Imagination World/stock.adobe.com
Zvinotaurwa neShoko raMwari Zvinopa Tariro Kuvapoteri!
Gore negore, mamiriyoni evanhu anomanikidzwa kusiya misha yavo. Izvi ndizvo zviri kuitikawo kwauri here? Kana zvakadaro, ziva kuti hausi wega. Mwari anopa tariro yeramangwana rakazonaka, uye unogona kudzidza nezvetariro iyoyo muMagwaro Matsvene.
Christos Stylianides, mumiririri weEuropean Union,a anoti: “Vapoteri uye vaya vakasiya misha yavo havangodi rubatsiro rwekukurumidzira chete, asiwo . . . tariro yeramangwana.”b Vanhu vane tariro vanokwanisa kuva nemaonero akanaka nezveramangwana ravo. Asi kuwedzera pakuva netariro, vapoteri vanodawo kunyaradzwa kuti vagadzikane mupfungwa.
“Pandaifanira kubuda munyika yangu uye kusiya vemumhuri mangu, ndakashungurudzika zvisingaiti uye ndakapererwa. Ndainzwa kutya zvisingaiti, kusurukirwa uye kuora mwoyo.”—Emmanuel, Haiti.
Ndiwo manzwiro aunoitawo here? Kana wakatiza musha wako nemhaka yehondo kana zvimwewo, unotoda mashoko anokunyaradza uye anokupa tariro. Shoko raMwari Bhaibheri ringakubatsira sei?
Nyaradzwa neShoko raMwari
Bhaibheri rinoti: “Jehovhac . . . anoda mutorwa.”—Dheuteronomi 10:17, 18.
Izvi zvinoreva kuti hausi wega. Jehovha Mwari uyo akanyora Bhaibheri, anonzwisisa zviri kuitika kwauri, anokuda, uye ane hanya chaizvo nemanzwiro aunoita.
Bhaibheri rinoti: “Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari.”—Pisarema 145:18.
Izvi zvinoreva kuti paunonyengetera, Jehovha anokunzwa. Anogona kukubatsira kuti ugadzikane mupfungwa. Anokupawo mazano anobva muBhaibheri anogona kukubatsira kutsungirira zvauri kusangana nazvo.
Bhaibheri rinoti: “Hazviiti zvachose kuti Mwari wechokwadi aite zvakaipa . . . Wemasimbaose haatsaudziri pakutonga.”—Jobho 34:10, 12.
Izvi zvinoreva kuti Mwari handiye anokonzera kutambura kwauri kuita. Haasi kukuranga, kana kukuedza nekuita kuti uomerwe neupenyu.
Shoko raMwari rinotipa tariro
Bhaibheri rinotaura zvatichaitirwa naMwari mune ramangwana. Ona kuti tariro iyi iri kubatsira sei vanhu vakatiza misha yavo.
Bhaibheri rinoti: ‘Mwari achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.’—Zvakazarurwa 21:4.
Izvi zvinoreva kuti panenge pasisina matambudziko ese. Mwari anovimbisa kuti achabvisa matambudziko ese anoita kuti zviite sekuti hapana chekuraramira mazuva ano.
“Mwari ava kuda kugumisa kusabatwa zvakanaka uye zvinhu zvakaipa zvatiri kuona zvichiitika. Kuziva izvi kunoita kuti ndiise pfungwa dzangu pazuva richagumiswa matambudziko ese.”—Karla, El Salvador.
Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvekare hazvizouyi mupfungwa, uyewo hazvizouyi mumwoyo.”—Isaya 65:17.
Izvi zvinoreva kuti hatizorambi tichishungurudzika nekufunga zvinhu zvinorwadza zvakaitika kare. Mwari achaita kuti usazomboshungurudzika zvakare nekufunga zvinhu zvakaipa zvaunenge wakasangana nazvo muupenyu.
“Bhaibheri rinovimbisa kuti zvinhu zvava kuda kuchinja. Saka hatizomboyeuki kurwadziwa kwatakaitwa uye zvinhu zvatakarasikirwa nazvo. Kuziva izvi kuri kundibatsira kuti nditsungirire zvinhu zvakaoma zvatiri kusangana nazvo.”—Natalia, Ukraine.
Bhaibheri rinoti: “Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo . . . huchapwanya, hwogumisa umambo hwese uhwu.”—Dhanieri 2:44.
Izvi zvinoreva kuti hurumende yaMwari yekudenga ndiyo ichatonga nyika. Mwari ava pedyo kubvisa hurumende dzese dzevanhu odzitsiva nehurumende yake. Hurumende yacho ichaita kuti pave nerunyararo uye pasisina chekutya, vanhu vese vachibatwa zvakanaka uye pasisina murombo.—Mika 4:3, 4.
“Zvinondinyaradza kuziva kuti matambudziko akadai sekudzvinyirirwa, kusabatwa zvakaenzana, kufungirwa zvakaipa, uye rusaruraganda, haasi kuzoramba aripo. Munguva pfupi iri kuuya, Umambo hwaMwari huchabvisa matambudziko acho ese.”—Mustafa, Middle East.
Nyaradzwa nemashoko anopa tariro ari muBhaibheri
Uchenjeri huri muShoko raMwari
Zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kukubatsira paunenge uchiedza kujairana nekuchinja kunenge kwaita zvinhu muupenyu hwako. Zvinogonawo kukubatsira paunenge uchinetseka nekurasikirwa kwawakaitwa nezvinhu zvako. Ona kuti mazano anotevera ari kubatsira sei vapoteri:
Bhaibheri rinoti: “Kunyange kana munhu aine zvizhinji, upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”—Ruka 12:15.
Mashoko aya euchenjeri anogona kukubatsira sei? Zvimwe wakavhiringidzika chaizvo uye wakanyatsoona kuti zvinhu zvese zvawaiva nazvo hazvisisipo. Asi kana ukambomira, wofunga kuti uri mupenyu, zvinogona kukubatsira kuti usanyanya kufunga nezvekurasikirwa kwawakaitwa nezvinhu zvako.
“Upenyu hunokosha kupfuura zvinhu. Pane mamwe mamiriro ezvinhu ekuti mari kana zvinhu zvako hazvikwanisi kukubatsira.”—Natalia, Ukraine.
Bhaibheri rinoti: “Usati, ‘Nei mazuva ekare aiva nani pane aya?’”—Muparidzi 7:10.
Mashoko aya euchenjeri anogona kukubatsira sei? Zvinhu zvinogona kunge zvakakuomera chaizvo iye zvino, asi kana ukasaenzanisa zvakaita upenyu hwako iye zvino nezvahwainge hwakaita zvichakubatsira kuti usagumbuka.
“Kubvuma kuti upenyu hwangu hwatochinja kunondibatsira kuti ndisanyanya kunetseka.”—Eli, Rwanda.
Bhaibheri rinoti: “Kana tiine zvekudya nezvekupfeka, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:8.
Mashoko aya euchenjeri anogona kukubatsira sei? Edza kugutsikana nezvinhu zvinokosha pakurarama. Kugutsikana kunogona kuita kuti usanyanya kuzvidya mwoyo, uye izvozvo zvinogona kukubatsira kuti unzwe wakagadzikana.
“Bhaibheri riri kundibatsira kuti ndisaisa pfungwa pazvinhu zvandakarasikirwa nazvo. Ini nemudzimai wangu tinotenda kuti tiri vapenyu uye kuti tiri munzvimbo yakachengeteka.”—Ivan, Ukraine.
Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.”—Mateu 7:12.
Mashoko aya euchenjeri anogona kukubatsira sei? Unogona kuwirirana nevamwe kana ukaita zvese zvaunogona kuti uve nemwoyo murefu uye mutsa. Kana ukadaro, zvinova nyore kuti vanhu vakugamuchire uye vasakusarura.
“Vanhu vakawanda vanofara kana ukavaremekedza, ukavabatsira, uye ukavaratidza rudo. Izvi zvichaita kuti uwirirane nevanhu vekwaunenge wava kugara.”—Angelo, Sri Lanka.
Bhaibheri rinoti: “Zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari; uye rugare rwaMwari . . . ruchachengetedza mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu.”—VaFiripi 4:6, 7.
Mashoko aya euchenjeri anogona kukubatsira sei? Nyengetera kuna Mwari uchimuudza manzwiro ako, zvaunoda pakurarama, zvauri kutya, uye zviri kukunetsa. Minyengetero yakadaro inogona kukubatsira kuti usanyanya kuzvidya mwoyo uye kuti usabva wapererwa zvekushaya pekutangira.
“Ndinonyengetera kuna Mwari pese pandinosangana nematambudziko, uye anondipindura. Zvandakadzidza muBhaibheri zviri kundibatsira kuti ndinyatsonzwa ndakagadzikana.”—Yol, South Sudan.
“Mazano emuBhaibheri anondibatsira kuti ndigadzikane, uye izvozvo zvinobva zvaita kuti ndikwanise kutsungirira dambudziko iri.”—Valentina, Ukraine.
“Zvinondisimbisa kuziva kuti Jehovha Mwari anovimbisa upenyu hwakazonaka chaizvo.”—Emmanuel, Haiti
Unoda kuziva mamwe mashoko anonyaradza ari muBhaibheri uye anopa tariro here? Unoda here kuziva kuti nei tichikwanisa kuvimba nezvinotaurwa neBhaibheri? Kumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvikushanyire pasina mari yaunobhadhara. Vachafara kukubatsira.
a Sangano reUN Refugee Agency rinoti vapoteri ndevaya vakamanikidzwa kusiya misha yavo vachienda kune imwe nzvimbo yemunyika mavo kana kuti vachienda kune imwe nyika.
b European Union Commissioner for Humanitarian Aid and Crisis Management.
c Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”