RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 28
  • Zvaungaita Kuti Uve Baba Vakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Uve Baba Vakanaka
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Basa rababa nderei?
  • Basa rababa rakasiyana papi neraamai?
  • Vanasikana vangadzidzei kuna vanababa vavo?
  • Kuchinja Kunoita Zvinhu Murume Nomudzimai Pavanova Nevana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
  • Vanababa Vanotiza—Vangatiza Chaizvoizvo Here?
    Mukai!—2000
  • Zvaungaita Kuti Uve Baba Vakanaka
    Mukai!—2013
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 28
Baba nemwanasikana wavo ari kuyaruka vari kufara vachifamba mumugwagwa.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Zvaungaita Kuti Uve Baba Vakanaka

Zviri munyaya ino

  • Basa rababa nderei?

  • Basa rababa rakasiyana papi neraamai?

  • Vanasikana vangadzidzei kuna vanababa vavo?

  • Mazano anobatsira vanababa

Basa rababa nderei?

  • Mwana paanenge asati aberekwa. Mabatiro amuri kuita mudzimai wenyu iye zvino anoratidza kuti muchazova baba vakaita sei. Bhuku rinonzi Do Fathers Matter? rinoti:

    “Vanababa vanobatsira madzimai avo ane pamuviri kutenga zvekushandisa, vanoenda navo kwachiremba, uye vanoenda navo kuscan kunoona mwana ari mudumbu kana kunonzwa mwoyo wemwana uchirova, vanowanzobatsirana nemadzimai avo mwana paanozoberekwa.”

    “Ndaisada kuti mudzimai wangu anzwe sekuti aiva ega paaiva nepamuviri, saka ndaiita zvese zvandaigona kuti ndimubatsire. Takatobatsirana kugadzira mukamuri raizorara mwana. Kuita izvi pamwe chete takamirira kuuya kwemwana wedu kwaitinakidza chaizvo.”—James.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Musangofunga zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.’—VaFiripi 2:4.

  • Mwana paanenge aberekwa. Kutamba nemwana wenyu uye kumubata mumaoko kunobatsira kuti muve neushamwari hwepedyo. Batsirai mudzimai wenyu kuchengeta mwana wenyu. Zvamunoita sababa zvine zvazvinoita pamakuriro emwana wenyu. Kuva neushamwari nemwana wenyu kunoratidza kuti munomukoshesa.

    “Itaiwo zvinoitwa nemwana wenyu. Tambai naye. Itaiwo zvinhu zvinosekesa. Musanyare kuita zvinoitwa nemwana mudiki. Yeukai kuti imi, semubereki ndimi munotanga kuita kuti mwana wenyu azive chinonzi rudo.”—Richard.

    Baba vakabata kacheche kavo.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vana inhaka inobva kuna Jehovha; vana mubayiro unobva kwaari.”—Pisarema 127:3, mashoko emuzasi.

  • Mwana paanenge achikura. Tsvakurudzo dzakaitwa dzakaratidza kuti vana vanokura vaine ushamwari hwepedyo nababa vavo vanowanzogona kuchikoro, havanyanyi kushungurudzika, uye havawanzoiti zvemadhiragi kana kupara mhosva. Zvipei nguva yekuti muve neushamwari nemwana wenyu.

    “Mwanakomana wangu akandiudza kuti chinhu chaaizonyanya kusuwa paaizobva pamba kwaiva kutaura kwataiita tiri mumota tiri panzendo refu kana kuti panguva yekudya manheru. Takakurukura dzimwe nyaya dzinokosha chaizvo panguva yandaisatombotarisira. Izvi zvakaitika nekuti taiva nenguva yakawanda yekuva pamwe chete.”—Dennis.

    Baba nemwanakomana wavo ari kuyaruka vari kunakidzwa nekukurukura vari muchikepe.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rambai makanyatsongwarira kuti musafamba sevanhu vasina kuchenjera asi sevanhu vakachenjera, muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.”—VaEfeso 5:15, 16.

Basa rababa rakasiyana papi neraamai?

Vanhu vakawanda vanotarisira kuti basa rababa nderekupa mhuri yavo zvekurarama nazvo nekuidzivirira, uye raamai nderekuona kuti mhuri yavo iri kufara here. (Dheuteronomi 1:31; Isaya 49:15) Mune dzimwe mhuri, vanaamai vanoitawo mamwe mabasa anowanzoitwa nababa uye vanababa vanoitawo mamwe mabasa anowanzoitwa navanaamai. Asi vanotsvakurudza vanotaura kuti kunyange zvazvo baba naamai vachiita mabasa akasiyana mumhuri, ese anokosha.a

Mumwe mukadzi anoongorora nezvemhuri anonzi Judith Wallerstein anotaura zvakaitika kwaari zvinoratidza kuti vabereki vese vari vaviri vane basa rinokosha ravanoita. Anoti: “Mwanasikana wangu ane makore 12 paakarohwa nemota, aida kuti baba vake ndivo vaende naye muambulance nekuti aiva nechivimbo chekuti vaizomuchengetedza. Paakanga ava kuchipatara, aida kuti ndive naye nguva dzese ndichimunyaradza.”b

“Baba vanogona kuita kuti mhuri inzwe yakachengeteka uye yakagadzikana asi izvi zvinogona kuomera amai kana vari vega. Amai vanoita kuti vana vavo vanzwe kuti vanodiwa uye kuti pane munhu anovanzwisisa nekuti vanonyatsovateerera vachivanzwira tsitsi. Baba naamai vanoshanda pamwe chete.”—Daniel.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwanakomana wangu, teerera kurayira kwababa vako, uye usaramba kudzidzisa kwaamai vako.”—Zvirevo 1:8.

Vanasikana vangadzidzei kuna vanababa vavo?

Sababa, munodzidzisa mwanasikana wenyu kuti anofanira kubatwa sei nevanhurume. Anodzidza izvi munzira mbiri dzinotevera:

  • Nekuongorora mabatiro amunoita amai vake. Kana muchida mudzimai wenyu uye muchimuremekedza, mwanasikana wenyu anoona kuti unhu hupi hunokosha hwaanofanira kutarisa paachazosarudza murume anomuroora.—1 Petro 3:7.

    Mwanasikana ari kuyaruka ari kunakidzwa nekuona zviri kuitwa nevabereki vake panguva yekudya. Baba vake vakabata ruoko rwamai vake vachiseka.
  • Nekuongorora mabatiro amunomuita. Kana muchiremekedza mwanasikana wenyu, munenge muchitomudzidzisa kuti azviremekedzewo. Anodzidzawo kuti vamwe varume vanofanira kumuremekedzawo.

    Asi kana baba vakagara vachingoshora mwanasikana wavo, zvinogona kuita kuti azvitarisire pasi, otanga kutsvaga kufarirwa nevamwe varume asi varume ivavo vanogona kunge vasina vavariro dzakanaka.

    “Mwanasikana anodiwa uye anotsigirwa nababa vake kakawanda kacho haambotorwi mwoyo nemurume asina unhu hunoratidza kuti achava murume akanaka.”—Wayne.

a Vanaamai vakawanda vakabudirira kurera vana vavo vari vega.

b Kubva mubhuku rinonzi The Unexpected Legacy of Divorce.

Mazano anobatsira vanababa

Gregory; mwanasikana wake, Olivia; nemudzimai wake, Audrey.

“Mwanasikana wenyu paanoyaruka, ivai nenguva yakawanda muinaye uye muudzei kuti munomuda chaizvo semadiro amaingomuita achiri mudiki. Izvi zvichamubatsira kuti anzwe akachengeteka uye zvichaita kuti azive kuti anogona kutaura nemi chero nyaya. Kana muchigara makabatikana, anozviona uye achatsvaga mumwe anomuwanira nguva.”—Gregory nemwanasikana wake Olivia, nemudzimai wake Audrey.

Kudzokorora: Ndingaitei kuti ndive baba vakanaka?

● Batsirai mudzimai wenyu mwana paanenge asati aberekwa. Mabatiro amunoita mudzimai wenyu ane pamuviri anoratidza kuti muchazova baba vakaita sei.

● Ivai neushamwari nemwana wenyu paanenge achikura. Vana vanokura vaine ushamwari hwepedyo nababa vavo vanowanzogona kuchikoro, havanyanyi kushungurudzika, uye havawanzoiti zvedoro kana zvemadhiragi.

● Ivai murume akanaka. Kana muchida uye muchiremekedza mudzimai wenyu, munenge muchitodzidzisa vanasikana venyu kuti vanofanira kubatwa sei nevanhurume.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe