MAY 4-10, 2026
RWIYO 53 Kugadzirira Kunoparidza
Vandudza Madzidzisiro Aunoita Muushumiri
“Paridza shoko . . . nemwoyo murefu neunyanzvi hwekudzidzisa.”—2 TIM. 4:2.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvinhu zvitatu zvatingaita kuti tivandudze madzidzisiro atinoita muushumiri.
1. VaKristu vese vanofanira kushanda nesimba kuti vaite sei, uye nei vachifanira kudaro? (2 Timoti 4:2) (Onawo mufananidzo.)
JESU akapa vateveri vake murayiro wekuti: ‘Itai kuti vanhu vave vadzidzi, muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.’ (Mat. 28:19, 20) Murayiro iwoyo unoratidza kuti vaKristu vese vanofanira kuva vadzidzisi. Kunyange zvazvo Jehovha ari iye anoita kuti vanhu ‘vane chido chekuwana upenyu husingaperi’ vauye kwaari uye ngirozi dzichitibatsira pakutsvaga vanhu ivavo, isuwo tinofanira kuvandudza madzidzisiro atinoita vanhu nezvaJehovha. (Mab. 13:48; Joh. 6:44; Zvak. 14:6) Chimbofunga zvakaitwa nemuapostora Pauro uyewo muapostora Bhanabhasi. Bhaibheri rinotaura kuti pavakaparidza musinagogi yekuIkoniyumu “vakataura zvekuti vanhu vakawanda vechiJudha nevechiGiriki vakava vatendi.” (Mab. 14:1) Izvi zvinonyatsoratidza kuti Pauro naBhanabhasi vakanga vava “neunyanzvi hwekudzidzisa.” (Verenga 2 Timoti 4:2.) VaKristu vese vanofanirawo kushanda nesimba kuti vagone kudzidzisa vamwe zvakanaka.
Tinogona kuvandudza ‘unyanzvi hwedu hwekudzidzisa’ kana tikatevedzera Jesu nevadzidzi vake vakadai semuapostora Pauro uye muapostora Bhanabhasi (Ona ndima 1)
2. Nei vamwe vaKristu vachiona sekuti havakwanisi kuvandudza madzidzisiro avanoita?
2 Vamwe vanhu vanogona kuona sekuti havakwanisi kuvandudza madzidzisiro avanoita nekuti havana kunyatsodzidza kana kuti vanoona sekuti havagone kudzidzisa. Izvi hazvitishamisi nekuti vamwe varume vanotaurwa muBhaibheri vakatomboonawo sekuti vaisakwanisa kuita zvavakanga vaudzwa naJehovha kuti vaite. (Eks. 4:10; Jer. 1:6) Vamwewo ndivo vanoona sekuti havakwanisi kunyatsodzidzisa zvakanaka nekuti havana zvidzidzo zveBhaibheri kana kuti havakwanisi kunyatsobudirira sezvinoita vamwe muushumiri. Hatitarisiri hedu kuti munhu wese watinoonana naye afarire mashoko akanaka atinoparidza. Uye kana tikawana vanhu vanoteerera mashoko atinenge tichiparidza, Jehovha nengirozi dzake ndivo vanenge vatibatsira kuwana vanhu ivavo. Asi kunyange zvakadaro, tinoda kuita zvese zvatinogona kuti tiudze vamwe mashoko akanaka nenzira inoita kuti vaafarire. Kuti tikwanise kuita izvozvo, nyaya ino ichakurukura zvinhu zvitatu zvatingaita kuti tivandudze madzidzisiro atinoita muushumiri.
RATIDZA KUTI UNODA VANHU
3. Nei vanhu vakawanda vaifarira kuteerera zvaidzidziswa naJesu?
3 Bhaibheri rinotaura kuti Jesu “aiziva zviri mumwoyo memunhu.” (Joh. 2:25) Mashoko iwayo anoratidza kuti Jesu aiziva zvaifungwa nevanhu uye kuti nei vaifunga saizvozvo. Jesu akakwanisa kutaura zvaisvika pamwoyo yevanhu nekuti ainyatsonzwisisa kuti zvii zvaikosha kwavari. Aiona kuti vainyatsoda kutungamirirwa pakunamata uyewo kuti vatungamiriri vezvitendero vaivaremedza vachivamanikidza kutevedzera tsika nemitemo yakawandawanda yakagadzwa nevanhu. (Mat. 9:36; 23:4) Saka muMharidzo Yepagomo, Jesu akabatsira vanhu paakavadzidzisa zvinhu zvaigona kunyatsoita kuti vave neupenyu hwakanaka. Vanhu vakawanda vaifarira kuteerera zvaidzidziswa naJesu nekuti aivaudza zvinhu zvinonyatsobatsira muupenyu.
4. Tinoratidza sei kuti tinoda vanhu? (Onawo mifananidzo.)
4 Kuti tiratidze kuti tinoda vanhu, tinofanira kuedza kunzwisisa kuti vari kunetseka nezvei. Nemhaka yekuti tese tiri kurarama munyika iri kutongwa naSatani, munhu wese ane matambudziko aari kunetseka nawo. Kana tikagara tichifunga izvozvo, zvichatibatsira kuti tinzwire tsitsi vanhu vatinenge tichiparidzira. Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Pane zvinhu zvichangobva kuitika here munharaunda yatinogara zviri kuita kuti vanhu vanetseke? Vabereki vari kutyira kuti pane zvakaipa zvingangoitika kune vana vavo pavanenge vari kuchikoro here? Vanhu vari kunetseka kuwana mabasa here?’ Chimbofungidzira kuti vanhu vari kunzwa sei pavari kurarama munyika ino yakaoma asi vasingazivi zvinhu zvakanaka zvinovimbiswa naMwari mune ramangwana.—2 Tim. 3:1; Isa. 65:13, 14.
Edza kunzwisisa mamiriro ezvinhu emunhu waunenge uchidzidzisa uye ratidza kuti unomuda (Ona ndima 4)
5. Jesu akanga akasiyana papi nevaFarisi? (Mateu 11:28-30)
5 Jesu aida vanhu vaaiparidzira uye vanhu vacho vaizviona nemabatiro aaivaita. Akanga akatosiyana zvachose nevaFarisi. VaFarisi vaitarisira vanhu pasi uye vaibata vanhu zvisina kunaka. (Mat. 23:13; Joh. 7:49) Asi Jesu aibata vanhu zvakanaka uye aivaremekedza. Aiva ‘munyoro uye aizvininipisa’ uye izvi ndizvo zvaiita kuti adzidzise vanhu zvakanaka. (Verenga Mateu 11:28-30.) Nesuwo tinofanira kuremekedza uye kubata zvakanaka vanhu vatinoparidzira.
6. Tinofanira kubata sei vanhu vasingatombodi kunzwa mashoko atinoparidza kana kuti vanotipopotera?
6 Vamwe vanhu havatombodi kunzwa mashoko atinenge tichiparidza uye vanogona kutotipopotera. Kana zvinhu zvakadaro zvikaitika, tinofanira kuita sei? Jesu akatidzidzisa kuti hatifaniri kuitira zvakaipa vaya vanotipikisa. Asi akati tinofanira ‘kuitira zvakanaka vaya vanotivenga,’ ‘kukomborera vaya vanotituka,’ uye kunyange ‘kunyengeterera vaya vanotidenha.’ (Ruka 6:27, 28) Zvichatiitira nyore kuti tiite izvozvo kana tikayeuka kuti panogona kunge paine chimwe chinhu chiri kuita kuti vanhu ivavo vasade kuteerera mashoko atinenge tichiparidza. Ndizvo hazvo kuti vamwe vanhu havatodi kunzwa zvatinoparidza. Asi vamwe vanogona kunge vari kunetseka nerimwe dambudziko ravari kusangana naro mumhuri mavo kana kuti vaine chimwe chinhu chiri kuvanetsa chisinei nesu. Vamwewo tinogona kunge tavasvikira vasiri kunzwa zvakanaka. Pasinei nekuti chii chiri kuita kuti vasade kuteerera mashoko atinoparidza, tinofanira kuyeuka kuti ‘nguva dzese mashoko edu anofanira kuratidza mutsa, akarungwa nemunyu, kuti tizive mapinduriro atinofanira kuita munhu mumwe nemumwe.’ (VaK. 4:6) Kana tichida vanhu uye tichinzwisisa kuti vari kusangana nematambudziko akasiyana-siyana, zvichatibatsira kuti tisavagumbukire asi kuti tiise pfungwa dzedu pakutsvaga kuti tingavabatsira sei.
SHANDISA SHOKO RAMWARI
7. Jesu aitorepi zvaaidzidzisa vanhu? (Johani 7:14-16)
7 Jesu aisadzidzisa zvemusoro wake. Aidzidzisa zvinhu zvaibva muShoko raMwari uye aizvitsanangura zviri nyore zvekuti vanhu vaimuteerera vainyatsozvinzwisisa, vozviyeuka. Bhaibheri rinotiudza kuti Jesu aidzidzisa “semunhu ane chiremera, kwete sevanyori” zvekuti vanhu ‘vaishamiswa’ nemadzidzisiro ake. (Mako 1:22) Vanyori vepanguva iyoyo vaidzidzisa vanhu dzidziso dzavanarabhi vakakurumbira, asi Jesu aidzidzisa vanhu zvinhu zvinotaurwa muMagwaro. Jesu akanga amborarama kudenga aina Mwari asi akanga asingashamisiri neruzivo rwake achiita kuti vanhu vasare vachinzwa sekuti havana kana chavanoziva. Aingoshandisa Shoko raMwari kuvadzidzisa zvaidiwa naMwari. (Verenga Johani 7:14-16.) Jesu akanyatsoratidza zvinofanira kuitwa nevaKristu vese pavanenge vachidzidzisa vamwe.
8. Petro akatevedzera sei Jesu?
8 Vadzidzi vaJesu vaishandisawo Shoko raMwari pavaidzidzisa. Chimbofunga zvakaitika Petro paakashandisa Shoko raMwari paaitaura nevanhu vakanga vakaungana paPendekosti ya33 C.E. Petro akanga asiri munhu akadzidza asi akashandisa Magwaro akawanda kuti anyatsotsanangura zvakajeka kuti Jesu akazadzisa sei uprofita hwakanga hwataurwa naMwari. (Mab. 2:14-37) Chii chakabva chaitika? Bhaibheri rinoti: “Vaya vakagamuchira shoko rake nemufaro vakabhabhatidzwa, uye musi iwoyo vanhu vangasvika 3 000 vakawedzerwa.”—Mab. 2:41.
9. Nei tichifanira kushandisa Shoko raMwari patinenge tichidzidzisa?
9 Shoko raMwari chete ndiro rine simba rekubatsira munhu kuti achinje mararamiro ake, ofadza Mwari. (VaH. 4:12) Saka tinofanira kushandisa Bhaibheri patinenge tichidzidzisa. Tinofanira “kuparidza shoko,” kwete kutaura zvinhu zvemumusoro wedu. (2 Tim. 4:2) Zvirevo 2:6 inoti: “Jehovha pachake anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda ruzivo neungwaru.” Saka patinodzidzisa zvinhu zvinobva muMagwaro, tinenge tichiita kuti vanhu vazive zvinotaurwa naJehovha. (Mar. 2:7) Tinoda kuti vanhu vazive kuti Bhaibheri rine uchenjeri hunopfuura hwevanhu. Rakafemerwa naMwari uye rinotipa ruzivo runotibatsira kuti tifadze Musiki wedu uye tirarame tichifara.—2 Tim. 3:16, 17.
10. Zvii zvatingaita kuti mudzidzi wedu azive kuti zvaari kudzidza zviri kubva muBhaibheri?
10 Paunenge uchigadzirira chidzidzo cheBhaibheri, funga kuti ndeapi magwaro auri kuda kuzoratidza mudzidzi wako kuitira kuti abate zvinodzidziswa neBhaibheri. Mapikicha nemavhidhiyo zvinongoshandiswa kuti zvibatsire mudzidzi kuti anzwisise zvaanenge ari kudzidza. Asi chikuru chaanenge achidzidza, zvinhu zviri muBhaibheri. Saka pamunenge muchidzidza, verengai mavhesi achaita kuti mudzidzi wako abate pfungwa huru uye mubatsire kuti anzwisise mavhesi acho. Mapikicha nemavhidhiyo ane zvidzidzo zvinobva muBhaibheri zvaanenge ari kutotsanangura. Saka batsira mudzidzi wako kuti awane zvidzidzo izvozvo. Izvi hazvirevi hazvo kuti uri kufanira kutaura zvakawanda kana kuti kuverenga mavhesi ese anenge ari muchidzidzo chacho. Asi batsira mudzidzi wako kuti anzwisise vhesi rimwe nerimwe ramunenge maverenga. Uye pamwe pacho kana asina kunzwisisa, munogona kudzokorora kuverenga vhesi racho. Kana tikaita izvi, tinenge tiri kubatsira mudzidzi kuti aone kuti chaari kudzidza iBhaibheri kwete bhuku, mapikicha kana kuti mavhidhiyo.—1 VaK. 2:13.
11-12. (a) Tingaratidza sei mwoyo murefu kuvadzidzi vedu? (Mabasa 17:1-4) (Onawo mufananidzo.) (b) Zvii zvatingaita kuti tibatsire vamwe vasinganyatsozivi Bhaibheri?
11 Kana mudzidzi wedu achinetseka kubata zvimwe zvinhu zvatinenge tichikurukura naye, yeuka kuti tinofanira ‘kuparidza nemwoyo murefu.’ Vadzidzi havafanani. Pane zvimwe zvinhu zvatinogona kuona sekuti zviri nyore kunzwisisa, asi vamwe vadzidzi vanenge vachitoda kupiwa nguva yekuti vazvinzwisise. Yeuka zvakaitika kuvaJudha vaiva kuTesaronika. Pauro paakaenda achinovadzidzisa havana kunyatsozvibata. Saka Pauro aifanira kuramba achienda kwavari achivabatsira kunzwisisa Magwaro uye vamwe vavo vakazonzwisisa zvaaidzidzisa.—Verenga Mabasa 17:1-4.
12 Pamwe patinoratidza mwoyo murefu kuvadzidzi vedu ndepaya patinovabvunza mibvunzo. Tinofanira kuvapa nguva yekuti vapindure. Pavanenge vachipindura, tinofanira kunyatsovateerera kuitira kuti tinyatsonzwisisa mafungiro avo. Zvadaro, tinofanira kuverenga tokurukura mavhesi anovabatsira kuti vaone kuti Mwari anoti kudii nezvenyaya yacho. Uyewo tinofanira kuyeuka kuti kune vamwe vanhu vasingazivi kuti Bhaibheri rine mashoko anogona kuvabatsira nekuti havana kumbobvira varivhura muupenyu hwavo. Saka tinogona kuratidza vanhu vakadaro chikamu chinowanikwa kwekutanga muShanduro yeNyika Itsva chakanzi “Kusuma Shoko raMwari.” Chikamu ichocho chinobatsira munhu kuti aone kuti Bhaibheri rine zvinhu zvakawanda zvinokosha. Tinogona kuenda naye pamubvunzo 15 toverenga mamwe mavhesi ari ipapo kuti aone kuti Bhaibheri rinotibatsira sei kuti tifare muupenyu. Kana ukabatsira vadzidzi vako veBhaibheri kuti vaone kuti Bhaibheri rakakosha zvakadini, zvichaita kuti vashandise zvaunovadzidzisa muupenyu hwavo uye kuti vade kuramba vachidzidza Bhaibheri.
Mudzidzisi ane unyanzvi anoteerera paanenge achidzidzisa uye haataurisi (Ona ndima 11-12)
BATSIRA MUDZIDZI WAKO KUTI ASWEDERE PEDYO NAJEHOVHA
13. Patinenge tichidzidzisa, tinofanira kubatsira mudzidzi wedu kuti aise pfungwa dzake pana ani?
13 Chinangwa chedu ndechekubatsira vanhu vatinenge tichidzidza navo kuti vazive Jehovha uye kuti vaswedere pedyo naye. (Jak. 4:8) Saka patinenge tichidzidzisa vanhu Bhaibheri hatitombodi kuti vaise pfungwa dzavo patiri asi tinoda kuti vaise pfungwa dzavo pana Jehovha uye pakuti zvii zvavangaita kuti vamufadze.
14. Tinofanira kuitei kuti tibatsire mudzidzi wedu kuti ade Jehovha?
14 Paunenge uchidzidzisa mumwe munhu Bhaibheri, mubatsire kuti ade kufadza Jehovha. (Zvir. 27:11) Chinangwa chako hachisi chekungoudza mudzidzi zvaanofanira kuita uye zvaasingafaniri kuita kana achida kuva Chapupu chaJehovha. Asi unoda kuti mudzidzi wako aite zvinhu zvakanaka nekuti anoda kufadza Jehovha. Ngatitii ari kunetseka kusiyana nemamwe maitiro akaipa. Unogona kumubvunza kuti: “Unofunga kuti nei Jehovha achivenga maitiro iwayo? Unofunga kuti nei Jehovha ari kukurambidza kuita chimwe chinhu chaunofarira? Zvauri kuudzwa kuti uite zvinoratidza sei kuti Jehovha anokuda?” Kana ukagara uchiudza mudzidzi wako zvinhu zvakanaka nezvaJehovha zvichaita kuti aone kuti Jehovha ndiBaba vedu vakanaka. Uye izvozvo zvichamubatsira kuti ade kufadza Jehovha.
RAMBA UCHIVANDUDZA MADZIDZISIRO AKO
15. Zvii zvaunofanira kuita kuti urambe uchivandudza madzidzisiro ako?
15 Unofanira kunyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuona paunofanira kuvandudza pamadzidzisiro aunoita. (1 Joh. 5:14) Kana wanyengetera, unofanira kuita zvinhu zvinoita kuti Jehovha akukomborere. Saka nyatsoteerera paunenge uri kumisangano nekuti Jehovha ndiye anenge achikudzidzisa madzidzisiro aunofanira kuita. Uyewo shandisa zvaunenge wadzidza. Unogona kuenda kuchidzidzo chako cheBhaibheri uine imwe hama kana hanzvadzi inogona kudzidzisa zvakanaka, woikumbira kuti ikuudze paunofanira kugadzirisa pamadzidzisiro ako. Yeuka kuti iwewe unogona kunge uchinyatsoziva zvinhu zvauri kuda kudzidzisa mudzidzi wako, asi kumudzidzi wako kanogona kunge katori kekutanga kunzwa zvinhu izvozvo. Saka edza kufungidzira kuti achanzwa sei pamuchadzidza zvinhu zvacho. Pamunenge mava kuzodzidza, batsira mudzidzi wako kuti anyatsoona kuti zvinhu zvaari kudzidza izvi zvinomubatsira sei uye kuti aone zvinhu zvakanaka zvatiri kuvimbiswa naMwari. Izvi zvichaita kuti mudzidzi wako anyatsoswedera pedyo naJehovha uye afare muupenyu.—Pis. 1:1-3.
16. Nei tichifanira kuramba tichivandudza madzidzisiro atinoita?
16 Kudzidzisa mumwe munhu nezvaJehovha kunoita kuti tifare zvisingaite. Patichapinda munyika itsva, tichange tiine vanhu vakawanda vekudzidzisa. Saka patinenge tichiparidza, ngatirambei tichiratidza kuti tinoda vanhu. Ngatirambei tichishandisa Shoko raMwari uye tichibatsira vanhu kuti vaswedere pedyo naJehovha. Izvi zvichaita kuti tivandudze madzidzisiro atinoita muushumiri.
RWIYO 65 Fambira Mberi!