RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 7/15 p. 32
  • “Zvandaida Zvazoitika”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zvandaida Zvazoitika”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Kushumira Jehovha Kwemakore Anoda Kusvika 70 muCuba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
  • “Handisati Ndambodiwa Zvakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 7/15 p. 32

“Zvandaida Zvazoitika”

Makore 15 adarika Emilia aiva piyona wenguva dzose. Zvisinei, akazosiya basa renguva yakazara. Makore achangopfuura, aigarofunga nezvenguva iyi yaaifara zvikuru, uye aida kuwedzerazve nguva yake muushumiri.

Asi basa raEmilia raimudyira nguva yake, uye izvi zvaimushayisa mufaro. Mumwe musi akanyunyuta nenzwi riri pasi aine vaanoshanda navo achiti: “Dai ndaishanda hangu maawa mashoma!” Mukuru wake pabasa akanzwa nezvazvo uye akamubvunza kana chaive chokwadi. Emilia akati ndizvozvo. Zvisinei, kuti izvi zviitike paida mvumo yemumwe wevaridzi vekambani nokuti mutemo wepakambani waida kuti vashandi vashande nemwoyo wose. Hanzvadzi yedu yakagadzirira musangano wayaizoita nemuridzi wekambani yacho uye yakanyengetera kuti ive neushingi uye kuti vataurirane nerugare.

Pamusangano uyu, Emilia akakumbira nokungwarira asi neushingi kuti ashande maawa mashoma. Akatsanangura kuti anoshandisa nguva yaanenge asiri pabasa kuti abatsire vamwe: “Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye ndinobatsira vanhu kuti vazive Mwari. Mazuva ano tsika dzevakawanda dziri kuparara. Vanoda kuziva tsika dzakanaka, uye vanobatsirwa zvikuru neuchenjeri hwandinovaudza hunobva muBhaibheri. Handidi kuti zvandinoita ndisiri pabasa zvikanganise mashandiro andinozoita, asi ndinoda kuva nenguva yakati wandei yokubatsira vanhu. Ndosaka ndiri kuda kuti maawa andinoshanda aderedzwe.”

Muridzi wekambani akanyatsoteerera uye akatoti akambodawo kuita basa rekuyamura vanhu. Akazoti: “Nezvikonzero zvawataura, ndinofunga kuti ndinofanira kukubvumira. Asi unoziva here kuti mari yako inenge yavawo shoma?” Emilia akati aizviziva uye kana zvanetsa aizorarama hake nezvishoma. Akawedzera kuti: “Chinangwa changu chikuru ndechokuita zvinhu zvinonyatsobatsira vanhu.” Muridzi wekambani akamuudza kuti: “Ndinoyemura vanhu vanozvipira nemwoyo wose kuti vabatsire vamwe.”

Hapana mushandi wepakambani apa akambowana mukana wakadai. Iye zvino Emilia ava kushanda mazuva mana pavhiki. Akatoshamiswa kuti akawedzerwa mari yaanotambira zvokuti yakasvika pane yaaisitambira! Anoti: “Zvandaida zvazoitika, uye ndava kukwanisa kupayona zvekare!”

Wakambofunga nezvokugadzirisa mamiriro ako ezvinhu kuti upayone kana kuti utangezve kupayona here?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 32]

Muridzi wekambani akamuudza kuti: “Ndinoyemura vanhu vanozvipira nemwoyo wose kuti vabatsire vamwe”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe