RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp2 chits. 24 pp. 199-207
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinoita Kuti Vabereki Vapopotedzane
  • Zvaungaita
  • Zvausingafaniri kuita
  • Chii Chandinofanira Kuita Kana Vabereki Vangu Vakarwa?
    Mukai!—1990
  • Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Nei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbonakidzwa?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Sei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbofarawo?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
yp2 chits. 24 pp. 199-207

CHITSAUKO 24

Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?

Vabereki vako vanombopopotedzana here iwe uripo? Kana vachidaro, zvinhu zvipi pane zvinotevera zvavanonyanya kupopotedzerana?

□ Mari

□ Mabasa epamba

□ Voukama

□ Iwe

Ndezvipi zvaunoshuva kuudza vabereki vako nezvokukanganiswa kwaunoitwa nazvo? Nyora zvaunofunga pasi apa.

․․․․

HAUGONI kunzvenga kukanganiswa kwaunoitwa nokupopotedzana kwevabereki vako. Uyezve, iwe unovada, uye ndivo vanokuriritira. Saka zvingakushungurudza kuvanzwa vachipopotedzana. Ungabvumirana nomumwe musikana anonzi Marie, uyo anoti, “Zvakandiomera kuti ndiremekedze vabereki vangu kana zvichiita sokuti havaremekedzani.”

Kuona vabereki vako vachikakavadzana kunoita kuti uzive chokwadi chinorwadza chokuti: Vanokanganisa zvakawanda kupfuura zvaunofungira. Kuziva chokwadi ichi chisingafadzi kungaita kuti utye. Kana vachingogara vachikandirana makobvu nematete, unganetseka kuti pamwe vangangorambana nokukurumidza. Marie anoti, “Pandinonzwa vabereki vangu vachipopotedzana, ndinofungidzira kuti vacharambana uye kuti ndichatofanira kusarudza wokugara naye. Ndinotyirawo kuti ndichaparadzana nevana vaamai vangu nokuti vamwe vachagara nababa vamwe naamai.”

Nei vabereki vachipopotedzana, uye ungaitei kana mumhuri mukava nebopoto?

Zvinoita Kuti Vabereki Vapopotedzane

Kazhinji, vabereki vako ‘vangashivirirana murudo.’ (VaEfeso 4:2) Asi Bhaibheri rinoti: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Vabereki vako havana kukwana. Naizvozvo, haufaniri kushamisika kana kusawirirana kwavo kuri kuwedzera uye apo neapo kuchioneka nokukakavadzana.

Yeukawo kuti tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Matambudziko okuwana chouviri, kubhadhara zvinhu zvinoshandiswa pamba, kutsungirira zvaunosangana nazvo kubasa—zvose izvi zvinoremedza vakaroorana. Uye kana vabereki vose vachishanda, kusarudza kuti ndiani achaita mamwe emabasa epamba kungakonzera kukakavadzana.

Iva nechokwadi chokuti kana vabereki vako vasiri kuwirirana, izvi hazvingabvi zvareva kuti imba yavo iri kuparara. Pasinei naizvozvo vabereki vako vachiri kudanana—kunyange zvazvo mafungiro avo akasiyana pane dzimwe nyaya.

Kuenzanisira: Wakamboona firimu neshamwari dzepedyo ndokuona kuti zvawaifunga nezvaro zvakanga zvakasiyana nezvadzaifunga here? Izvozvo zvinoitika. Kunyange vanhu vanenge vari tsika nditsikewo vachava nemaonero akasiyana pane zvimwe zvinhu. Ndizvowo nevabereki vako. Zvichida vose vanonetseka pamusoro pemari inoshandiswa nemhuri, asi mumwe nomumwe ane maonero akasiyana okuti mari yacho ingashandiswa sei; vose vanoda kuronga nezvokuenda kuzororo semhuri, asi mumwe nomumwe ane maonero akasiyana eringanzi zororo rakanaka; kana kuti vose vanoda chaizvo kuti upase muchikoro, asi mumwe nomumwe ane mafungiro ake enzira yakanakisisa yokukukurudzira nayo.

Nyaya iripo ndeyokuti, dzimwe nguva vanhu vaviri vanodanana vanogona kuona zvinhu nenzira dzakasiyana. Kunyange zvakadaro, ungaona zvakaoma kuteerera kukavadzana kwevabereki vako. Chii chaungaita kana kuti chaungataura chichakubatsira kuti utsungirire?

Zvaungaita

Varemekedze. Zviri nyore kuti usemburwe nevabereki vako vanogara vachikakavadzana. Ndivo vanotofanira kuva muenzaniso wakanaka kwauri—kwete kuti iwe uve muenzaniso kwavari. Zvisinei, kusaremekedza mubereki kunongowedzera matambudziko emhuri. Zvinonyanya kukosha ndezvokuti Jehovha Mwari anokurayira kuti uremekedze uye uteerere vabereki vako—kunyange kana zvisiri nyore kuti uzviite.—Eksodho 20:12; Zvirevo 30:17.

Asi zvakadini kana nyaya inoita kuti vabereki vako vasawirirana ichibatanidza iwe? Somuenzaniso, ngatitii mumwe wevabereki vako muKristu uye mumwe wacho haasi. Zvinetso zvingavapo paunotsigira mubereki uya anotya Mwari. (Mateu 10:34-37) Nguva dzose ita izvozvo “nounyoro noruremekedzo rukuru.” Muenzaniso wako pane izvi rimwe zuva ungabatsira kuti uwane mubereki wako asingatendi.—1 Petro 3:15.

Ramba usina kwawakarerekera. Ungaitei kana vabereki vako vakakumanikidza kuti upindire munyaya dzisinei newe? Edza kuramba usina kwawakarerekera. Zvichida unogona kuzvibvisa munyaya yacho zvine ruremekedzo nokutaura zvakadai sokuti: “Amai naBaba, ndinokudai mose. Asi ndapota zvangu musandipinza munyaya yenyu. Iyi inyaya yamunofanira kugadzirisa pachenyu.”

Kurukurai. Ita kuti vabereki vako vazive kuti kukakavadzana kwavo kunoita kuti unzwe sei. Sarudza nguva yaunofunga kuti vachakuteerera uye ibva wavaudza noruremekedzo kunetseka, kutsamwiswa kana kuti kutyiswa kwaunoitwa nokukakavadzana kwavo.—Zvirevo 15:23; VaKorose 4:6.

Zvausingafaniri kuita

Usaedza kuva chipangamazano. Zvauri wechiduku, hautombokwanisi kugadzirisa kusawirirana kwevabereki vako. Kuenzanisira: Fungidzira kuti waiva mundege duku wobva wanzwa mutyairi nomutevedzeri wake vachiitisana nharo. Zvinonzwisisika kuti waizonetseka. Asi zvii zvaizoitika kudai waizozviita maziva zvose uchiudza vatyairi vacho kutyaira kwavangaita ndege yacho kana kuti kutoedza kubata chidhiraivho?

Saizvozvowo, kuedza ‘kubata chidhiraivho’ nokupindira muzvinetso zvevabereki vako kungatoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. Bhaibheri rinoti: “Munhu anokonzera kukakavara nokuda kwokuzvikudza, asi vaya vanorangana vane uchenjeri.” (Zvirevo 13:10) Zvimwe vabereki vako vangagadzirisa zvinetso zvavo nokukurukurirana vari voga.—Zvirevo 25:9.

Usapindira. Kana vanhu vaviri vachipopotedzana zvinenge zvakatoipa. Ungadirei kuva wechitatu uchitowedzera kuti zviipe? Pasinei nokuti ungava pamuedzo wokupindira, chokwadi ndechokuti ibasa revabereki vako kuti vagadzirisane—kwete rako. Naizvozvo, edza kutevera zano reBhaibheri rokuti ‘uve nehanya nezvinhu zvako woga’ munyaya dzakadaro. (1 VaTesaronika 4:11) Ramba kupindira mubopoto racho.

Usarwisanisa vabereki. Vamwe vechiduku vanokurudzira vabereki vavo kuti vakakavadzane nokuita kuti varwisane. Kana Amai vakavarambira chimwe chinhu vanonyengetedza Baba vachivaita kuti vabvume zvavanoda. Kunyengedza noungwaru kwakadaro kungaita kuti uwane karusununguko asi nokufamba kwenguva, kunongoita kuti zvinetso zvemhuri zvirambe zviripo.

Usarega zviito zvavo zvichikanganisa zviito zvako. Mumwe wechiduku anonzi Peter akasvika pakuziva kuti akanga achiita zvinhu zvisiri zvechiKristu kuti atsive baba vake vaishusha. Peter anoti, “Ndaida kuvarwadzisa. Ndaivavenga zvikuru pamusana pemabatiro avaiita amai vangu neni uye hanzvadzi yangu.” Zvisinei, pasina nguva, Peter aifanira kunangana nemigumisiro yezviito zvake. Tinodzidzei? Zviito zvakaipa zvinongowedzera zvinetso zvaunosangana nazvo kumba.—VaGaratiya 6:7.

Nyora pano kuti ipfungwa ipi muchitsauko chino yaunoda kunyanya kushandira. ․․․․․

Zviri pachena kuti haugoni kuita kuti vabereki vako vasakakavadzana. Asi iva nechokwadi chokuti Jehovha achakubatsira kutsungirira kuzvidya mwoyo kunokonzerwa nokukakavadzana kwavo.—VaFiripi 4:6, 7; 1 Petro 5:7.

Edza nepaunogona napo kushandisa mazano ari pamusoro apa. Nokufamba kwenguva, vabereki vako vangakurudzirwa kuti vafungisise kugadzirisa kwavangaita zvinetso zvavo. Ndiani anoziva—zvimwe vangatorega kukakavadzana.

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Ungararama sei nezvinetso zvokurerwa mumhuri ine mubereki mumwe chete?

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

“Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose.”—VaKorose 4:6.

ZANO

Kana vabereki vako vachingogara vachikandirana makobvu nematete, vakumbire noruremekedzo kuti vatsvake kubatsirwa.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Dzimwe nguva vanhu vanodanana vangapopotedzana.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana vabereki vangu vatanga kupopotedzana, ndicha- ․․․․․

Kana vabereki vangu vakandikumbira kuti ndipindire munyaya dzavo, ndichati ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei vamwe vabereki vachipopotedzana?

● Nei usingafaniri kupiwa mhosva yokunetsana kwevabereki vako?

● Ungadzidzei nokucherechedza zvinoitwa nevabereki vako?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 201]

“Kuziva kuti vabereki vangu havana kukwana uye kuti vanosanganawo nemiedzo sezvandinongoita kwakandibatsira kuti nditsungirire pavanokakavadzana.’’—Kathy

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 206, 207]

Ko Kana Vabereki Vangu Vakaparadzana?

Kana vabereki vako vakaparadzana, zvii zvaungaita nokuchenjera pasinei nokushushikana kwaunenge uchiita? Chimboona mazano anotevera:

● Usatarisira zvinhu zvisingaitiki. Zvingatanga kuuya mupfungwa dzako ndezvokuedza kuita kuti vabereki vako vadzokerane. Anne anoyeuka kuti: “Pashure pokunge vabereki vangu vaparadzana, dzimwe nguva vaititora vombovhakacha nesu. Ini nasisi vangu taizevezerana tichiti, ‘Ngatimhanyei mberi tisiye vaviri ava vari voga.’ Asi kunenge kuti hazvina kushanda. Havana kumbodzokerana.”

Zvirevo 13:12 inoti: “Kana chinhu chinotarisirwa chikanonoka, chinoita kuti mwoyo urware.” Kuti usanyanya kushungurudzika, yeuka kuti haugoni kudzora zvinoitwa nevabereki vako. Hausi iwe wakaita kuti vaparadzane, uye zvichida haungagoni kupindira woita kuti vadzokerane.—Zvirevo 26:17.

● Usavenga. Kutsamwira uye kuvenga mubereki mumwe kana kuti vose kungaita kuti urwadziwe kwenguva refu. Tom anoyeuka manzwiro aakaita paaiva nemakore 12: “Ndakatanga kutsamwira zvikuru baba vangu. Handidi kushandisa shoko rokuti ‘kuvenga,’ asi ndakanga ndiine chigumbu chikuru. Ndakatadza kunzwisisa kuti vaizogona sei kutichengeta zvavakanga vatisiya.”

Zvisinei, kuparadzana hakuwanzovi nyaya yokungoti mumwe mubereki haana kana chaakakanganisa uye mumwe wacho ndiye akakanganisa zvikuru. Chokwadi ndechokuti, zvichida vabereki vako havana kumbokuudza zvose nezvokuroorana kwavo kana kuti kurambana kwavo; ivo pachavo vangasambozvinzwisisa. Saka usamhanyirira kupa mhedziso iwe usingazivi nyaya yacho yose. (Zvirevo 18:13) Chokwadi, zvakaoma kuti usatsamwa, uye ndezvomuzvarirwo kuti umbonetseka zvikuru kwekanguva. Asi kuramba wakatsamwa uye kuchengeta mafi kungakanganisa unhu hwako zvishoma nezvishoma. Ndokusaka Bhaibheri richitiudza kuti: “Rega kutsamwa, usiye hasha.”—Pisarema 37:8.

● Ita zvine musoro. Pane kuvenga mubereki wavasingachagari naye, vamwe vechiduku vanobva vanyanyisa vomu- da zvokutomunamata. Somuenzaniso, baba vomumwe wechiduku vakanga vakapindwa muropa nedoro uye vasingabviri mumadhirezi vaigara vachisiya mhuri yavo uye pakupedzisira vakadimbura muchato. Asi wechiduku uyu anoyeuka kuti nokuda kwechimwe chikonzero, akapotsa anamata ba- ba vake!

Kuvada kwakadaro kwakapfurikidza hakusi kutsva. Kune imwe nyika, 90 muzana yevana vane vabereki vakarambana vanogara navanaamai vavo uye vanoita zvokushanyira vanababa vavo. Saka amai ndivo vane musengwa wokuriritira vana—kusanganisira kuvaranga. Uye pasinei nemari yemendenenzi, kazhinji amai vanova nemari shoma pashure pokurambana. Ukuwo, yababa ingatovawandira. Magumo acho: Kuvhakacha nababa kunoreva kuwana zvipo nokunakidzwa! Kugara naamai kunoreva kusunga homwe uye kuudzwa zvokuita nezvokusaita. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vechiduku vakatosiya mubereki wechiKristu kuti vanogara nomubereki akapfuma asingatendi uye anovabvumidza kuita madiro.—Zvirevo 19:4.

Kana ukaedzwa kusarudza izvozvo, ongorora zvaunoisa pakutanga. Yeuka kuti unoda kutungamirirwa uye kudzidziswa kuti uve netsika. Hapana chimwe chaungagona kupiwa nomubereki chichachinja zvikuru unhu hwako noupenyu hwako.—Zvirevo 4:13.

[Mufananidzo uri papeji 202, 203]

Wechiduku anoudza vabereki vake zvokuita nezvinetso zvavo akafanana nomunhu ari mundege anoudza vatyairi kutyaira kwavangaita ndege

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe