Chii Chichaitika Kuzvitendero?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Wakaodzwa mwoyo nezvitendero kana kuti pamwe unotozvivenga here? Kunyange zvazvo vezvitendero vaine zvimwe zvinhu zvakanaka zvavakaita kubatsira dzimwe nharaunda uyewo vanhu vakasiyana-siyana, vane zvimwe zvakawanda zvavakakanganisa. Rimwe bhuku rinonzi, Encyclopedia of Religion and War rakataura kuti, “Dzimwe hondo dzakaipisisa dzakaitika panyika dzakakonzerwa nekuti vanhu vaiva nezvitendero zvakasiyana.” Vatungamiriri vezvitendero vanowanzoshandisa zvinzvimbo zvavo kuita kuti vanhu vave nemaonero avo panyaya dzematongerwo enyika, pane kuti vadzidzise vanhu nezvaMwari. Vamwewo vatungamiriri vezvitendero vanovanza zvinhu zvakaipa zvinoitwa mumachechi avo zvakadai sekubata chibharo uyewo kuba.
Kana wakaodzwa mwoyo nezvitendero, unogona kunge uchinetseka kuti Mwari anozvionawo sei. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari haafariri zvitendero zvakawanda nemhaka yezvinhu zvakaipa zvazvinoita. Rinewo uprofita hunoratidza zvaachaita. Richishandisa mashoko ekufananidzira, Bhaibheri rinoratidza kuti munguva pfupi iri kuuya Mwari achaita chimwe chinhu chaasati amboita, kuzvitendero zvese zviri panyika.
Bhaibheri rinotaura zvichaitika kuzvitendero
Uprofita: Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezvepfambi inonzi Bhabhironi Guru. Pfambi iyi yakagara pachikara chitsvuku. Asi chikara chacho chinozoipandukira choiuraya.—Zvakazarurwa 17:3, 5, 16.
Zvazvinoreva: Pfambi inonzi Bhabhironi Guru inomiririra zvitendero zvese zvenhema, kureva zvitendero zvese zvisingafarirwi naMwari.a Chikara chitsvuku chinomiririra Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (UN).b Pfambi inonzi yakagara pachikara chitsvuku, kuratidza kuti zvitendero zvenhema zvinoedza kuita kuti Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (UN) riite zvazvinoda. Uyewo kuurayiwa kuchaitwa pfambi nechikara chacho kunoratidza kuti UN nenyika dzinoitsigira zvichapandukira zvitendero zvese zvenhema zviri panyika zvobva zvazviparadza. Zvinhu zvakadaro hazvisati zvamboitika uye zvitendero zvenhema hazvizombovipozve.
Zvitendero zvenhema zvichaparadzwa sei?
Uprofita: “Nyanga gumi dzawaona, nechikara, zvichavenga pfambi uye zvichaiparadza uye . . . zvichairoromesa nemoto. Nekuti Mwari akazviisa mumwoyo mavo [kureva vatungamiriri venyika] kuti vaite zvaari kufunga, kureva kuti, vaite pfungwa yavo imwe chete kuburikidza nekupa umambo hwavo kuchikara . . . Matambudziko aro achauya nezuva rimwe chete, rufu nekuchema nenzara, uye richaroromeswa nemoto, nekuti Jehovhac Mwari uyo akaritonga ane simba.”—Zvakazarurwa 17:16, 17; 18:8.
Zvazvinoreva: Mwari achaisa “zvaari kufunga” muhurumende dzepanyika. Achaita kuti dzipe ‘umambo hwadzo’ kana kuti simba radzo rekutonga kuSangano reUN. Sangano reUN richabva rangoshandisa simba iroro rarinenge rapiwa kuparadza zvitendero zvese zvenhema pasi rese. Zvichaita sekuti zvinhu izvi zvinoshamisa zvaitika ‘muzuva rimwe chete’ nekuti zvichaitika nekukurumidza uye vanhu vakawanda vasingazvitarisiri.—Zvakazarurwa 18:21.
Chii chichaita kuti zvitendero zvenhema zviparadzwe?
Uprofita: “Zvivi zvaro zvatutirana kusvika kudenga, uye Mwari ayeuka mabasa aro asina kururama.”—Zvakazarurwa 18:5.
Zvazvinoreva: Zvitendero zvenhema zvava nenguva yakareba zvichiita zvinhu zvakaipa zvakawanda. Ona zvimwe “zvivi” zvezvitendero zvenhema zvakaita kuti Mwari azotaura kuti achazozviparadza:
Kupindira mune zvematongerwo enyika. Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake kuti havafaniri kupindira mune zvematongerwo enyika. Asi kuti vanofanira kuvimba neUmambo hwaMwari, kureva hurumende yekudenga ichatsiva hurumende dzevanhu.d (Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10; Johani 6:15; 18:36) Asi zvitendero zvenhema zvinokurudzira vanhu kuti vavimbe nehurumende dzevanhu. Chitendero chenhema hachina kuvimbika kuna Mwari asi chakaita kunyura mune zvematongerwo enyika. Ndosaka uprofita huri mubhuku raZvakazarurwa huchitaura kuti “Bhabhironi Guru” rine mhosva yekuita “upombwe” uye huchiriti ‘ipfambi huru.’—Zvakazarurwa 17:1, 2; Jakobho 4:4.
Mhirizhonga. Zvitendero zvenhema zvinonzi zvine mhosva yekukonzera rufu rwevaya “vese vakaurayiwa panyika.” (Zvakazarurwa 18:24) Zvitendero zvakawanda zvinokundikana kudzidzisa vateveri vazvo kuti vave nerugare nevamwe uye zvinotsigira hondo. Pamwe pacho ndizvo zvinotokurudzira vanhu kuti vatange hondo uyewo vaite zveugandanga.
Makaro. Zvitendero zvenhema ‘zvinorarama muumbozha zvisinganyari.’ (Zvakazarurwa 17:4; 18:7) Vatungamiriri vezvitendero vakawanda vanoshandisa simba ravo uye kuzivana kwavanoita nevanhu vane masimba kuti vazviunganidzire pfuma. Mwari haatombofariri makaro akadaro.—Tito 1:7.
Kudzidzisa zvenhema. Zvitendero zvenhema zvinodzidzisa vanhu kuti vatende uye vaite zvinhu zvisingapindirani nezvinodzidziswa neBhaibheri.e Nemhaka yekuti zvinhu zvakawanda zvavanodzidzisa uye zvavanoita zvinotsausa vanhu uye zvinoita kuti vashore Mwari, uprofita huri muna Zvakazarurwa hunodana zvitendero zvenhema kuti “amai . . . vezvinhu zvinosemesa zvenyika.”—Zvakazarurwa 17:5; 18:23.
Zvitendero zvese zvichaparadzwa here?
Aiwa. Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezve “boka guru revanhu” vanobva kumarudzi akasiyana-siyana. (Zvakazarurwa 7:9) Boka guru iri rakapfeka “nguo refu chena,” izvo zvinoreva kuti vanonamata Mwari vachinyatsotevedzera zvaanoda. Boka guru iroro richapona ‘pakutambudzika kukuru,’ panova ndipo pachaparadzwa chitendero chenhema nevamwe vavengi vese vaMwari. (Zvakazarurwa 7:13, 14; 19:11, 19-21) Boka guru rakapfeka nguo refu chena riri muchitendero chechokwadi chicharamba chiripo nekusingaperi.f
Boka guru revanamati vechokwadi richapona pachaparadzwa chitendero chenhema.
Kuziva kuti zvitendero zvenhema zvichaparadzwa kunokubatsira sei?
Kuziva kuti Mwari haafariri zvinhu zvakaipa zviri kuitwa nezvitendero kunogona kukunyaradza. Unogona kuva netariro yekuti uchava neramangwana rakanaka, nekuti unenge wava kuziva kuti zvitendero zvese zvinoita kuti Mwari ashorwe uye zvinoita kuti vanhu vatambure zvichaparadzwa.
Unogonawo kuva nechokwadi chekuti unokwanisa kunamata Mwari nenzira yaanoda. Bhaibheri rinotaura kuti vanamati vechokwadi vachanamata “Baba mumweya nemuchokwadi, nekuti zvechokwadi, Baba vari kutsvaga vanhu vakadaro kuti vavanamate.” (Johani 4:23) Anovaudza kuti: “Budai mariri [kureva Bhabhironi Guru] vanhu vangu, kana musingadi kubatanidzwawo muzvivi zvaro, uye kana musingadi kuwirwa nemamwe matambudziko aro.” (Zvakazarurwa 18:4, 5) Mwari ari kutokoka vanhu kuti vamunamate maererano nechokwadi chinodzidziswa muBhaibheri. (1 Timoti 2:3, 4) Anovimbisa vaya vanobvuma kukokwa naye kuti vachararama nekusingaperi.—1 Johani 2:17.
a Kuti udzidze zvinhu 4 zvinogona kukubatsira kuziva kuti Bhabhironi Guru chii, verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Bhabhironi Guru?”
b Kuti udzidze zvinhu 6 zvinogona kukubatsira kuziva chikara ichi, verenga nyaya yakanzi “Chikara Chitsvuku Chinotaurwa Pana Zvakazarurwa Chitsauko 17 Chinofananidzirei?”
c Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”
d Kuti udzidze zvakawanda, ona vhidhiyo yakanzi Umambo hwaMwari Chii?
e Kuti uone mimwe mienzaniso, ona bhokisi rakanzi “MuBhabhironi Guru Munewo Zvimwe Zvitendero Zvinozviti ‘NdezvechiKristu’ Here?”
f Kuti udzidze kuti Bhaibheri ringakubatsira sei kuziva chitendero chechokwadi, verenga nyaya yakanzi “Ndingaziva Sei Chechi Yechokwadi?”