RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 183
  • Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Shamwari yakanaka yakaita sei?
  • Ndevapi vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri vaiva shamwari dzepedyo?
  • Zvinoita here kuti munhu ave shamwari yaMwari?
  • Kuramba Tiri Shamwari Munyika Isina Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Nei Ndisingagoni Kuchengeta Shamwari?
    Mukai!—1996
  • Zvirevo 17:17—“Shamwari Ishamwari Nguva Dzose”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Unogona Kufarikanya Ushamwari Hunopfuurira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 183
Shamwari dzemazera akasiyana-siyana dziri kudziya moto dzichitandara. Mumwe wavo ari kuridza gitare.

Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?

Mhinduro yeBhaibheri

Kuva neshamwari kunobatsira kuti munhu afare uye zvinhu zvimufambire zvakanaka muupenyu. Shamwari dzakanaka dzinokubatsira kuti uwedzere kuita zvinhu zvakanaka.—Zvirevo 27:17.

Bhaibheri rinotaura kuti zvinokosha kuti munhu asarudze shamwari dzake zvakanaka. Rinoyambira kuti kana munhu akatadza kusarudza shamwari dzakanaka, zvichamupinza mumatambudziko. (Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33) Shamwari dzakaipa dzinogona kuita kuti munhu aite zvisarudzo zvakaipa uye kuti arase tsika dzake dzakanaka.

Zviri munyaya ino

  • Shamwari yakanaka yakaita sei?

  • Ndevapi vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri vaiva shamwari dzepedyo?

  • Zvinoita here kuti munhu ave shamwari yaMwari?

  • Mavhesi anotaura nezveushamwari

Shamwari yakanaka yakaita sei?

Bhaibheri rinotaura kuti pane zvimwe zvinhu zvinodiwa kuti vanhu vave shamwari dzakanaka zvinopfuura kungofarira zvinhu zvakafanana. Semuenzaniso, Pisarema 119:63 inoti: “Ndiri shamwari yevaya vese vanokutyaia neyevaya vanochengeta mirayiro yenyu.” Pavhesi iyi, munyori weBhaibheri akataura kuti akasarudza shamwari dzinoda kufadza Mwari uye dzinoda kurarama maererano nemitemo yake.

Bhaibheri rinotiudzawo unhu hwakasiyana-siyana hunofanira kuva neshamwari yakanaka. Semuenzaniso:

  • “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

  • “Kune shamwari dzinongogara dzichiitirana zvakaipa, asi kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.”—Zvirevo 18:24.

Mavhesi aya anotidzidzisa kuti munhu anonzi shamwari yakanaka anofanira kunge akavimbika, aine rudo, aine mutsa, uyewo aine rupo. Shamwari yechokwadi munhu watinoziva kuti tinogona kuenda kwaari tichida kubatsirwa patinenge tiri mumatambudziko. Shamwari yakanaka inewo ushingi hwekupa mumwe wake zano paanoona kuti ari kurasika kana kuti ari kuita zvisarudzo zvakaipa.—Zvirevo 27:6, 9.

Ndevapi vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri vaiva shamwari dzepedyo?

Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vaiva shamwari dzakanaka. Vanhu vacho vaiva vakasiyana pazera, kwavaibva, tsika uyewo zvinzvimbo zvavaiva nazvo. Vamwe vacho ndeava:

  • Rute naNaomi. Rute aiva muroora waNaomi, uye Naomi akanga ari mukuru chaizvo kuna Rute. Rute aiva werudzi rwechiMoabhi, Naomi ari muIsraeri. Kunyange zvakadaro, vakava shamwari dzepedyo uye vaiwirirana chaizvo.—Rute 1:16.

  • Dhavhidhi naJonatani. Kunyange zvazvo Jonatani anogona kunge aiva mukuru kuna Dhavhidhi nemakore 30, Bhaibheri rinotaura kuti Dhavhidhi naJonatani vaiva “shamwari dzepedyo.”—1 Samueri 18:1.

  • Jesu nevaapostora vake. Jesu aiva nechinzvimbo chakakwirira kupfuura vaapostora vake nekuti aiva mudzidzisi uye akanga ari tenzi wavo. (Johani 13:13) Asi izvozvo hazvina kuita kuti afunge kuti vaisakodzera kuva shamwari dzake. Jesu aiva neushamwari hwepedyo nevaya vese vaiteerera zvaaidzidzisa. Akati: “Ndava kukutii shamwari nekuti ndakakuzivisai zvinhu zvese zvandakanzwa kuna Baba vangu.”—Johani 15:14, 15.

Zvinoita here kuti munhu ave shamwari yaMwari?

Hongu, zvinoita kuti vanhu vave shamwari dzaMwari. Bhaibheri rinoti: “[Mwari] ishamwari yepedyo yevakarurama.” (Zvirevo 3:32) Izvi zvinoreva kuti Mwari anoshamwaridzana nevanhu vane unhu hwakanaka, vakavimbika, vanozvibata uye vanoedza kurarama zvinoenderana nemitemo yake. Semuenzaniso, Magwaro anoti murume aiva nekutenda anonzi Abrahamu aiva shamwari yaMwari.—2 Makoronike 20:7; Isaya 41:8; Jakobho 2:23.

a Munhu ari kurehwa apa ndiMwari.

Mavhesi anotaura nezveushamwari

Pisarema 119:63: “Ndiri shamwari yevaya vese vanokutyai neyevaya vanochengeta mirayiro yenyu.”

Zvazvinoreva: Tinofanira kusarudza shamwari dzinodawo kunamata Mwari uye kurarama maererano nemitemo yake.

Zvirevo 3:32: “Jehovhab anosema munhu anonyengera, asi ishamwari yepedyo yevakarurama.”

Zvazvinoreva: Vanhu vanoda kuva shamwari dzaMwari havafaniri kuva neunyengeri uye vanofanira kuzvibata.

Zvirevo 13:20: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.”

Zvazvinoreva: Shamwari dzinogona kuita kuti uite zvakanaka kana kuti zvakaipa.

Zvirevo 17:17: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”

Zvazvinoreva: Shamwari dzechokwadi dzinotsigirana zvinhu pazvinenge zvakanaka uyewo pazvinenge zvakaoma.

Zvirevo 18:24: “Kune shamwari dzinongogara dzichiitirana zvakaipa, asi kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.”

Zvazvinoreva: Shamwari yechokwadi haitsvagi kushandisa mumwe wayo asi yakavimbika uye ine rudo.

Zvirevo 27:6: “Maronda anokonzerwa neshamwari akatendeka.”

Zvazvinoreva: Shamwari yakanaka inokutsiura painoona kuti uri kurasika.

Zvirevo 27:17: “Simbi inorodza simbi, saizvozvo munhu anorodzawo shamwari yake.”

Zvazvinoreva: Shamwari dzechokwadi dzinobatsirana kuti dzibudise unhu hwakanaka.

b Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe