RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 June pp. 26-30
  • Kushumira Jehovha Kwemakore Anoda Kusvika 70 muCuba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushumira Jehovha Kwemakore Anoda Kusvika 70 muCuba
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUOMA KWEZVINHU
  • KUTANGA KUPAYONA UYE KUVA NEMHURI
  • KUITA BASA REMUDUNHU PANGUVA YAIRAMBIDZWA BASA REDU
  • KURAMBA NDICHIFARA PANDAKACHINJWA BASA
  • “Zvandaida Zvazoitika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Oushe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Jehovha Akanzwa Minyengetero Yangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • “Unyoro Hwenyu Hunopfuura Upenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 June pp. 26-30
Gustavo naEmilia Joseph.

NYAYA YEUPENYU

Kushumira Jehovha Kwemakore Anoda Kusvika 70 muCuba

YAKATAURWA naGUSTAVO JOSEPH

NDAKABEREKWA muna 1947 pane chimwe chitsuwa chinonzi Cuba uye taigara muguta reEsmeralda. Chitsuwa cheCuba chakanaka chaizvo uye chiri panosangana gungwa reCaribbean Sea negungwa reAtlantic Ocean. Takaberekwa tiri vana vatatu. Inini ndini wekutanga uye ndine hanzvadzi dzangu mbiri.

Ndinoyeuka kuti tairarama upenyu hwakanaka. Taigara pedyo nehama dzedu, kusanganisira vanatete, vanababamunini uye ambuya nasekuru. Taiva nezvekudya zvaitikwanira uye taiva nemari yaiita kuti tiraramewo upenyu hwakanaka.

Pandaiva nemakore 5, vabereki vangu vakatanga kudzidza Bhaibheri naWalton Jones. Hama Jones vaishanda nesimba pabasa rekuparidza. Vaifamba maawa anoda kusvika 10 kuti vasvike kwataigara. Pese pavaiuya, vanhu vakawanda vemumhuri medu vaiungana kumba kwavanasekuru votanga kudzidza Bhaibheri navo kwemaawa akawanda. Vabereki vangu pamwe chete nababamunini vangu Pedro uye tete vangu Ela, vakafarira zvavaidzidza uye vakabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha. Tete Ela vava kuda kutosvitsa makore 100 uye vachiri kushumira sapiyona muCuba.

Mumakore iwayo, Zvapupu zvaJehovha zvaiva nerusununguko rwekunamata muCuba. Vanhu vemuCuba vainyatsoziva Zvapupu zvaJehovha nekuti vaitiona tichiparidza paimba neimba. Taigara tiine mabhuku akawanda anotsanangura Bhaibheri ataivapa. Taifamba madaro akareba. Ndinoyeuka kunakidzwa kwataitwa ndichiri mudiki pataishumira Jehovha zvinhu zvichiri zvakanaka. Asi taisaziva kuti zvinhu zvaizooma.—2 Tim. 4:2.

KUOMA KWEZVINHU

Pandaiva nemakore 5, baba vangu nababamunini Pedro vakaenda kune imwe nzvimbo muno muCuba kuti vanopinda gungano. Asi chinorwadza ndechekuti vese vakabatwa nechirwere chetyphoid nenyaya yemvura isina kuchena yavakanwa pavaiva ikoko. Ndichiri kuyeuka kuti pavakadzoka, babamunini vakarwara zvekuti vakasara vasisina bvudzi mumusoro. Asi baba vangu vakabva vafa. Vaingova nemakore 32 chete pavakashaya.

Pashure pekushaya kwababa, amai vangu vakasarudza kuti tinogara nehanzvadzi yavo yaigara munzvimbo inonzi Lombillo. Saka taitofanira kusiya dzimwe hama dzedu dzatinoda chaizvo, kusanganisira ambuya nasekuru. Asi takaramba tichishumira Jehovha semhuri.

Musi wa26 August, 1957, ndakabhabhatidzwa mune rimwe dhamu riri pedyo neLombillo. Ndaiva nemakore 10. Handina kumboziva kuti makore maviri asati atombopera, zvinhu zvaizoomera chaizvo Zvapupu zvaJehovha muCuba. Muna 1959, hurumende yaitonga yakabviswa pachigaro uye pakabva patanga kutonga imwewo hurumende.

Hurumende yakanga yava kutonga panguva iyi yaida kuva neuto rakasimba uye masoja akawanda. Izvi zvakaita kuti vanhu vaMwari vaomerwe nekuti vagara havana divi ravanotsigira pane zvematongerwo enyika uye havapindiri muchiuto pasinei nekwavanogara. Saka nekufamba kwaiita nguva, takapedzisira tisisina rusununguko rwekunamata serwataimbova narwo. Hurumende yakatopedzisira yatirambidza kuita basa rekuparidza uye kupinda misangano. Uye hama dzakawanda dzakatendeka dzakapedzisira dzaiswa mujeri. Vamwe vaigara vachirohwa uye vaiwanzonyimwa zvekudya. Dzimwe nguva zvekudya zvavaipiwa zvainge zviine ropa, saka vaisakwanisa kuzvidya nekuti Bhaibheri rinoti tisadye ropa.

Pasinei nekuoma kwainge kwakaita zvinhu, takaramba tichiungana pamwe chete kuti tinamate Jehovha. (VaH. 10:25) Munyika yacho yese takatomboitawo magungano munzvimbo dzakadai semapurazi nedzimwewo. Ndichiri kuyeuka kuti imwe hama yakatombotibvumira kuti tiitire gungano muimba yayaichengetera makwai. Hatina kumbowana mukana wekuchenesa imba yacho kana kuti wekubudisa makwai. Saka takapinda gungano takasangana tese imomo, makwai nevanhu. Tinotenda chaizvo kushanda nesimba kwaiita hama kuti tiwane zvekudya zvekunamata panguva iyoyo.—Mika 2:12.

Magungano airekodhwa oiswa pamakaseti uye makaseti acho aizotumirwa kune dzimwe hama muCuba yese. Dzimwe nguva hama mbiri chete ndidzo dzaipiwa basa rekugadzirira hurukuro dzepagungano nekurekodha hurukuro dzacho. Nemhaka yekuti hama idzi dzairekodha hurukuro idzi dziri pakahwanda, dzimwe nguva taizoti tava kuteerera zvavanenge varekodha, taigona kunzwa machongwe achirira kana rumwewo ruzha. Uye kana pari kuitirwa gungano pasina magetsi, paiva nerimwe bhasikoro raichovhwa riri panzvimbo imwe chete. Bhasikoro iri rainge rakasungirirwa pane chimwe chinhu chinogadzira magetsi. Saka raiti kana munhu achirichovha, panenge pachitogadzirwa magetsi, ataizoshandisa kuridza makaseti uye kuteerera purogiramu. Kunyange zvazvo taisava nerusununguko rwekunamata uye taisava nemabhuku akawanda seaivawo nehama nehanzvadzi dzedu mune dzimwe nyika, hatina kumbobvira tashaya zvatinoda pakunamata. Tainakidzwa chaizvo nekushumira Jehovha pamwe chete.—Neh. 8:10.

KUTANGA KUPAYONA UYE KUVA NEMHURI

Pandakangosvitsa makore 18, ndakatanga kuita upiyona hwenguva dzese muguta reFlorida. Pasati patombopera gore, ndakagadzwa sapiyona chaiye muguta reCamagüey riri mupurovhinzi yeCamagüey. Ikoko ndiko kwandakasangana neimwe tsvarakadenga inonzi Emilia yaibva kuSantiago de Cuba. Takatanga kudanana uye pasati patombopera gore, takabva tachata.

Mifananidzo: 1. Gustavo nevamwe vaaidzidza navo vachitorwa pikicha. 2. Gustavo naEmilia vachisekerera vari pamuchato wavo.

(Kuruboshwe) Chikoro Cheushumiri hweUmambo chevakuru chakaitwa muCamagüey, Cuba, muna 1966

(Kurudyi) Pamuchato wedu muna 1967

Ndakatanga kushanda paine imwe fekitari yehurumende yaigadzira shuga. Ini naEmilia takanga tisingachakwanisi kuramba tichipayona. Asi taida kuita zvakawanda pakushumira Jehovha. Saka ndakasarudza kutanga basa na3:00 dzemangwanani ndopedza na11:00 dzemangwanani. Ndaisafarira hangu zvekumukira kudaro, asi izvi zvaindibatsira kuti ndikwanise kuramba ndichiita ushumiri uye ndigone kupinda misangano yese pamwe chete naEmilia.

Muna 1969, takava nemwanakomana wedu wekutanga anonzi Gustavo. Panguva iyoyo ndakakumbirwa kuti nditange kushanda semutariri wedunhu. Mazuva iwayo muCuba, zvaiita kuti munhu ashande semutariri wedunhu uku aine vana. Taiva nezvakawanda zvekuita, asi taigara tichifara. Ini naEmilia taitenda Jehovha chaizvo nekuti ainge atipa mukana uyu wekushumira hama nehanzvadzi dzedu. Panguva iyi yataiita basa remudunhu, ndipo patakava nevamwe vana vedu vatatu mukomana anonzi Obed, mumwe anonzi Abner uye papera makore takazovawo nemwanasikana wedu Mahely.

Pandinofunga makore ese ataiva mudunhu, ndinofara nekuti ndinonyatsoona kuti Jehovha aikomborera vanhu vake muCuba. Akakomborerawo zvataiita sevabereki kuti tibatsire vana vedu kuti vade Jehovha. Regai nditsanangure kuti upenyu hwainge hwakatimirira sei ini naEmilia pataiita basa remudunhu.

KUITA BASA REMUDUNHU PANGUVA YAIRAMBIDZWA BASA REDU

Zvainge zvakaoma chaizvo kuti tipinde misangano uye kuti tiparidze nekuti basa redu rainge rarambidzwa. Dzimba dzeUmambo dzakavharwa. Mamishinari edu akadzingwa munyika. Hama dzechidiki dzakawanda dzakasungwa uye dzakaiswa mumajeri. Hofisi yebazi iri muguta reHavana yakavharwawo.

Gustavo naEmilia vakabata mamagazini eMukai echiSpanish.

Tiri mubasa remudunhu mumakore ekuma1990

Nenyaya yekuti basa redu rainge rarambidzwa, taingokwanisa kushanyira ungano pakupera kwevhiki chete. Saka taiti tikashanyira ungano pakupera kwevhiki rino, taizoishanyira zvakare kupera kwevhiki rinotevera racho. Taifamba tiine zvinhu zvishoma uye taiwanzoshandisa bhasikoro. Izvi zvaibatsira kuti vanhu vasazive kuti tiri kuita nezvei. Pataishanya zvaisaziviswa pamusangano weungano kuti tiri kuuya. Saka taiita kuti zviite setiri kungoshanyirawo hama dzedu. Izvi zvakanga zvisina kumbotiomera. Taiwirirana chaizvo nehama dzaitigamuchira zvekuti dzimwe nguva taitofanira kuzoyeuka kuti tainge tashanya nekuda kwechinangwa chei. (Mako 10:​29, 30) Asi taifanira kuramba takangwarira nekuti kakawanda taiteverwa nemapurisa uye vaiwanzotibvunzurudza. Hama dzaitigamuchira dzaigona kutosungwa kana tikabatwa.—VaR. 16:4.

Panguva iyi, hama nehanzvadzi dzakawanda dzaitotamburawo. Asi dzaitipawo zvishoma zvadzaiva nazvo. Mune dzimwe nzvimbo maiva nemosikito dzakawanda. Pane dzimwe dzimba paingova nemosikitoneti imwe chete. Asi hama dzaitipa mosikitoneti iyoyo kuti tirare zvakanaka. Vamwe vavo vaingotigamuchira mudzimba dzavo pasinei nekuti vaiva nezvekudya zvishoma. Takanga tava kuzviziva, saka dzimwe nguva taitakurawo zvekudya kuti tizodya pamwe chete.

Taisakwanisa kufamba nevana vedu vese pataishanyira ungano. Saka taingofamba nemwana mumwe chete uye vamwe vacho vaisara kumba naamai vangu uye nehanzvadzi yangu. Kufamba nemwana mucheche kwaitotibatsira nekuti dzimwe nguva pataisechwa nemapurisa taiviga mabhuku atinoshandisa mubhegi remanapukeni akasviba. Taiziva kuti mapurisa aisazombosecha mubhegi iroro.

Ndinoyemura chaizvo zvese zvakaitwa naEmilia kuti achengete vana, uku tichiita basa renguva yakazara. Iniwo ndakakwanisa kuramba ndichiita basa rangu kufekitari ukuwo ndichiita basa rangu semutariri wedunhu. Ndakazvigona sei izvozvo? Pamwe pacho ndaishanda maawa akawanda kamwe chete kana kuti kaviri pavhiki kuti ndisazoshanda pakupera kwevhiki. Asi pava paya basa randaiita mufekitari rakabva rachinja. Ndakanga ndava kushanda saforomani, saka zvakarongwa kuti ndaifanira kushanda mazuva ese pavhiki. Ndaisakwanisa kuramba zvainge zvarongwa. Asi ndakazoona kuti ndikasiya ndapa vanhu vandaishanda navo zvekuita pakupera kwevhiki, vaitosara vachishanda ini ndaenda kunoshanyira ungano. Handifungi kuti vakuru vebasa vakambozviona kuti ndaisashanda pakupera kwevhiki.

KURAMBA NDICHIFARA PANDAKACHINJWA BASA

Gustavo achipa hurukuro pakokorodzano yeruwa muna 1994.

Gungano rekutanga ratakaita pashure pekunge basa redu ratanga kubvumidzwa muna 1994

Rimwe zuva muna 1994, hama dzaitungamirira muCuba dzakaronga kuti vatariri vese vanofambira vari 80, vaungane pamusangano unokosha wakaitirwa muguta reHavana. Pakanga pava nemakore akawanda chaizvo basa redu rarambidzwa, saka takafara chaizvo kuonana pamusangano iwoyo. Pamusangano wacho takatanga nekukurukura zvimwe zvinhu zvainge zvachinja musangano tichibva tazoudzwa chimwe chiziviso chakativhundutsa. Hama dzakatiudza kuti dzakanga dziri kuronga kuendesa mazita edu kuvakuru vakuru vehurumende. Vaida kuzviitirei izvozvo?

Vakatitsanangurira kuti vakanga vava nenguva vachiita misangano nevakuru vakuru vehurumende nechinangwa chekuti pave nekunzwanana pakati pehurumende neZvapupu zvaJehovha. Vakuru vakuru vehurumende vakanga vakumbira mazita ese evatariri vematunhu. Tese takabvuma kuti mazita edu aendeswe. Kubva ipapo, zvinhu zvakatanga kuchinja zvishoma nezvishoma.

Takazobvumirwa kuita misangano uye kuparidza kunyange zvazvo sangano redu rakanga risati ranyoreswa zviri pamutemo. Takazoziva kuti vakuru vakuru vehurumende vakanga vagara vachitoziva mamwe mazita evatariri vanofambira. Saka vaida kuona kuti mazita ataizovapa aienderana here neavakanga vainawo.

Muna September 1994, hurumende yakatibvumira kuvhura zvakare hofisi yebazi saka takabva tanovhura hofisi yebazi iya yakanga yava nemakore 20 yavharwa.

Muna 1996, ini naEmilia takafonerwa nehama dzekuBheteri tichikumbirwa kuuya kuzoshanda paBheteri. Ndakashamisika uye ndakaudza hama dzacho kuti tichiine vamwe vana vaviri vatiri kuchengeta. Asi hama dzaingoda kuti tiuye kuzoshanda paBheteri. Saka takabvuma uye takatanga kuronga kuti mhuri yedu itamire kuHavana.

Mifananidzo: 1. Emilia achishanda nedzimwe hanzvadzi mudhipatimendi rekusona repaBheteri. 2. Gustavo achipa hurukuro pane imwe Imba Yemagungano.

(Kuruboshwe) Emilia ari mudhipatimendi rekusona pabazi rekuCuba mumakore ekuma2000

(Kurudyi) Kukumikidzwa kweImba Yemagungano muna 2012

Kutaura chokwadi, pakutanga basa repaBheteri raisandinakidza. Ndainge ndaita makore akawanda ndichishanda semutariri wedunhu, saka mwoyo wangu waiva pabasa iroro. Zvaindiomera chaizvo kuita basa remuhofisi. Asi vamwe vandaishanda navo paBheteri, kunyanya mudzimai wangu Emilia, vakandibatsira kuti ndichinje mafungiro angu. Zvishoma nezvishoma, ndakatangazve kufara uye iye zvino ndiri kunakidzwa nekushanda paBheteri.

Mifananidzo: 1. Gustavo akamira pachikuva akacheuka achitaura nevanhu vakanga vagirajuweta paChikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana. 2. Gustavo akamira nedzimwe hama 4 dziri muDare Rebazi.

(Kuruboshwe) Girajuwesheni yeChikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana chakaitwa muna 2013

(Kurudyi) Dare Rebazi remuCuba muna 2013

Gustavo naEmilia vakagara nemwanasikana wavo nemukuwasha wavo.

Tiri pagungano redunhu nemwanasikana wedu nemurume wake

Ini naEmilia takura. Asi tinofara patinofunga nezvehama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana dzatakazivana nadzo uye dzatakashanda nadzo mumakore ese aya. Tinotonyanyawo kufara patinoona kuti vana vedu uyewo vazukuru vedu vari kushumira Jehovha. Tinonzwa semanzwiro aiita muapostora Johani uyo ainge akwegura paakati: “Hapana chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.”—3 Joh. 4. 

Ini naEmilia tava kuda kutosvitsa makore 30 tichishanda paBheteri. Kunyange zvazvo takwegura uye tiine mamwe matambudziko eutano, tichiri kuedza kuita zvese zvatinogona pamabasa atinopiwa. Mumakore ese aya atanga tichishumira Jehovha, tine mamwe matambudziko akasiyana-siyana atakasangana nawo. Asi tinofara kuti kwemakore anoda kusvika 70, tanga tichishumira Jehovha tichifara muno muCuba.—1 Tim. 1:11; Pis. 97:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe