RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 31
  • Zvaungaita Kuti Usave Neshanje Muwanano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Usave Neshanje Muwanano
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii chinonzi shanje?
  • Chii chinoita kuti munhu ave neshanje pasina chikonzero?
  • Ungaitei kuti usakurirwa neshanje?
  • Rudo Runokurira Godo Risina Kufanira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Josefa Anoitirwa Godo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • VaKristu Vanofanira Kuva Negodo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Godo Nokuda Kwokunamatwa Kwakachena kwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 31
Mudzimai ari kusvotwa achitarisa murume wake achitaura nemumwe mudzimai pavakaungana vachitandara.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | WANANO

Zvaungaita Kuti Usava Neshanje Muwanano

Wanano haibudiriri kana murume nemudzimai vachigara vachifungirana uye vasingavimbani. Ungaitei kuti usava neshanje pasina chikonzero?

Zviri munyaya ino

  • Chii chinonzi shanje?

  • Chii chinoita kuti munhu ave neshanje pasina chikonzero?

  • Ungaitei kuti usakurirwa neshanje?

  • Zvaungaita kana mumwe wako aine shanje

  • Zvamungakurukura nezvazvo

Chii chinonzi shanje?

Shoko rekuti “shanje” rinogona kureva zvakasiyana-siyana. Munyaya ino riri kureva manzwiro atinoita kana tikaona sekuti mumwe munhu ari kuda watakaroorana naye kana kuti watakaroorana naye ane mumwe munhu waari kuda. Tinogona kuona sekuti imba yedu yava kutoparara. Kana zvatiri kuona zviri izvo zviri kuitika, kunzwa shanje hakuna kuipa. Zvinodaro nekuti vari muwanano ndivo vanhu vanofanira kunge vakabatana kupfuura vamwe vese, saka vanofanira kuita zvese zvavanogona kuti vachengetedze wanano yavo.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. . . . Ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mateu 19:6.

“Kana paine chinhu chava kuda kukanganisa wanano yako, shanje dzinogona kuita seyambiro inokubatsira kuona kuti pane ngozi yava kuda kuitika, wobva wakurumidza kugadzirisa.”—Benjamin.

Asi shanje dzisina kunaka, dzinobva pakutyira kana kuti kungofungira zvinhu zvisipo. Rudo rwechokwadi runoita kuti tisava neshanje dzakadaro dzinorwadzisa vamwe. (1 VaKorinde 13:4, 7) Dr. Robert L. Leahy vakanyora kuti: “Zvaunoita [kana uine shanje dzisina kunaka] zvinogona kutokanganisa wanano yacho yauri kuda kuchengetedza.”a

Chii chinoita kuti munhu ave neshanje pasina chikonzero?

Unogona kuva neshanje pasina chikonzero kana wanga wakamboroorana nemunhu asina kuvimbika. Kana kuti wanano yevabereki vako yakaparara nekuti pane akanga asina kuvimbika, saka unotyira kuti ndizvo zvinogona kuitikawo kwauri.

“Baba vangu vakanga vasina kuvimbika kuna amai vangu pandaiva mudiki, saka zvinondiomera kuvimba nemumwe munhu. Izvi zvakandikanganisa zvekuti dzimwe nguva zvinondiomera kuvimba nemurume wangu.”—Melissa.

Chimwewo chinogona kuita kuti uve neshanje kugara uchifunga kuti haudiwi. Mafungiro akadaro anogona kuita kuti ufunge kuti vamwe vanoda kuparadza wanano yako. Unogona kutosvika pakufunga kuti kana mumwe wako akawana mukana anogona kukusiya oenda kune mumwe.

“Murume wangu akakumbirwa kuti aperekedze muchato weshamwari yake, izvo zvaizoita kuti pane dzimwe nguva atambe kana kuti ave pedyo nemusikana waaiperekedza naye. Hazvina kundifadza. Ndakamuudza kuti hazviiti.”—Naomi.

Zvinoitwa pamuchato zvinosiyana-siyana zvichienderana nenzvimbo, saka vaKristu vanofanira kutungamirirwa nezvinotaurwa neBhaibheri. Maonero aNaomi akanga akanaka here? Iye zvino paanofunga nezvazvo anoona kuti pakanga pasina chikonzero chekuti anzwe shanje. Anoti: “Panguva iyoyo, ndainzwa sekuti murume wangu haanyatsondidi. Ndaifunga kuti murume wangu aindienzanisa nevamwe vakadzi, asi ichocho chakanga chisiri chokwadi.”

Pasinei nekuti dzinenge dzakonzerwa nei, shanje dzinogona kuita kuti ufungire kana kuti upomere mumwe wako kuti haana kuvimbika. Manzwiro akadaro anogona kuparadza imba yako kana kutokanganisa utano hwako

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Godo [kana kuti shanje] rinoodza mapfupa.”—Zvirevo 14:30.

Ungaitei kuti usakurirwa neshanje?

Ita zvinoita kuti uwedzere kuvimba nemumwe wako. Pane kutsvaga zvinhu zvinoita kuti uone sekuti mumwe wako haana kuvimbika, funga nezvezvinhu zvakaitwa nemumwe wako zvinoita kuti uwedzere kuvimba naye.

“Ndinofunga nezveunhu hwakanaka hune mumwe wangu. Kana achiratidza kufarira mumwe munhu, ndinoziva kuti haasi kuzviita nekuti anenge ava kumuda asi kuti ane hanya naye zvechokwadi. Ndinogara ndichizviyeuchidza kuti wanano yevabereki vangu yakatosiyana zvachose neyangu.”—Melissa.

Mudzimai mumwe chete iyeye achitarisa pikicha yepamuchato wavo achinyemwerera. Pamberi pake, pane Bhaibheri rakavhurika.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rudo . . . runotenda zvinhu zvese.”—1 VaKorinde 13:4, 7.

Bvisa pfungwa yekufungira. Dr. Leahy, vambotaurwa nezvavo, vakanyora kuti: “Dzimwe nguva tinogona kufunga kuti zvese zvinenge zvauya mumusoro medu ndezvechokwadi. Patinoona sekuti chimwe chinhu ndechechokwadi, tinobva tatoona sekuti tatova neuchapupu hwekuti zvatiri kufunga ndezvechokwadi. Asi kufunga kuti chimwe chinhu ndechechokwadi hakuiti kuti chive chechokwadi uye maonero edu haasiriwo anoratidza kuti chimwe chinhu ndechechokwadi.”b

“Patinoona chimwe chinhu chinenge chaitika, totanga kufungira zvinhu zvisipo, tinogona kutomutsa matambudziko muwanano yedu.”—Nadine.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vese.”—VaFiripi 4:5.

Kurukurai zvinenge zvichikunetsa. Pasinei nekuti chii chinenge chichiita kuti unzwe shanje, taura nemumwe wako zvinenge zvichikunetsa kuitira kuti muwirirane pamunofanira kugumira pamabatiro amunoita nevamwe vanhu.

“Pamunokurukura ramba uchiyeuka kuti mumwe wako haasi kuda kukurwadzisa uye kuti naiyewo ari kuda kuita zvisarudzo zvakanaka. Usafungira kuti mumwe wako ane vavariro dzakaipa. Zvimwe ndiwe unenge uchingonetsekawo kana kuti uchinyanya kutarisira zvakawanda. Kana kuti zvimwe wawakaroorana naye haasi kuita kuti muve nenguva yakawanda muri mese sezvaunenge uchida.”—Ciara.

Mudzimai iyeye agara nemurume wake panze achitaura zviri pamwoyo pake.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.”—1 VaKorinde 10:24.

a b Kubva mubhuku rinonzi The Jealousy Cure.

Zvaungaita kana mumwe wako aine shanje

Usamhanyira kutaura kuti mumwe wako haafaniri kuita shanje. Pane kudaro, mubatsire kunzwisisa chiri kuita kuti anzwe saizvozvo. Bhaibheri rinoudza varume kuti vabate ‘madzimai avo nekuziva’ vachianzwisisa. (1 Petro 3:7) Izvozvo zvinoshandawo kumadzimai. Kunzwisisa kwakadaro kunokosha kunyanya kana mumwe wako achinzwa sekuti haadiwi kana kuti paine mumwe munhu akambotadza kuvimbika kwaari.

Imbonyatsoongororawo zvaunoita. Zvaunoita nevanhu vausina kuroorana navo pamunoonana kana kuti paindaneti zvakakodzera here? Kana kuti unotaura kana kuita zvinhu zvinoita sekunge kuti unovada? Ko mumwe wako anozviona sei? Iva nechokwadi chekuti unoita zvinhu zvinoita kuti ave nechokwadi chekuti unomuda uye kuti wakavimbika kwaari.

Zvamungakurukura nezvazvo

Kana iwe kana kuti wawakaroorana naye ava neshanje ipo pasina chiripo, zvakanaka kumbofunga nezvemibvunzo inotevera mumwe nemumwe ari pake ega. Munogona kuzokurukura mhinduro dzenyu panguva yakakodzera. Yeuka kuti unofanira ‘kukurumidza kuteerera, wononoka kutaura.’—Jakobho 1:19.

  • Chii chinonyanya kuita kuti unzwe shanje?

  • Unofunga kuti zvinoitwa nemumwe wako zvinoita kuti unzwe shanje here? Kana zvakadaro, chii chaizvo chaanoita chinoita kuti unzwe saizvozvo?

  • Pane zvimwe zvinhu, zvichida zvakamboitika kwauri kare here zvinoita kuti unzwe shanje?

  • Zvinoitwa nemumwe wako kana ari paindaneti, kusanganisira mashandisiro aanoita social media, zvinoita kuti uwedzere kuva nedambudziko iri here?

  • Ndepapi paunoda kuti mumwe wako agadzirise?

  • Ungaitei kuti mumwe wako aone kuti unomuda uye kuti wakavimbika kwaari?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe