RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 8/8 pp. 22-26
  • Kukuvadza Kunoita Zvinonyadzisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukuvadza Kunoita Zvinonyadzisira
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Migumisiro Yezvinonyadzisira Pavanhu Vakuru
  • Kukuvadza Kwazvinoita Vechiduku
  • Migumisiro Yazvo Paukama
  • Kukanganisa Kwazvinoita Kunamata
  • Kusununguka Patsika Yokuona Zvinonyadzisira
  • Kuona Zvinonyadzisira Kwakaipirei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Zvinonyadzisira Hazvikuvadzi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Nei Ndisingafaniri Kuona Zvinonyadzisira?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Nei Zvinonyadzisira Zvakapararira Kwazvo?
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 8/8 pp. 22-26

Kukuvadza Kunoita Zvinonyadzisira

MIFANANIDZO nemashoko akasiyana-siyana zvinoratidza vanhu vachirara vose zvinowanika nyore muterevhizheni, mafirimu, mavhidhiyo emimhanzi, uye Indaneti. Kunyanya kuvapo kwezvinonyadzisira, kwemifananidzo inoratidza vanhu vachirara pamwe hakukuvadzi here, seizvo vamwe vangada kuti tidavire?a

Migumisiro Yezvinonyadzisira Pavanhu Vakuru

Pasinei nezvinotaurwa nevanozvitsigira, zvinonyadzisira zvinokanganisa zvikuru maonero anoita vanhu kurara pamwe netsika dzepabonde. Vatsvakurudzi vepaNational Foundation for Family Research and Education vakagumisa kuti “kuona zvinonyadzisira kunoita kuti vanozviona vave panjodzi huru yokutanga miitiro isiri yomuzvarirwo yepabonde.” Maererano nomushumo wacho, “ngano yokubata chibharo (pfungwa yokuti vakadzi vanokonzera uye vanonakidzwa nokubatwa chibharo, uye kuti vanobata chibharo vanhu vakangoita sevamwe vose) yakapararira kwazvo kuvarume vanogaroona zvinhu zvinonyadzisira.”

Vamwe vatsvakurudzi vanotaura kuti kuramba uchiona zvinonyadzisira kunogona kukanganisa kukwanisa kunakidzwa nokusangana pabonde nomudzimai wako chaiye womuchato. Dr. Victor Cline, nyanzvi yokurapa vanongonzwa vachida kurara nevakadzi pose pose, akacherechedza kuti vane muitiro wokuramba vachiona zvinonyadzisira. Kana ukasadzorwa, muitiro uyu unotanga sokungoona zvinonyadzisira netsaona unozogona kutungamirira kukuramba uchiona mifananidzo yakajeka yevanhu vanosangana pabonde zvisiri zvomuzvarirwo. Anoti izvi zvinogona kutungamirira kumiitiro yokurara pamwe nenzira isiri yomuzvarirwo. Masayendisiti anodzidza unhu hwevanhu anobvumirana nazvo. Dr. Cline anotaura kuti “rudzi rupi norupi rwokurara pamwe nenzira isiri yomuzvarirwo runogona kuwanwa nenzira iyi . . . uye harugoni kubviswa kunyange nokunzwa mhaka zvikuru.” Pakupedzisira, muoni uya angaedza kutevedzera unzenza hwokunyepedzera hwaanoona muzvinonyadzisira, zvichiwanzova nemigumisiro inoparadza.

Dambudziko romuitiro uyu ringaitika zvishoma nezvishoma uye risingaoneki, akagumisa kudaro Cline. Anoti: “Kufanana nekenza, muitiro wacho unoramba uchikura uye uchiwedzera. Hauwanzoperi woga, uyewo wakaoma kwazvo kurapa. Zvakajairika uye zvinotarisirwa kuti murume akapindwa muropa nomuitiro uyu anowanzoramba kunangana nechinetso chacho, uye izvi zvinowanzoita kuti vakaroorana vacho vasapindirane, dzimwe nguva vanorambana, uye dzimwe nguva humwe ukama hwepedyo hunoparara.”

Kukuvadza Kwazvinoita Vechiduku

Nhamba dzinoratidza kuti vakomana vari pakati pemakore 12 ne17 ndivo vanonyanya kuona zvinonyadzisira. Kutaura zvazviri, vakawanda vavo, zvinonyadzisira ndizvo zvinonyanya kuvadzidzisa nezvokusangana pabonde. Izvi zvine migumisiro inokuvadza kwazvo. “Kubata pamuviri kwevachiri kuyaruka uye zvirwere zvinotapuriranwa seAIDS,” unodaro mumwe mushumo, “hazvimo zvachose mune zvinonyadzisira, zvichipa pfungwa yokuti hapana migumisiro yakaipa pamiitiro inoratidzwa nezvinonyadzisira.”

Vamwe vatsvakurudzi vanoti kuona zvinonyadzisira kunogonawo kukanganisa kukura kwouropi hwomwana kwomuzvarirwo. Dr. Judith Reisman, mutungamiriri weInstitute yeMedia Education, anogumisa kuti: “Kuongorora zvinoitika mutsinga dzouropi hwomunhu anenge aona zvinonyadzisira uye azvinzwa kunoratidza kuti muitiro wacho unokanganisa pfungwa nokuchinja mafungiro omuzvarirwo—uye unokuvadza uropi [hunoumbika] ‘husina kusimba’ hwevana nokuti unokuvadza manzwisisiro avo ezvinhu chaizvoizvo uye utano hwavo hwepfungwa nohwomuviri, kunzwa kuti vanhuwo uye kutsvaka kwavo mufaro.”

Migumisiro Yazvo Paukama

Zvinonyadzisira zvinochinja mafungiro uye zvinochinja unhu. Mifananidzo yazvo inokwezva nokuti ndezvokunyepedzera ndosaka zvichiratidzwa nenzira inoita sokunge zvinonakidza kwazvo kudarika zvinhu chaizvoizvo. (Ona bhokisi rinoti “Uchagamuchira Mashoko Api?”) “Vanhu vanoona zvinonyadzisira vanova netarisiro dzisingaiti zvichikanganisa ukama,” unodaro mumwe mushumo.

Zvinonyadzisira zvinogona kuparadza kuvimbana uye kubudirana pachena, zvinhu zvinokosha kune vakaroorana. Nokuti zvinonyanya kuonekwa pakavanda, zvinonyadzisira zvinowanzotungamirira kukunyengera uye kunyepa. Varoorani vanonzwa vanyengedzwa. Havanzwisisi kuti nei mumwe wavo wavakaroorana naye asingachavadi.

Kukanganisa Kwazvinoita Kunamata

Kuona zvinonyadzisira kunokanganisa kwazvo manamatiro omunhu. Kunogona kuva chipingamupinyi chaicho kumunhu ari kutsvaka kuva noukama naMwari.b Bhaibheri rinobatanidza kushumba nokuchochora nokunamata zvidhori. (VaKorose 3:5) Munhu anochochora chimwe chinhu anochida kwazvo zvokuti chinova chinhu chikuru muupenyu hwake, kudarika zvimwe zvose. Kutaura zvazviri, vaya vanopindwa muropa nokuona zvinonyadzisira vanokudza chido chavo chokurara nomumwe munhu kupfuura Mwari. Saka vanochiita chidhori. Murayiro waJehovha unoti: “Usava navamwe vamwari kunze kwangu.”—Eksodho 20:3.

Zvinonyadzisira zvinoparadza ukama hune rudo. Muapostora Petro, uyo akanga ari murume akaroora pachake, akakurudzira varume vechiKristu kuremekedza vadzimai vavo. Murume anotadza kudaro achawana kuti minyengetero yake kuna Mwari inodziviswa. (1 Petro 3:7) Kuona pachivande mifananidzo yevakadzi isina kuchena kwaizova kubata mudzimai wako noruremekedzo here? Anganzwa sei kana akazviziva? Uye Mwari uyo “uchatonga basa rimwe nerimwe” uye ano“yera mwoyo” angafungei? (Muparidzi 12:14; Zvirevo 16:2) Munhu anoona zvinonyadzisira ane chikonzero chipi nechipi chokutarisira kuti minyengetero yake iteererwe naMwari here?

Kutsunga kuzvigutsa noudyire pasinei nemigumisiro inovapo ndicho chinhu chikuru pakuona zvinonyadzisira. Saka, kuona zvinonyadzisira hakusi kuratidza rudo. Kunoshayisa muKristu simba rokuramba akachena uye aine mufambiro wakachena pamberi paMwari. “Izvi ndizvo zvinoda Mwari,” akanyora kudaro Pauro, “kuti murege ufeve; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete mukuchochora kwokushumba . . . , kuti parege kuva nomunhu anosvika pakukuvadza nokupindira pakodzero dzehama yake.”—1 VaTesaronika 4:3-7.

Vakadzi nevana ndivo vanowanzoshandiswa mumifananidzo yezvinonyadzisira. Zvinovaderedza uye hazvivapi ruremekedzo nekodzero dzavo. Munhu anoona zvinonyadzisira anoita izvi uye anotsigira kushandisa uku. “Hazvinei kuti murume . . . anofunga kuti akanaka zvakadii,” vanodaro vatsvakurudzi Steven Hill naNina Silver, “kufarira kwake zvinonyadzisira kunoita kuti mumamiriro ezvinhu akanakisisa [asanzwe manzwiro omumwe], mumamiriro ezvinhu akaipisisa avenge uye kusavimba munhu waanoti ane hanya naye.”

Kusununguka Patsika Yokuona Zvinonyadzisira

Zvakadii kana pari zvino uri kurwisa kurega kupindwa muropa nokuona zvinonyadzisira? Pane chinogona kuitwa here kuti usununguke? Bhaibheri rinopa tariro! Vasati vaziva Kristu, vamwe vevaKristu vomuzana rokutanga vaiva zvifeve, mhombwe, uye vanhu vaikara. “Asi makagezwa mukachena,” akanyora kudaro Pauro. Zvakakwanisika sei? Akapindura kuti: “Makatsveneswa . . . nomudzimu waMwari wedu.”—1 VaKorinde 6:9-11.

Usamborerutsa simba romudzimu mutsvene waMwari. “Mwari akatendeka,” rinodaro Bhaibheri, “uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira.” Chokwadi, achapa nzira yokurega nayo muitiro wacho. (1 VaKorinde 10:13) Munyengetero womwoyo wose—uchiramba uchitaura chinetso chako pamberi paMwari—uchaita zvibereko. Shoko rake rinokurudzira kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa.”—Pisarema 55:22.

Zvechokwadi, unofanira kuita maererano neminyengetero yako. Unofanira kusarudza uchiziva nomwoyo wose kuti urege kuona zvinonyadzisira. Shamwari yaunovimba kana nhengo yemhuri vanogona kubatsira nenzira inokosha, vachipa rutsigiro nekurudziro zvinodiwa kuti urambire pane zvawakasarudza. (Ona bhokisi rinoti “Kuwana Rubatsiro.”) Kuyeuka kuti kuita nenzira yakadaro chokwadi kuchafadza Mwari kunogona kukubatsira kurambira munzira yako. (Zvirevo 27:11) Uyezve, kuziva kuti kuona kwako zvinonyadzisira kunogumbura Mwari kunogonawo kuva chimwezve chinokurudzira kuti urege. (Genesi 6:5, 6) Haisi kuzova hondo iri nyore, asi unogona kukunda. Muitiro wokuona zvinonyadzisira unogona kuregwa!

Njodzi dzokuona zvinonyadzisira ndedzechokwadi. Zvinokuvadza uye zvinoparadza. Zvinokuvadza vaya vanozvigadzira uye vaya vanozvishandisa. Kuzvidza varume nevakadzi, injodzi kuvana, uye muitiro unofanira kurambwa.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uchida mashoko ane udzame enjodzi dzokuona zvinonyadzisira paIndaneti, tapota ona nyaya dzinotevedzana pasi pomusoro unoti “Zvinonyadzisira ZvepaInternet—Zvingakuvadza Sei?” mumagazini yeMukai! yaJune 8, 2000, mapeji 3-10.

b Kana uchida mamwe mashoko ezvinotaura Bhaibheri nezvezvinonyadzisira, tapota ona magazini yeMukai! yaJuly 8, 2002, mapeji 19-21.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]

Kuwana Rubatsiro

Kurwisa kurega muitiro wokuona zvinonyadzisira hakufaniri kurerutswa; kungava hondo yakaoma. Dr. Victor Cline, uyo akarapa mazana evakanga vava netsika yokungoda kurara nevanhu pose pose anoti: “Vimbiso hadzishandi. Vavariro dzakanaka hadzina zvadzinoreva. [Ane tsika yokurara nevanhu pose pose] chaizvo haakwanisi kuita izvi oga.” Chimwe chinodiwa pakuti kurapwa kwacho kubudirire, maererano naCline, kubatanidza waanenge akaroorana naye, kana munhu wacho akaroora kana kuroorwa. “Zvinokurumidza kana vose vakabatanidzwa,” anodaro. “Vose vanenge vakuvara. Vose vanoda kubatsirwa.”

Kana munhu wacho asina kuroora kana kuroorwa, kazhinji shamwari kana nhengo yemhuri inogona kuva mbiru inosimbisa. Zvisinei nokuti ndiani ari kurapwa wacho, Cline ane mutemo mumwe chete usingachinjiki: Taura zvose nezvechinetso chacho uye paunenge wambokundikana. “Kuvanza ‘kunokuuraya’,” anodaro. “Kunoita kuti unyare uye unzwe uine mhosva.”

[Chati iri papeji 25]

Uchagamuchira Mashoko Api?

Mashoko Ezvinonyadzisira Zvinotaura Bhaibheri

◼ Kurara nomunhu wose wose, ◼ “Roorano ngaikudzwe pakati

chero nguva, chero mumamiriro pavose, mubhedha weroorano

api ezvinhu, uye nenzira ipi ngaurege kusvibiswa, nokuti

zvayo kwakanaka uye hakuna Mwari achatonga zvifeve

migumisiro yakaipa. nemhombwe.”—VaHebheru 13:4.

“Ane tsika yokuita ufeve ari

kuitira muviri wake

chivi.”—1 VaKorinde 6:18; onawo

VaRoma 1:26, 27.

◼ Muchato chipingamupinyi ◼ “Ufarire mukadzi woujaya

chokuzvigutsa nokurara hwako . . . Ugare uchigutiswa

newaunoda. norudo rwake.”—Zvirevo 5:18, 19;

onawo Genesi 1:28; 2:24;

1 VaKorinde 7:3.

◼ Vakadzi vangori nechinangwa ◼ “[Ini Jehovha Mwari]

chimwe chete—kugutsa varume ndichamuitira mubatsiri

pavanorara navo. wakamukwanira.”—Genesi 2:18;

onawo VaEfeso 5:28.

◼ Varume nevakadzi varanda ◼ “Naizvozvo, urayai mitezo

pamanzwiro avo okuda kurara yomuviri wenyu iri pasi pano

vose. kana toreva nezvoufeve,

kusachena, kushumba, kuchiva

kunokuvadza, nokuchochora, kuri

kunamata zvidhori.”

—VaKorose 3:5.

“Mumwe nomumwe wenyu azive

kudzora muviri wake oga

muutsvene nokukudzwa.”

—1 VaTesaronika 4:4.

Ona “vakadzi vakura savanaamai,

vakadzi vaduku sehanzvadzi

nokuchena kwose.”

—1 Timoti 5:1, 2; onawo

1 VaKorinde 9:27.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vamwe vatsvakurudzi vanotaura kuti kuona zvinonyadzisira kunogona kukanganisa kukura kwomuzvarirwo kwouropi hwomwana

[Mufananidzo uri papeji 24]

Zvinonyadzisira zvinogona kuparadza kuvimbana uye kubudirana pachena mumba

[Mufananidzo uri papeji 26]

Munyengetero womwoyo wose uchaita zvibereko

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe