RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 7
  • Ndoita Sei Kana Ndisingafariri Chikoro?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndoita Sei Kana Ndisingafariri Chikoro?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Mashoko Akafanana
  • Ndinofanira Kurega Chikoro Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndinofanira Kusiyira Chikoro Panzira Here?
    Mukai!—2011
  • Neiko Ndichifanira Kufunda Zvakasimba Muchikoro?
    Mukai!—1992
  • Ndosiyira chikoro panzira here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 7
Mukomana ari kushungurudzika akamira mupaseji yechikoro.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndoita Sei Kana Ndisingafariri Chikoro?

Pane zvinhu zvinogona kuita kuti munhu asafarire chikoro. Zvimwe zvacho ndeizvi: Vadzidzisi vanoomesa zvinhu, kuda kutevedzera vamwe, bvunzo dzinotemesa musoro uye homuweki yakawandisa.a Mumwe musikana anonzi Rachelb anoti:

“Dai zvaizonzi ndisarudze kwekuenda, ndaitoenda hangu kune imwe nzvimbo pane kuita zvechikoro. Ndingatoenda hangu kumahombekombe egungwa kana kushamwari dzangu kana kutobatsira vabereki vangu kubika kana kutsvaira pamba!”

Kana wakaita saRachel, makore ako ekuchikoro anogona kuita semutongo wekugara mujeri, unotofanira kugaramo kusvikira makore acho akwana. Asi pane zvaungaita kuti ufarire chikoro here?

Waizviziva here? Kana ukatanga kufarira chikoro unenge usisaiti zvekuzvimanikidza, kuenda kuchikoro kunenge kwava kutokunakidza. Unenge wava kutoziva kuti chikoro chichakubatsira kuwana ruzivo rwaunoda kuzoshandisa paunenge wakura.

Kuti utange kufarira chikoro, chimboedza kufunga zvinotevera:

Bhuku nepenzura.

Dzidzo. Kuramba uchienda kuchikoro kuchakubatsira kuti ugone kugadzirisa wega matambudziko auchasangana nawo pauchange wava kushanda uyewo mamwe matambudziko eupenyu. Zvibvunze kuti, ‘Kunyange zvazvo paine zvimwe zvinhu zvandisingafariri nezvechikoro, ndezvipi zvakanakira dzidzo yandiri kuwana?’

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Chengetedza uchenjeri hunobatsira uye gara uchishandisa pfungwa.”—Zvirevo 3:21.

Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Ndoita Sei Kana Ndiri Kufoira Kuchikoro?”

Zvinhu zvekutarisa.

Tsika dzako. Purogiramu yako yechikoro inokubatsira kuronga nguva zvakanaka, kuzvidzora, uye kushanda nesimba. Zvinhu izvi zvinozokubatsira kana wakura. Zvibvunze kuti: ‘Kuita zvechikoro kuri kundibatsira sei pakuva munhu anozvidzora uye anoshanda nesimba? Ndezvipi zvandingada kugadzirisa pazvinhu izvi?’

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kushanda zvakaoma kwese kune zvakunobatsira.”—Zvirevo 14:23.

Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Ndingashandisa Sei Nguva Yangu Zvakanaka?”

Vanhu vaviri vari kukurukura.

Kuwirirana nevamwe. Kutamba nevamwe zvakanaka kuchikoro kunokubatsira kuti uve netsitsi uye uremekedze vamwe. Mumwe mukomana anonzi Joshua anoti: “Kudzidza kutaura nevamwe zvakanaka kunokosha sezvinoita zvidzidzo zvesainzi nezvenhoroondo dzezvakaitika kare”. Anotiwo, “unyanzvi ihwohwo hunoshanda kweupenyu hwese.” Zvibvunze kuti, ‘Zvidzidzo zvipi zvandakawana kuchikoro nezvekuwirirana nevamwe, kunyange vaya vanobva kwakasiyana nekwandinobva uye vane chitendero chakasiyana nechangu?’

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ivai nerugare nevanhu vese.”—VaHebheru 12:14.

Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Ndingaita Sei Kuti Ndigone Kutaura Nevanhu?”

Munhu ari kufamba mumugwagwa.

Ramangwana rako. Kuenda kuchikoro kunogona kukubatsira kuziva zvinhu zvaunonyatsogona wobva waronga kuita zvinhu izvozvo muupenyu. Mumwe musikana anonzi Brooke anoti: “Unokwanisa kutodzidzira rimwe basa sezvandakaita, kuitira kuti paunopedza chikoro unenge uine mapepa anokuwanisa basa.” Zvibvunze kuti: ‘Ndichange ndichizviriritira sei pandinenge ndapedza chikoro? Ndinofanira kudzidza nezvechii kuti ndikwanise kuzoita basa iroro richandiraramisa?’

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Gadzirira tsoka dzako nzira yakati chechetere”—Zvirevo 4:26.

a Zvakawanda zviri munyaya ino zvinobatsirawo vana vanodzidza vari pamba vasingaendi kuzvikoro.

b Mamwe mazita akachinjwa.

Zvinotaurwa nevezera rako

  • Madison.

    “Kushanda basa rechikoro tiri mumapoka kwakaita kuti ndizivane nevanhu vakasiyana-siyana. Izvi zvakaita kuti ndidzidze kuteerera vanhu vanobva kwakasiyana nekwandinobva uye vane mararamiro akasiyana neangu. Vandaidzidza navo vaindifarira uye vaindiremekedza nekuti vaiziva kuti ndiri munhu ane rudo uye ndaisavatsoropodza.”—Madison.

  • Ryan.

    “Ndakadzidza kutarisa zvakanaka zvinoitwa nevamwe vemukirasi medu. Vakawanda vavo vaiedza chaizvo kuita zvinhu zvakanaka. Saka ndaitsvaga nzira dzekuvaudzawo zvimwe zvinhu zvinokurudzira zvinobva muBhaibheri.”—Ryan.

  • Brooke.

    “Kuenda kuchikoro kunokubatsira kuwirirana nevamwe. Unenge uine vaunodzidza navo zuva rese, saka unodzidza zvekutaura nezvekusataura, kuva nemwoyo murefu uye kuva nerupo. Muzvidzidzo zvekusimbisa muviri munoita mitambo muri mumapoka uye izvozvo zvinokudzidzisa kushanda nevamwe zvakanaka. Haungambozvidzidzi uri wega.”—Brooke.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe