Unogona Kufarikanya Ushamwari Hunopfuurira
KUNE zvinopinga ushamwari. Kutaura idi, Bhaibheri rakafanotaura kuti muano “mazuva okupedzisira” kwaizova nokushayikwa kworudo, chidakadaka chomuzvarirwo, uye ruvimbiko. (2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:12) Aya mamirire ezvinhu akaparira dambudziko risina kumboitika roushoma. Mumwe munhu akati: “Munharaunda yangu makafanana neareka yaNoa. Kana musiri vanyakuroorana, hamugoni kupinda.” Mhaka yose yaikoku haigoni kupiwa munhu mumwe nomumwe ane ushoma. Mune mamwe mativi enyika, zvinetso zvoushamwari hunopfuurira zvinobatanidza zvinhu zvakadai sekutama kazhinji kazhinji zvikuru kwavanhu, kuputsika kwemhuri, maguta asingafadzi neane ngozi, uye kuderera kukuru kwenguva yokufaranuka.
Mugari womuguta womuzuva razvino angaonana nevanhu vakawanda muvhiki kupfuura avo mugari womumusha wezana ramakore rechi18 akaona mugore kana kuti kunyange upenyu hwose! Bva, ukama nhasi kazhinji kazhinji ndehwepamusoro bedzi. Vakawanda vanobatikana zvikuru mukushamwaridzana kwenguva dzose nokuedza kuzvifadza. Tinofanira kubvuma, kunyange zvakadaro, kuti kuzvifadza kusina maturo nevasonganiri vanosarudzwa zvakashata kwakafanana nokushandisa minzwa sehuni. Muparidzi 7:5, 6 inoti: “Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi. Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.” Minzwa inoita mwoto unopfuta une ruzha kwechinguvana, asi haugoni kuita kuti tirambe tichidziyirwa. Nenzira yakafanana, shamwari dzine ruzha, dzinoseka dzingatitsausa kwechinguvana, asi hadzisati dzichizobvisa ushoma hwose ndokugutsa kuda kwedu shamwari dzechokwadi.
Kuva woga kwakasiyana noushoma. Kumwe kuva woga kuri madikanwa kuti tizvizorodze timene nokudaro ndokuva nezvakawanda zvokupa seshamwari. Apo vanotarisana noushoma, vakawanda vanotendeukira kuchimiro chakati chevaraidzo yezvinhu zvemagetsi. Imwe fundo yakawana kuti kumwe kwokuita kwakakurumbira zvikurusa kuushoma kutarira terevhizheni. Bva, vanzveri vakagumisa kuti kunyanya kutarira terevhizheni ndechimwe chezvinhu zvakaipisisa zvatinogona kuita apo tinenge tine ushoma. Kunosimudzira kushayiwa simba, kufinhwa, uye kufungidzira, kuchiva chinotsiva chakashata choukama hwomunhu oga navamwe vanhu.
Chaizvoizvo, kuva woga kunogona kuva kunokosha zvikuru kana tichishandisa nguva yedu tiri toga nenzira inovaka. Tingaita ikoku kupfurikidza nokurava, kunyora tsamba, kugadzira zvinhu, uye kuzorora. Kuva woga kunovaka kunobatanidza kunyengetera kuna Mwari, kufunda Bhaibheri, uye kurifungisisa. (Pisarema 63:6) Idzi ndidzo nzira dzokuswedera pedyo zvikuru naJehovha Mwari, uyo aizova Shamwari yedu hurusa.
Mienzaniso yomuBhaibheri Youshamwari
Kunyange zvazvo kwakanaka kuva ane ushamwari navanhu vakawanda, Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti “shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.” (Zvirevo 18:24) Tose zvedu tinoda shamwari dzapedyo shomanene dzinotiitira hanya zvirokwazvo, dzine ushamwari hunotipa mufaro, simba, uye rugare. Nepo ushamwari hwechokwadi hwakadaro hungave husina kukurumbira nhasi, mimwe mienzaniso yakare inocherekedzwa zvikurukuru muBhaibheri. Somuenzaniso, kwakanga kune ushamwari hwakatanhamara pakati paDhavhidhi naJonatani. Chii chatinogona kudzidza mahuri? Neiko ushamwari hwavo hwakapfuurira?
Kutanga, Dhavhidhi naJonatani vaiva nefariro dzinokosha dzakafanana. Kupfuura zvose, vaigoverana kuzvipira kukuru kuna Jehovha Mwari. Pakucherekedza kutenda Mwari kwaDhavhidhi namabasa ake mukudzivirira vanhu vaJehovha, “mwoyo waJonatani [wa]kanamatira mwoyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida mwoyo wake.” (1 Samueri 18:1) Kuda Mwari kwavose, ipapoka, kunobetsera kubatanidza shamwari.
Jonatani naDhavhidhi vakanga vari vanhu vakasimba vairarama mukuwirirana nenheyo dzoumwari. Naizvozvo vaigona kuremekedzana. (1 Samueri 19:1-7; 20:9-14; 24:6) Takakomborerwa zvirokwazvo kana tine shamwari dzoumwari dzinodzorwa nenheyo dzapaMagwaro.
Zvimwe zvinhu zvakaparira ushamwari hwaDhavhidhi naJonatani. Ukama hwavo hwakanga huri hwakatendeseka nehwakarurama, uye mumwe nomumwe aivimba nomumwe. Jonatani akaisa nenzira yokuvimbika fariro dzaDhavhidhi pamberi pedzake amene. Akanga asina godo nemhaka yokuti Dhavhidhi akanga apikirwa umambo; panzvimbo pezvo, Jonatani akamutsigira mumurangariro nomumudzimu. Uye Dhavhidhi akagamuchira betsero yake. (1 Samueri 23:16-18) Munzira dzakafanira muMagwaro, Dhavhidhi naJonatani vaiudzana kunzwa kwavo nokuda kwomumwe nomumwe. Ushamwari hwavo hwoumwari hwakanga hwakavakirwa pakuonga kwechokwadi nerudo. (1 Samueri 20:41; 2 Samueri 1:26) Hwakanga husingaputsiki nemhaka yokuti varume vacho vose vari vaviri vakaramba vakatendeka kuna Mwari. Kushandisa nheyo dzakadaro kunogona kutibetsera kuvaka nokuchengeta ushamwari hwechokwadi.
Nzira Yokusakurira Nayo Ushamwari
Uri kutsvaka shamwari dzechokwadi here? Ungasafanira kutarira kure. Vamwe pakati pavasonganiri vako venguva dzose vangagona kuva shamwari dzako, uye vangada ushamwari hwako. Zvikurukuru pamusoro pevaKristu biyedu, ndekwokuchenjera kushandisa zano romuapostora Pauro roku“kurisw[a] mwoyo.” (2 VaKorinte 6:11-13) Zvisinei, usanetseka kana kuedza kuri kwose kuita shamwari kusingagumi nechisungo chikuru. Kazhinji kazhinji kunoda nguva kukudziridza ushamwari, uye hahusati huri ushamwari hwose huchava hwakadzama zvakaenzana. (Muparidzi 11:1, 2, 6) Chokwadika, kuti tifarikanye ushamwari hwechokwadi, tinofanira kuva vasina udyire, uye tinofanira kutevera zano raJesu, rokuti: “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo.”—Mateo 7:12.
Ndiani anoda ushamwari hwako? Kunze kweavo vezera rako umene, zvakadiniko nezvevanhu vaduku kana kuti vakuru? Ushamwari hwaDhavhidhi naJonatani, Rute naNaomi, uye Pauro naTimotio hwose hwaibatanidza musiyano wakati muzera. (Rute 1:16, 17; 1 VaKorinte 4:17) Unogona kutambanudza ushamwari hwako kuchirikadzi navamwe vanhu vasina kuroora kana kuti kuroorwa here? Fungawo nezveavo vari vatsva munharaunda yako. Vangave vakarega songaniro yezhinjisa dzeshamwari dzavo kana kuti dzose kupfurikidza nokutama kana kuti kuchinja mararamire avo. Usamirire kuti vamwe vakutsvake. Kana uri muKristu, ita ushamwari hunopfuurira kupfurikidza nokushandisa zano raPauro, rinoti: “Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.”—VaRoma 12:10.
Tinogona kufunga nezveushamwari sechimiro chokupa. Jesu akataura kuti kana tikapa, vanhu vachatipa. Akaonesawo kuti mukupa mune mufarwa mukuru kupfuura uri mukugamuchira. (Ruka 6:38; Mabasa 20:35) Wati wasangana nevanhu vemamirire ezvinhu akasiyana-siyana here? Kokorodzano dzamarudzi akawanda dzeZvapupu zvaJehovha dzakabvumikisa kuti vanhu vetsika dzakasiyana-siyana vanogona kuumba ushamwari hwechokwadi nohunopfuurira apo vanonamata Mwari zvakafanana.
Kuchengeta Ushamwari Husina Kukuvadzwa
Nenzira inosuruvarisa, dzinoratidzika kuva shamwari pane dzimwe nguva dzinorwadzisana. Guhwa rinokuvadza, chakavanzika chisina kuchengetwa, kusava nokuonga—izvozvi zviri pakati pezvinhu zvinorwadza zvikuru apo zvinoitwa nomumwe munhu wawairangarira kuva shamwari yechokwadi. Chii chinogona kuitwa mumamirire ezvinhu akadaro?
Gadza muenzaniso wakanaka. Ita chinhu chiri chose chaunogona kudzivisa kuparira kurwadziwa kusiri madikanwa. Mune dzimwe nzvimbo kwakakurumbira kuti shamwari dzisekane zvikanganiso. Asi kubatwa kwehasha kana kuti unyengeri hazvisati zvichizokwevera shamwari pedyo zvikuru pamwe chete, kunyange kana vachinzi vari “kufara.”—Zvirevo 26:18, 19.
Shanda zvakaoma kuti uchengete ushamwari. Kusanzwisisana pane dzimwe nguva kunomuka apo shamwari dzinokarira zvakanyanyowanda kune mumwe nomumwe. Shamwari iri kurwara kana kuti yakabatikana nemhaka yechinetso chakakomba zvimwe haisati ichizokwanisa kuratidza ushamwari zvikuru senguva dzose. Panguva dzakadaro, ipapoka, edza kuva anonzwisisa neanotsigira.
Pedza zvinetso nokukurumidza uye nenzira yomutsa. Ita saizvozvo pachivande kana zvichibvira. (Mateo 5:23, 24; 18:15) Iva nechokwadi chokuti shamwari yako inoziva kuti unoda kuchengeta ukama hwakanaka. Shamwari dzechokwadi dzinokanganwirana. (VaKorose 3:13) Uchava rudzi irworwo rweshamwari—iyo inonamatira zvikuru kupfuura hama here?
Kurava kana kuti kufunga pamusoro poushamwari kutanga bedzi. Kana tiri kuva noushoma, ngatiite chiito chakafanira, uye hatisati tichizova tine ushoma kwenguva refu. Kana tikasvasvavirira, tinogona kuva neshamwari dzechokwadi. Nedzimwe dzadzo, tichaumba chisungo chaicho. Asi hapana munhu anogona kutora nzvimbo yaMwari, Shamwari hurusa. Jehovha bedzi ndiye anogona kutiziva, kutinzwisisa, uye kutitsigira chose chose. (Pisarema 139:1-4, 23, 24) Uyezve, Shoko rake rinopa tariro inoshamisa yenguva yemberi—nyika itsva umo kuchava kunobvira kuva neshamwari dzechokwadi nokusingaperi.—2 Petro 3:13.
[Mifananidzo iri papeji 5]
Dhavhidhi naJonatani vaifarikanya ushamwari hwechokwadi, isu tinogonawo