RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 30
  • Kuona Zvinonyadzisira Kunogona Kuparadza Wanano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuona Zvinonyadzisira Kunogona Kuparadza Wanano
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaunofanira kuziva
  • Zvaungaita
  • Ungaitei Kana Wawakaroorana Naye Achiona Zvinonyadzisira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Kuona Zvinonyadzisira Kwakaipirei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kukuvadza Kunoita Zvinonyadzisira
    Mukai!—2003
  • Zvinonyadzisira Hazvikuvadzi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 30
Murume akagara akabata kumeso akasuwa, mudzimai wake akamira akatarisa panze nepahwindo.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | WANANO

Kuona Zvinonyadzisira Kunogona Kuparadza Wanano

Mudzimai akazoziva kuti murume wake aiona zvinonyadzisira. Murume wake akamukumbira ruregerero uye akamuvimbisa kuti aizozvirega. Akamborega kwekanguva asi akazotangazve. Mudzimai wake akazviziva zvakare achibva akumbirazve ruregerero.

Ndizvo zviri kuitikawo kwauri here? Kana zvakadaro, unofanira kuziva kuti kuona kwaunoita zvinonyadzisira kuri kukanganisa sei wawakaroorana naye uye kuti ungaitei kuti uzvirege zvachose.a

Zviri munyaya ino

  • Zvaunofanira kuziva

  • Zvaungaita

  • Kana murume wako achiona zvinonyadzisira

Zvaunofanira kuziva

Kuona zvinonyadzisira kunogona kuparadza wanano. Kunogona kuita kuti uya asiri kuona zvinonyadzisira ave nechigumbu uye kuti asavimba nemumwe wake.b

Mudzimai ane murume anoona zvinonyadzisira anogona kuva nemanzwiro aya:

  • Kunzwa seanyengerwa. Mudzimai anonzi Sarah akati, “Ndainzwa sekuti murume wangu aita upombwe uye ari kuramba achingohudzokorora.”

  • Kunzwa seasiri chinhu. Mumwe mudzimai akati kuona zvinonyadzisira kwaiita murume wake kwakaita kuti “anyare uye anzwe sekuti akashata.”

  • Kusavimba nemumwe wako. Mudzimai anonzi Helen anoti, “Ndinenge ndichingonyumwira zvese zvinoitwa nemurume wangu.”

  • Kuzvidya mwoyo. Mudzimai anonzi Catherine anoti, “Ndakanga ndava kungogara ndichinetseka nezvetsika iyi yaiva nemurume wangu.”

Zvekufunga nezvazvo: Bhaibheri rinoudza murume kuti ade mudzimai wake. (VaEfeso 5:25) Kana murume akaita kuti mudzimai wake ave nemanzwiro ari kutaurwa pamusoro apa anenge achiratidza kuti anoda mudzimai wake here?

Zvaungaita

Hazvisi nyore kurega kuona zvinonyadzisira. “Murume wangu akarega fodya, mbanje, uye doro,” anodaro mudzimai anonzi Stacey, “asi zvichiri kumuomera kurega kuona zvinonyadzisira.”

Kana zviri izvo zviri kuitika kwauri, mazano anotevera anogona kukubatsira kuti urege zvachose kuona zvinonyadzisira.

  • Nzwisisa kuti kuona zvinonyadzisira kwakaipirei. Kuona zvinonyadzisira kunoita kuti munhu angoita zvinhu zvekuda kuzvifadza iye chete, zvoita kuti pasava nerudo, kuvimbana, uye kutendeka, izvo zvinodiwa kuti mufare muwanano. Kuona zvinonyadzisira kunoratidza kusaremekedza Jehovha Mwari, uyo akaita kuti pave newanano.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Wanano ngaikudzwe.”—VaHebheru 13:4.

  • Bvuma kuti ndiwe wakakanganisa. Usataura kuti, ‘Ndingadai ndisingaoni zvinonyadzisira kudai mudzimai wangu ainyatsondiratidza rudo.’ Hazvina kunaka kupa mudzimai wako mhosva. Kuita izvozvo kunogona kuzoita kuti utangezve kuona zvinonyadzisira kana mudzimai wako akakukanganisira.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mumwe nemumwe anoedzwa paanotorwa mwoyo, oputirwa neruchiva rwake.”—Jakobho 1:14.

  • Buda pachena uye udza wawakaroorana naye chokwadi. Mumwe murume anonzi Kevin anoti: “Zuva rega rega ndinobvunza mudzimai wangu kuti pane here chinhu chisina kunaka chandaramba ndakangotarisa? Kugara tichitaura saizvozvo kunoita kuti asanzwa sekuti pane zvandiri kumuvanzira.”

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Tinoda kuva vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.’—VaHebheru 13:18.

  • Ramba wakangwarira. Unogona kumbokundwa nemuedzo kunyange papfuura makore akawanda wakunda muedzo wacho. Kevin ambotaurwa nezvake anoti: “Ndakakurira muedzo wekuona zvinonyadzisira kwemakore 10 uye ndakazviudza kuti dambudziko iri rakanga rapera. Asi dambudziko racho rakanga richiripo; mukana ndiwo waishayikwa chete.”

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.”—1 VaKorinde 10:12.

  • Zvidzore paunosangana nemuedzo. Kunyange zvazvo ungatadza kudzivisa chido chakaipa, unogona kusarudza kuita maererano nechido chacho kana kuti kurega. Chido chacho chinogona kukurumidza kupera kana ukadzidza kubvisa pfungwa dzako pachiri wodziisa pane zvimwe zvinhu.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mumwe nemumwe wenyu anofanira kudzidza kudzora muviri wake muutsvene nekukudzwa, asingaratidzi makaro nekusazvidzora pakuda zvebonde.”—1 VaTesaronika 4:4, 5.

  • Usazvipinza mumamiriro ezvinhu angaita kuti utangezve kuona zvinonyadzisira. Bhuku rinonzi Willpower’s Not Enough rinoti: “Ukangova mumamiriro ezvinhu asina kunaka, unenge watokwenya machisi. Chinenge chava kungodiwa chete tumafuta tushoma . . . kuti moto utange kubvira.”

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ngaparege kuva nechinhu chakaipa chinondikurira.”—Pisarema 119:133.

  • Ramba uine tariro. Zvinogona kutora nguva yakareba, kunyange makore chaiwo, kuti wawakaroorana naye atangezve kuvimba newe. Asi vakaroorana vakawanda vakabudirira.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rudo rune mwoyo murefu.”—1 VaKorinde 13:4.

Murume nemudzimai vakagara, vakabatana maoko vachikurukura.

a Kunyange zvazvo nyaya iyi iri kunyanya kutaura nezvevarume, mazano ari kutaurwa anoshandawo kuvakadzi vanoona zvinonyadzisira.

b Vamwe vakaroorana vanoti kuona zvinonyadzisira pamwe chete kunoita kuti vawedzera kudanana. Asi izvozvo zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri.—Zvirevo 5:15-20; 1 VaKorinde 13:4, 5; VaGaratiya 5:22, 23.

Kana murume wako achiona zvinonyadzisira

Usazvipa mhosva. Usafunga kuti haubatsiri, wakashata, kana kuti hauna zvaunogona. Hakuna mukadzi anogona kugutsa chido chebonde chisingadzoreki chine vanhu vanoona zvinonyadzisira.

Unogona here kubatsira murume wako kuti aite zvinoita kuti ukwanise kuvimbazve naye? Zvimwe unokwanisa kumubatsira, kunyanya kana iye achinyatsoratidza kuti anoda kusiya tsika yacho. Mudzimai anonzi Felicia anobatsira murume wake kuziva zvinhu zvinogona kumuisa pamuedzo wekuona zvinonyadzisira uye anomubatsira kuziva kuti angazvikurira sei. Felicia anoti: “Ndinoziva kuti iri idambudziko remurume wangu, kwete rangu. Asi kumubatsira kunoita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muwanano yedu.”—Muparidzi 4:9-12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe