hwako hwese hwaenda musango. Chii chingakubatsira kuti ujairane nemamiriro ezvinhu matsva? Edza kuisa pfungwa dzako pakuti ungaita sei kuti ukwanise kurarama nezvavapo.
Ndechipi chinhu chikuru chawaifanira kuchinja nemhaka yekurambana kwevabereki vako?
Matanho api aungatora kuti ushande nezvavapo?
3. Ziva zvinhu zvaunonyatsogona
Kurambana kwevabereki kunogona kuita kuti ushungurudzike zvakanyanya, asi kunogonawo kutoita kuti uzive zvinhu zvaunonyatsogona. Kunogonawo kutoita kuti utange kunyatsogona zvimwe zvinhu zvawaisagona. Jeremy uyo ane vabereki vakarambana aine makore 13 anoti, “Kurambana kwevabereki vangu kwakaita kuti ndigone kuita zvinhu zvakawanda. Ndini ndaiva mukuru, saka ndaifanira kubatsira amai vangu kuita zvinhu zvakasiyana-siyana uyewo kubatsira kamunin’ina kangu.”
Kurambana kwevabereki vako kunogona kuita kuti ukwanise kuita zvinhu zvakasiyana-siyana pamba
Nemhaka yekurambana kwevabereki vako, ndezvipi zvinhu zvawava kuona kuti unogona?
Ndezvipi zvinhu zvaunofunga kuti unofanira kushanda nesimba kuti uzvigone?
a Kuti udzidze zvakawanda, ona nyaya yakanzi, “Ndingadzora Sei Hasha Dzangu?”