Chii Chiri Mhinduro Yacho?
CHINETSO chevapoteri hachisiri chiya chisina tariro. Munyika yose, masangano ane mutsa anovavarira kubetsera avo vakatamiswa nehondo nezvimwe zvinetso. Nzira huru yavanobetsera nayo ndeyokubatsira vapoteri kudzokera kunyika dzavo dzavakaberekerwa.
Vapoteri vanosiya musha, nzanga, uye nyika nemhaka yokuti vanotya kuti vachapondwa, vachatambudzwa, vachabatwa chibharo, vachaiswa mutorongo, vachaitwa varanda, vachapambwa, kana kuti vachaziya nenzara. Naizvozvo vapoteri vasati vagona kudzokera kumusha zvakakotsekana, zvinetso zvakavaparira kutiza zvinofanira kupedzwa. Kunyange apo kurwisana nezvombo kunoguma pakupedzisira, kusavapo kwomutemo nenhevedzano kunowanzoodza vanhu mwoyo kuti vasaenda kumusha. Agnes, mupoteri wokuRwanda uye mai vevana vatanhatu, akati: “Kuti[dzosera] kuRwanda kungava kwakafanana nokutiendesa kumakuva edu.”
Kunyange zvakadaro, kubvira muna 1989, vapoteri vanopfuura mamiriyoni mapfumbamwe vakadzokera kumisha yavo. Vanenge mamiriyoni 3,6 veivava vakadzokera kuAfghanistan vachibva kuIran nePakistan. Mamwe mamiriyoni 1,6 evapoteri munyika nhanhatu akadzokera kuMozambique, nyika yakasakadzwa nemakore 16 ehondo yevagari vemo.
Kudzokera hakusiri nyore. Kazhinji kazhinji nyika uko vapoteri vanodzokera dzava matongo—dzine misha yangoti ngondo ngondo, mabhiriji akapazwa, uye migwagwa neminda zvakadyarwa zvimbambaira. Nokudaro, vapoteri vanodzokera vanofanira kutanga kuvakazve kwete bedzi upenyu hwavo asiwo misha yavo, zvikoro, makiriniki, uye chimwe chinhu chiri chose.
Bva, kunyange apo kurwisana kunopera mune imwe nzvimbo, kuchibvumira vapoteri kudzokera, kunotanga kune imwe nzvimbowo, kuchitanga kudirana kutsva kwevapoteri. Kupedza ngwavaira yevapoteri, naizvozvo, kunoreva kupedza zvinetso zvinobatanidzwa zvehondo, kudzvinyirira, ruvengo, chitambudzo, uye zvimwe zvikonzero zvinoparira vanhu kutiza kuti vazviponese.
The State of the World’s Refugees 1995 inobvuma, kuti: “Chokwadi chaicho . . . ndechokuti mhinduro [dzengwavaira yevapoteri] pakupedzisira dzinotsamira pazvikonzero zvematongerwe enyika, zvehondo uye zveupfumi izvo zvisingagoni kudzorwa nesangano ripi neripi rine mutsa.” Maererano neBhaibheri, mhinduro dzacho nenzira yakafanana hadzigonekwi nesangano repasi ripi neripi, romutsa kana kuti risiri.
Nyika Isina Vapoteri
Kune mhinduro, zvisinei. Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha Mwari anoitira hanya avo vakaparadzaniswa nemisha yavo nemhuri. Kusafanana nehurumende dzepasi, ane simba nouchenjeri hwokupedza zvinetso zvose zvakaoma kunzwisisa zvakatarisana nerudzi rwomunhu. Achaita kudaro kupfurikidza noUmambo hwake—hurumende yokudenga ichakurumidza kudzora zvinhu zvapasi.
Umambo hwaMwari huchatsiva hurumende dzose dzevanhu. Panzvimbo pokuva nehurumende dzakawanda pasi pano, sezvatinoita zvino, kuchava nehurumende imwe bedzi, ichatonga pasi rose. Bhaibheri rinofanotaura, kuti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kunorumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Ungave wakarovedzana nomunyengetero womuenzaniso unowanwa muBhaibheri pana Mateo 6:9-13. Rutivi rwomunyengetero iwoyo, runoti: “Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” Mutsinhirano nomunyengetero iwoyo Umambo hwaMwari hucha“uya” nokukurumidza kuzoita chinangwa chaMwari nokuda kwapasi.
Mukutonga kune rudo kwoUmambo hwaMwari, kuchave norugare rwechisiko chose nokuchengeteka. Hakuchazovizve noruvengo nokurwa pakati pamarudzi nenyika dzapasi. (Pisarema 46:9) Hakuzotongovizve nemamiriyoni evapoteri vanotiza kuti vazviponese kana kuti vanogara mumisasa vachitambura.
Shoko raMwari rinopikira kuti Mambo woUmambo hwaMwari, Kristu Jesu, “acharwira mushaiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushaiwi, uchaponesa mweya yavashaiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”—Pisarema 72:12-14.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Nokukurumidza vose vachabatana sehama nehanzvadzi dzechokwadi