MIBVUNZO INOBVA KUVAVERENGI
Pana VaGaratiya 4:24, Pauro aitaura nezvesungano dzipi mbiri?
Pauro akataura kuti Abrahamu aiva neukama hupi naSara uye naHagari. Akabva azoti: “Zvinhu izvi zvinogona kutorwa semufananidzo; nekuti vakadzi ava vanomiririra sungano mbiri.” (VaG. 4:22-24) Kare taiti sungano dzacho mbiri isungano yeMutemo nesungano itsva. Asi patakaongorora zvakare nyaya iyi, takaona kuti manzwisisiro edu anofanira kugadziriswa. Zvinoratidzika sekuti Pauro akanga asiri kutaura nezvesungano itsva, asi aitaura nezvesungano yaAbrahamu. Ngatimboonai zvinotevera.a
Pauro akafananidza Hagari nesungano yeMutemo yakaitwa paGomo reSinai muna 1513 B.C.E. (VaG. 4:25; Eks. 19:5, 6) Sezvo vanhu vese vakaberekerwa muchivi, hapana munhu aikwanisa kunyatsotevedzera Mutemo zvakakwana. Saka sungano iyoyo yaiyeuchidza vaJudha kuti vaiva varanda vechivi. Uyewo yaizovabatsira kuziva Mesiya nekuti ndiye ega aizokwanisa kunyatsotevedzera Mutemo zvakakwana. Kupa kwakaita Mesiya upenyu hwake hwakakwana, kwakaita kuti vanhu vakaberekerwa muchivi vakwanise kuzosunungurwa pachivi nerufu. (VaG. 3:19, 24, 25) Jesu paakangoita izvozvo, akanga atozadzisa chinangwa chaMwari. Saka Mutemo wakanga usisashandi.—VaR. 10:4.
Pauro akataurawo kuti Sara akanga akasiyana naHagari pakuti Sara aiva “mukadzi akasununguka” uye akabereka mwana “kuburikidza nevimbiso.” (VaG. 4:23) Vimbiso iyoyo yaiva sungano yaAbrahamu. (VaG. 3:29; 4:28, 30) Jehovha akaita sungano iyi naAbrahamu uye mamwe mashoko acho tinoawana pana Genesisi 22:18 Jehovha paakaudza Abrahamu kuti: “Marudzi ese epanyika achazviwanira chikomborero nekumwana wako nekuti wateerera inzwi rangu.”
Sungano yaAbrahamu yakawedzera kujekesa zvakanga zvataurwa naJehovha muEdheni. (Gen. 3:15) Yakajekesa kuti “mwana” akanga ataurwa nezvake aizova wedzinza raAbrahamu. Pauro akataura kuti “mwana” uyu aimiririra Jesu Kristu. Uyewo aimiririra “vanhu vaKristu,” kureva vaya vane 144 000 vachatonga naJesu muUmambo hwake. (VaG. 3:16, 29; Zvak. 14:1-3) Vaya vanogamuchira Jesu uye vanomuteerera vachawana makomborero akawanda nemhaka yezvakavimbiswa naMwari kuna Abrahamu.
Nei Pauro akashandisa ‘mufananidzo’ uyu? Aida kujekesa kuti kana vaJudha vepanguva yake vakaramba vachida kutevedzera Mutemo, vaizoramba vari varanda kufanana naHagari. Asi kana vakagamuchira Jesu Kristu, “mwana” waAbrahamu, vaizova vanhu vakasununguka kufanana naSara. Vaizosunungurwa pachivi nerufu. (Joh. 8:32-34) Kana vakaramba kugamuchira Jesu, zvaizoratidza kuti vakatadza kunzwisisa chinangwa chesungano yeMutemo chekuvatungamirira kuna Kristu.
Pauro paakanyorera ungano yevaGaratiya tsamba, vakawanda vavo vakanga vasiri vaJudha uye havana kumbobvira vava pasi peMutemo. Vamwe vaJudha vaiva muungano iyi vaisimbirira kuti vaKristu vemamwe marudzi vanofanira kuteerera Mutemo, kusanganisira wekuchecheudzwa. Pauro akataura kuti zvakanga zvisina musoro kuti vaite izvozvo nekuti zvaizovaita varanda veMutemo, nepo vakanga vatosunungurwa pavakagamuchira Kristu.—VaG. 5:1, 10-14.
a Izvi zvinogadzirisa zvakabudiswa muNharireyomurindi yaMarch 15, 2006, peji 10-12.