RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 184
  • Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Ndeipi mitemo yaMwari inotaura nezvewanano?
  • Vari muwanano vanogona kuparadzana kana kudambura muchato here?
  • Wanano inofanira kunge yakanyoreswa zviri pamutemo here kuti Mwari aifarire?
  • Ndezvipi zvinotaurwa muBhaibheri zvinofanira kuitwa nevarume nemadzimai vari muwanano?
  • Mazuva ano Mwari anoti vanhu vakaroorana vanotofanira kuva nevana here?
  • Bhaibheri ringandibatsira sei muwanano yangu?
  • Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Wanano Chipo Chinobva Kuna Mwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Vakai Imba Yakasimba Uye Inogara Ichifara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Itai Kuti Roorano Yenyu Ive Mubatanidzwa Usingagumi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 184
Murume nemudzimai vari kudya vese mangwanani vachifara.

Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?

Mhinduro yeBhaibheri

Pashure pekusika murume nemukadzi vekutanga, Mwari akavabatanidza semurume nemudzimai. Akatanga wanano kuti murume nemudzimai vagare vese vachidanana uye vakwanise kuzova nemhuri yakabatana.—Genesisi 1:27, 28; 2:18.

Mwari anoda kuti vanhu vari muwanano vafare. (Zvirevo 5:18) MuBhaibheri, anopa mitemo inotaura nezvewanano uye mazano anogona kubatsira kuti wanano isimbe.

Zviri munyaya ino

  • Ndeipi mitemo yaMwari inotaura nezvewanano?

  • Vari muwanano vanogona kuparadzana kana kudambura muchato here?

  • Wanano inofanira kunge yakanyoreswa zviri pamutemo here kuti Mwari aifarire?

  • Ndezvipi zvinotaurwa muBhaibheri zvinofanira kuitwa nevarume nemadzimai vari muwanano?

  • Mazuva ano Mwari anoti vanhu vakaroorana vanotofanira kuva nevana here?

  • Bhaibheri ringandibatsira sei muwanano yangu?

  • Mavhesi eBhaibheri anotaura nezvewanano

Ndeipi mitemo yaMwari inotaura nezvewanano?

Kubvira pakutanga, Mwari aida kuti wanano ive mubatanidzwa wemurume mumwe chete nemudzimai mumwe chete. (Genesisi 2:24) Mwari haadi kuti vanhu vaite barika, ungochani, kana kubika mapoto. (1 VaKorinde 6:9; 1 VaTesaronika 4:3) Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vatevedzere mutemo waMwari wekuti wanano ive pakati pemurume mumwe chete nemudzimai mumwe chete.—Mako 10:6-8.

Kuna Mwari, wanano mubatanidzwa weupenyu hwese. Murume nemudzimai pavanochata, vanovimbisana kuti vacharamba vakavimbika uye vachagara vese kweupenyu hwavo hwese. Mwari anotarisira kuti vachengete vimbiso iyoyo.—Mako 10:9.

Vari muwanano vanogona kuparadzana kana kudambura muchato here?

Dzimwe nguva, panogona kumuka zvimwe zvinhu zvinenge zvichida kugadziriswa nekukurumidza, zvakadai seurwere, saka murume kana mudzimai anenge achitofanira kumbobva pamba. Asi Bhaibheri harikurudziri kuti vakaroorana vaparadzane kana vanetsana. Rinoti vanofanira kugadzirisa zvinenge zvichinetsa zvacho, voramba vari pamwe chete.—1 VaKorinde 7:10.

Upombwe ndihwo chete chikonzero chepaMagwaro chingaita kuti vakaroorana varambane. (Mateu 19:9) Saka kana murume nemudzimai vakasarudza kuparadzana kana kuti kurambana nekuda kwechimwe chikonzero chisiri cheupombwe, Bhaibheri rinoti hapana mumwe wavo anofanira kudanana kana kuti kuroorana nemumwe munhu.—Mateu 5:32; 1 VaKorinde 7:11.

Wanano inofanira kunge yakanyoreswa zviri pamutemo here kuti Mwari aifarire?

Mwari anoda kuti vaKristu vateerere mitemo yenyika ine chekuita newanano. (Tito 3:1) Murume nemudzimai pavanonyoresa wanano yavo zviri pamutemo, vanenge vachiratidza kuti vanoremekedza hurumende uye mutemo waMwari wekuti wanano ndeyeupenyu hwese.a

Ndezvipi zvinotaurwa muBhaibheri zvinofanira kuitwa nevarume nemadzimai vari muwanano?

  • Zvinotarisirwa kumurume nemudzimai. Varume nemadzimai vanofanira kudanana uye kuremekedzana. (VaEfeso 5:33) Vanofanira kugutsa zvido zvemumwe nemumwe zvebonde uye havatombofaniri kudanana nemumwe munhu. (1 VaKorinde 7:3; VaHebheru 13:4) Kana vaine vana, murume nemudzimai vanofanira kubatsirana pakuvarera.—Zvirevo 6:20.

    Amai vari kubatsira mwanasikana wavo kuita homuweki baba vacho vachicheka muriwo.

    Bhaibheri haritsananguri nemo nemo kuti ndiani anofanira kuenda basa kana kuti ndiani anofanira kuita mabasa epamba. Vanogona kusarudza pamwe chete zvakanakira mhuri yavo.

  • Basa remurume. Bhaibheri rinoti “murume ndiye musoro wemudzimai wake.” (VaEfeso 5:23) Ndiye musoro pakuti anofanira kutungamirira mhuri yake uye kuita zvisarudzo zvinobatsira mudzimai wake nevana.

    Murume nemudzimai vari kuverenga Bhaibheri pamwe chete vachidyira-dyira.

    Anofanira kuva nechokwadi chekuti vanogara vachifara, vane zvavanoda pakurarama uye pane zvekunamata. (1 Timoti 5:8) Anoratidza kuti anokoshesa mudzimai wake kuburikidza nekuita zvinhu pamwe chete naye uye kunzwawo zvaanofunga paanenge achiita zvisarudzo. (Zvirevo 31:11, 28) Bhaibheri rinoti murume anofanira kutungamirira mhuri yake nerudo.—VaKorose 3:19.

  • Basa remudzimai. Bhaibheri rinoti ‘mudzimai anofanira kuremekedza murume wake zvikuru.’ (VaEfeso 5:33) Mwari anofara mudzimai paanoratidza kuti anoremekedza murume wake semusoro.

    Murume nemudzimai vari kuronga kuti vangashandisa sei mari yavo.

    Basa rake nderekubatsira murume wake kuita zvisarudzo zvakanaka uye kumutsigira. (Genesisi 2:18) Bhaibheri rinorumbidza mudzimai anoita basa rake zvakanaka muwanano.—Zvirevo 31:10.

Mazuva ano Mwari anoti vanhu vakaroorana vanotofanira kuva nevana here?

Aiwa. Kare, Mwari akapa vamwe vashumiri vake mutemo wekuti vave nevana. (Genesisi 1:28; 9:1) Asi vaKristu havasi pasi pemutemo iwoyo. Jesu haana kumborayira vateveri vake kuti vave nevana. Uyewo vadzidzi vake havana kumbotaura kuti varume nemadzimai vakaroorana vanofanira kuva nevana. Vakaroorana vanofanira kuzvisarudzira vega kuti vanoda kuva nevana here.

Bhaibheri ringandibatsira sei muwanano yangu?

Bhaibheri rine mazano anogona kubatsira vakaroorana kuti vatange wanano yavo zvakanaka. Mazano ari muBhaibheri anogonawo kubatsira vakaroorana kuti vasanetsana kana kuti vagadzirise zvinhu zvinenge zvichinetsa.

Mazano ari muBhaibheri anogona kubatsira vakaroorana kuti . . .

  • varatidze rudo rwechokwadi.—1 VaKorinde 13:4-7; VaKorose 3:14.

  • vagadzirise kusawirirana.—1 VaKorinde 10:24.

  • vave vateereri vakanaka.—Jakobho 1:19.

  • varemekedzane.—VaRoma 12:10.

  • varegererane.—1 Petro 4:8.

  • vave vakavimbika.—Mako 10:9.

  • vave nemwoyo murefu.—VaEfeso 4:2, 3.

  • vashande pamwe chete.—Muparidzi 4:9.

  • vasimbise wanano yavo.—Rwiyo rwaSoromoni 8:7.

a Kuti uzive zvinotaurwa neBhaibheri nezvewanano dzinoitwa pachitevedzerwa tsika dzevanhu, ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 2006, peji 21, ndima 12.

Mavhesi eBhaibheri anotaura nezvewanano

Zvirevo 18:22: “Anowana mudzimai akanaka anenge awana chinhu chakanaka.”

Zvazvinoreva: Bhaibheri rinotaura kuti wanano chinhu chakanaka.

Maraki 2:15: “Mumwe nemumwe wenyu ngaarege kunyengera mudzimai weudiki hwake.”

Zvazvinoreva: Mwari anoda kuti varume nemadzimai vave vakavimbika muwanano uye kuti varemekedzane kunyange vava nemakore akawanda vakaroorana.

Mako 10:9: “Ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”

Zvazvinoreva: Mwari anoda kuti vanenge vapinda muwanano vagare pamwe chete kweupenyu hwavo hwese.

VaHebheru 13:4: “Wanano ngaikudzwe nevanhu vese.”

Zvazvinoreva: Murume nemudzimai vakaroorana vanofanira kukoshesa chaizvo wanano yavo uye kushanda nesimba kuti vaichengetedze.

1 VaKorinde 7:28: ‘Vaya vanoroora kana kuroorwa vachava nedambudziko munyama yavo.’

Zvazvinoreva: Hakuna wanano ingori mutserendende. Vakaroorana vanofanira kushanda pamwe chete kuti varambe vachiwirirana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe