RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 April pp. 8-13
  • Jehovha Anozadzisa Zvese Zvaanovimbisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anozadzisa Zvese Zvaanovimbisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI TICHIKWANISA KUVIMBA NAJEHOVHA?
  • KUZADZISA KURI KUITA JEHOVHA CHINANGWA CHAKE
  • JEHOVHA ARI KUUNGANIDZA VAYA VANODA CHOKWADI
  • JEHOVHA HAAMBOTADZI KUZADZISA ZVAAKAVIMBISA
  • Teerera Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu yeGungano Redunhu Nemumiririri Webazi ra2025-2026
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Teerera Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu yeGungano Redunhu reZvapupu zvaJehovha Nemutariri Wedunhu ra2025-2026
  • Vimba naJehovha, Mwari Wemasimbaose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 April pp. 8-13

JUNE 8-14, 2026

RWIYO 8 Jehovha Inzvimbo Yedu Yekupotera

Jehovha Anozadzisa Zvese Zvaanovimbisa

“Makandidzikinura, haiwa Jehovha, Mwari anotaura chokwadi.”—PIS. 31:5.

ZVATICHADZIDZA

Nyaya ino ichatibatsira kuti tiwedzere kuvimba kuti Jehovha anozadzisa zvese zvaakavimbisa uye kuti Umambo hwake huchabvisa nhema dzese uye unyengeri zvinokonzerwa naSatani.

1. Maererano naPisarema 31:​2-5, chii chinoita kuti tivimbe naJehovha?

TIRI kurarama munyika iri kutongwa naSatani, saka makazara nevanhu vanonyepa uye vanonyengera. Zvakaoma kuti uwane munhu waunovimba naye. Vanhu vakawanda vemabhizinesi vanobiridzira. Vaya vanenge vaine zvavari kutengesa vanowanzonyepa vachingoitira kuti vanhu vatenge zvinhu zvavo. Uye vamwe vanhu vanoomerwa nekuvimba neshamwari dzavo nekuti kazhinji hadziiti zvadzinenge dzavimbisa. Asi tinogona kuvimba naJehovha nekuti ‘ndiMwari anotaura chokwadi.’ (Verenga Pisarema 31:​2-5.) Anogara achitaura chokwadi. Ndizvo zvaari. Tinogona kuvimba naye nekuti kana atotaura chimwe chinhu, anotochiita.

2. Tichadzidzei munyaya ino?

2 Munyaya ino, tichadzidza zvikonzero zvinoita kuti tivimbe naJehovha nemwoyo wedu wese. Tichabva tazoonawo kuti Mwari wedu anotaura chokwadi achaparadza sei nyika ino yaDhiyabhorosi uye kuti zvii zviri kuitwa naJehovha iye zvino kuti azadzise chinangwa chake. Kudzidza zvinhu izvi kuchatibatsira kuti tiwedzere kuva nechido chekuudza vamwe chokwadi nezvaJehovha.

NEI TICHIKWANISA KUVIMBA NAJEHOVHA?

3. Chii chinoita kuti tinyatsovimba naJehovha?

3 Tinokwanisa kuvimba naJehovha nekuti ndiye Musiki. Ndiye akasika denga nenyika nezvinhu zvese zvipenyu. (Gen. 1:1; Pis. 36:9; Zvak. 4:11) Akasika nyika iine zvese zvatinoda kuti tirambe tichirarama zvakadai semhepo yatinofema uye mvura yekunwa. Ane simba pamusoro pezvinhu zvese zviri kudenga nepanyika. Nemhaka yekuti Jehovha ndiye akatisika anoziva zvese uye simba rake harimboperi. Tinonyatsovimba naye kuti atitungamirire muupenyu hwedu uye tinoziva kuti achazadzisa zvaari kutivimbisa nezveramangwana.

4. Zvii zvinoratidza kuti Jehovha anotida?

4 Tinokwanisa kuvimba naJehovha nekuti anotida. Jehovha akasika vanhu nekuti aida kuti vanakidzwe neupenyu sezvaanoita. Akavasika ‘nemufananidzo wake,’ izvo zvinoreva kuti vanokwanisa kutevedzera zvaanoita. (Gen. 1:26) Akatisikawo tichikwanisa kusarudza zvatinoda kuita uye akatipa musha wakanaka wekuti tigare. (Pis. 115:16) Akapa vabereki vedu vekutanga basa rekuita kuti nyika yese ive paradhiso. (Gen. 1:28; 2:15) Akavapawo zvekudya zvakawanda zvinonaka. Akaitawo kuti panyika pazare nezvinhu zvinomera uyewo mhuka dzakasiyana-siyana nezvimwewo zvinhu zvakawanda. Akaita zvese izvi, achiitira kuti vanakidzwe neupenyu. Kupa kwaakaita vabereki vedu vekutanga zvinhu zvese izvi kunoratidza kuti Jehovha anotida uye ‘rudo rwake rusingachinji ruriko nariini nariini.’—Pis. 103:17.

5. (a) Jehovha akaita sei Adhamu naEvha pavakamupandukira? (b) Ndezvipi zvimwe zvakavimbiswa naMwari zvaakatozadzisa? (Ona bhokisi rakanzi “Mwari Anogara Achitaura Chokwadi.”)

5 Tinokwanisa kuvimba naJehovha nekuti anogara achizadzisa zvese zvaanenge avimbisa. Jehovha haana kungosikira nyika “pasina, asi akaiumba kuti igarwe.” (Isa. 45:​18, 19) Adhamu naEvha pavakamupandukira, vakabva vapiwa mutongo werufu. Saka zvaigona kuita sekuti chinangwa chaMwari chaenda mudondo. Asi Jehovha anozadzisa zvese zvaanenge avimbisa. (Isa. 46:​10, 11) Chinangwa chake chekuti panyika pagare vanhu vakarurama hachina kumbochinja. Ndokusaka akarega Adhamu naEvha vachiva nevana. Uyewo akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kuti adzikinure vana vaAdhamu uye kuti aite kuti vave netariro yekurarama nekusingaperi.—Joh. 3:16.

Mwari Anogara Achitaura Chokwadi

Ona zvimwe zvakavimbiswa naJehovha zvaakazadzisa:

  • Akavimbisa Mozisi kuti vaIsraeri vaizogara munyika yavo pachavo, nyika inoerera uchi nemukaka.—Eks. 3:​6-8; Dheut. 27:3.

  • Akavimbisa kuti Mesiya aizouya osunungura vanhu pachivi nerufu.—Isa. 53:​11, 12.

  • Akavimbisa kuti paizoitwa basa rekuparidza munyika yese raizobatsira vanhu kuti vamuzive mugumo usati wasvika.—Mat. 24:14.

Ndezvipi zvimwe zvaunozivawo zvakavimbiswa naJehovha zvaakatozadzisa?

KUZADZISA KURI KUITA JEHOVHA CHINANGWA CHAKE

6. Adhamu naEvha pavakapanduka, Jehovha akati chii chaizoitika?

6 “Nyoka yepakutanga, inonzi Dhiyabhorosi uye Satani” yakafurira Adhamu naEvha kuti vapandukire Mwari.a (Zvak. 12:9; Gen. 3:​4, 5; Joh. 8:44) Nemhaka yezvakaitwa naSatani izvi, Jehovha akati Satani aizoparadzwa. (Gen. 3:15) Asi izvozvo zvisati zvaitika, vanhu vakawanda vaizobvuma kufurirwa naSatani voita zvakaipa. Asi paizovawo nevamwe vaizoramba vakavimbika kuna Jehovha.

7. Ndivanaani vari kudivi raSatani, uye chii chichaitika kwavari?

7 Ngirozi dzakapandukira Jehovha uye vanhu vasingadi kuteerera Mwari ndivo vari kudivi raSatani. Vakazviisa kudivi raSatani nekuti vanoita zvinopesana nezvinodiwa naJehovha. Asi panguva yaakasarudza, Mwari achaparadza Satani nevese vanomutsigira.—Dhan. 2:44; VaR. 16:20.

8. Jesu akaitei muna 1914? (Onawo mifananidzo.)

8 Zvii zvinoita kuti tinyatsovimba kuti Jehovha achazadzisa chinangwa chake chekuparadza Satani nevaya vanomutevera? Muna 1914, Jesu akarwa naSatani Dhiyabhorosi nemadhimoni uye akavakandira panyika. (Zvak. 12:​7-9) Hondo yacho yakaitika kudenga, asi izvi zvakaita kuti panyika patowedzera kuva nematambudziko. Ndosaka Bhaibheri richiti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nekuti Dhiyabhorosi adzika kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvak. 12:12) Kubvira muna 1914, Satani ari kushanda zvakaoma kuti afurire vanhu kuti vamutevedzere uye izvi zviri kuita kuti matambudziko atowedzera panyika. Asi kwasara nguva pfupi kuti Jesu “apedzise kukunda kwake.” Achasunga Satani kwemakore 1 000, uye achaparadza vanhu vese vanotsigira Satani. (Zvak. 6:2) Jesu achanyatsoita kuti zvive pachena kuti Satani munhu akaipa uye anoreva nhema nezvaJehovha. (Pis. 45:​4-6) Vanhu vese vachanyatsoona kuti Jehovha ndiMwari anotaura chokwadi.—Ezek. 38:23.

Mifananidzo: Zvinhu zviri kuitika panyika kubvira muna 1914. 1. Satani uyo anofananidzwa nedhiragoni rine misoro minomwe achikandirwa panyika. 2. Masoja ari kuhondo akabata pfuti achimirira kurwisa vavengi. 3. Bhomba raputika. 4. Amai vasina pekugara vakabata mwana wavo ari kuchema. 5. Musoja ari kugadzirisa pfuti yake kuti anyatsonanga waari kuda kupfura. 6. Murume ari kufamba mutaundi rasakadzwa nehondo. 7. Utsi hwakasviba huri kubuda mufekitari. 8. Vanhu vari kufamba vakapfeka mamask. 9. Vanhu vakatsamwa vachirwisana nemapurisa.

World War I: U.S. National Archives photo; bomb: USAF photo; pandemic: blvdone/stock.adobe.com; riot: inhauscreative/E+ via Getty Images

Kubvira muna 1914, zvinhu zviri kuramba zvichingowedzera kuipa panyika (Ona ndima 8)


JEHOVHA ARI KUUNGANIDZA VAYA VANODA CHOKWADI

9. Iye zvino Jehovha ari kuitei?

9 Pari zvino, Jehovha ari kuunganidza “zvinhu zvese muna Kristu, zvinhu zviri kudenga nezvinhu zviri panyika.” (VaEf. 1:10) Mashoko ekuti “zvinhu zviri kudenga” anoreva vaya vakazodzwa, vakasarudzwa naJehovha kuti vazotonga naKristu kudenga. Mashoko ekuti “zvinhu zviri panyika” anoreva vaya vachararama nekusingaperi muParadhiso pasi pano. Vashumiri vaJehovha vese ava vari kushanda nesimba kubudisa pachena nhema dzaSatani uye vari kubatsira vamwe kuti vadzidze chokwadi nezvaJehovha.

10. Jehovha ari kubatsira sei vanhu kuti vadzidze chokwadi? (Zvakazarurwa 14:​6, 7)

10 Jehovha ari kuunganidza vanhu vanoda chokwadi. Anoita izvi paanotuma vanhu vake kuti vaite basa rekuparidza pasi rese. Basa iri harisati ramboitwa zvakadaro panyika yese. (Verenga Zvakazarurwa 14:​6, 7.) Kunyange zvazvo Jehovha ari kushandisa vanhu kuti vaudze vamwe mashoko akanaka, ngirozi dzine zvadziri kuitawo pakubatsira vanhu kuti vauye muungano. Vanhu vaMwari pavanoparidza chokwadi nezvake, vanobatsirawo vanhu kuona kuti Dhiyabhorosi ari kushandisa zvitendero zvenhema kuti zvidzidzise nhema nezvaJehovha. (Zvak. 18:​2, 4) Munguva pfupi iri kuuya, zvitendero zvese zvenhema zvichaparadzwa, uye vanhu vese vanoda Jehovha, Mwari anotaura chokwadi, vachamupa rukudzo rwaakakodzera.—Zvak. 17:16.

11. Tinoziva sei vanhu vari kunamata Jehovha zvepachokwadi?

11 Jehovha ari kuita kuti vanhu vakasiyana-siyana uye vanobva kumarudzi ese vauye musangano rake. (Zvak. 7:​9, 10) Pavanonzwa “mashoko akanaka,” vanobva vaona kuti zvavari kudzidziswa ndezvechokwadi uye izvozvo zvinoita kuti vabatane nevanhu vaJehovha. (Mako 13:10) Iye zvino zvatowedzera kuva pachena kuti ndivanaani vari kunamata Jehovha zvepachokwadi uye kuti ndivanaani vasiri. Muprofita Maraki akati: “Muchaonazve kusiyana kwemunhu akarurama nemunhu akaipa, kwemunhu anoshumira Mwari neasingamushumiri.” (Mar. 3:18) Mararamiro anoita vashumiri vaJehovha uyewo kuparidza kwavanoita, zvinonyatsoratidza pachena kuti vari kunamata Mwari anotaura chokwadi.

12. Basa rekuparidza rinobatsira sei pakuzadzisa chinangwa chaJehovha?

12 Patinoparidza “mashoko akanaka eUmambo,” tinenge tichiteerera zvatakaudzwa naJesu kuti tiite uyewo tinenge tichitozadzisa uprofita. (Mat. 24:14; 28:​18-20) Basa iri riri kubatsira vanhu vakawanda pasi rese kuti vave vadzidzi vaKristu zvoita kuti vazokwanisa kunamata Jehovha nekusingaperi. Tinotenda chaizvo kuti Jehovha akatikudza nekutibvumirawo kuti tiite basa iri rinobatsira pakuzadzisa chinangwa chake.

JEHOVHA HAAMBOTADZI KUZADZISA ZVAAKAVIMBISA

13. Ndivanaani vari kunyanya kurwiswa naSatani, uye nei achivarwisa?

13 Satani Dhiyabhorosi akatsamwa chaizvo nekuti anoziva kuti ‘pasara nguva pfupi’ kuti nyika yake iparadzwe. (Zvak. 12:​12, 13) Anonyanya kurwisa vakazodzwa, nekuti “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rekupupura nezvaJesu.” (Zvak. 12:17; 14:12) Anorwisawo vese vanotsigira vakazodzwa.

14. Chii chichaitika vanhu vanotsigira Satani pavacharwisa vanhu vaJehovha? (Onawo mufananidzo.)

14 Pashure pekuparadzwa kweBhabhironi Guru, vanhu vanotsigira Satani vacharwisa vanhu vaJehovha. Izvozvo zvichabva zvaita kuti hondo yeAmagedhoni itange. (Zvak. 16:​13, 14, 16) Jesu nemauto ekudenga vachapindira vonunura vanhu vaJehovha uye vachaparadza vese vanotsigira Satani vanenge vasara panyika. (Zvak. 19:​19-21) Izvi zvinoreva kuti panyika pachange pasisina vanhu vanoreva nhema, vanhu vakaipa uye vanyengeri. (Zvak. 21:8) Munhu wese achabva aziva kuti Jehovha anogara achiita zvakanaka uye anogara achitaura chokwadi.

Jesu neuto rake rekudenga vakatasva mabhiza machena vachirwisa masoja ari panyika. Jesu akakunga uta hwake uye dzimwe ngirozi dzakabata mapakatwa.

Jesu aine mauto ekudenga paAmagedhoni achiuya kuzoparadza vavengi vaMwari (Ona ndima 14)


15. Chii chinoita kuti tinyatsova nechivimbo chekuti Jehovha achazadzisa zvaakavimbisa? (Isaya 65:​16, 17) (Onawo mufananidzo.)

15 Mazuva ano vanhu havana kutombobatana uye zviri kutoramba zvichiwedzera. Asi vashumiri vaMwari vari kubatsirwa naJehovha kuti varambe vakabatana. Jehovha ari kuunganidza vanhu musangano rake uye hapana chinomutadzisa kuti akomborere vanhu vake uye basa ravari kuita. Saka tinoziva kuti zvaakavimbisa mune ramangwana achatozvizadzisa. (Verenga Isaya 65:​16, 17.) Nei tiine chivimbo chekuti achazadzisa zvaakavimbisa? Nekuti muapostora Pauro akataura pana VaRoma 8:​38, 39 kuti: “Rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvizokwanisi kutiparadzanisa nerudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.”

Vabereki vari kufara nevana vavo vakagara pavharanda. Nechekumberi kwavo kune miti, maruva nemakomo zvinoyevedza uye panewo chipembere chiri kufura.

Munyika itsva, hatizomboyeuki matambudziko atiri kusangana nawo iye zvino (Ona ndima 15)


16. Nei uchinyatsovimba naJehovha nemwoyo wese?

16 Tinonyatsovimba naJehovha Mwari anotaura chokwadi nekuti ndiye Musiki wedu. Anotida zvisingaiti. Iye zvino ari kuunganidza vanhu pasi rese kuti vauye kuzomunamata. (Isa. 60:22; Zek. 8:23) Tinozivawo kuti achazadzisa zvese zvaakavimbisa uye achabvisa Satani oita kuti tisakanganiswa nenhema dzake. Saka tinonyengetera sezvakaitwa naDhavhidhi tichiti: “Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, . . . iye ega anoita zvinhu zvinoshamisa. Zita rake rinokudzwa ngarirumbidzwe nekusingaperi, uye kubwinya kwake ngakuzadze nyika yese.”—Pis. 72:​18, 19.

UCHIRI KUYEUKA HERE?

  • Nei tichikwanisa kuvimba naJehovha?

  • Jehovha achagumisa sei nyika yaDhiyabhorosi, uye zvii zvaari kutoita iye zvino kuti azadzise chinangwa chake?

  • Nei uchinyatsovimba kuti Jehovha haambotadzi kuzadzisa zvaakavimbisa?

RWIYO 2 Jehovha Ndiro Zita Renyu

a Hatizivi kuti ngirozi iyi yainzi ani isati yapanduka. Bhaibheri parinotaura nezvayo rinongoshandisa mashoko akadai sekuti “Dhiyabhorosi” kana kuti “Satani.” Shoko rekuti “Dhiyabhorosi” rinoreva kuti Mucheri uye rekuti “Satani” rinoreva kuti Mupikisi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe