RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 April pp. 14-19
  • Mazano Achatibatsira Patinenge Tiri Mumatambudziko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazano Achatibatsira Patinenge Tiri Mumatambudziko
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MAONERO ATINOFANIRA KUITA MATAMBUDZIKO
  • MAONERO ATINOITA MATAMBUDZIKO ANOGONA KUTIKANGANISA
  • ZVATINOGONA KUITA PATINENGE TIRI MUMATAMBUDZIKO
  • Matambudziko Ako Ndeekurangwa naMwari Here?
    Mukai!—2009
  • Yeuka Kuti Jehovha Ndiye “Mwari Mupenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Jehovha Anotibatsira Sei Kutsungirira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 April pp. 14-19

JUNE 15-21, 2026

RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!

Mazano Achatibatsira Patinenge Tiri Mumatambudziko

“Kunyange kutambudzika nekunetseka zvichindiwira, ndinoramba ndichida mirayiro yenyu kwazvo.”—PIS. 119:143.

ZVATICHADZIDZA

Tichawana mazano anogona kutibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha takatendeka uye tichifara patinosangana nematambudziko.

1-2. Zvii zvatinofanira kuita kuti tikwanise kutsungirira matambudziko atinosangana nawo? (Onawo mufananidzo.)

UPENYU hwevashumiri vakawanda vaJehovha ‘hwakazara nematambudziko nekusuwa.’ (Pis. 90:10) Vamwe havasi kubatwa zvakanaka nevemumhuri mavo nemhaka yekuti vakasarudza kushumira Jehovha. Vamwewo vari kutambudzwa kana kuti vakatoiswa mumajeri nemhaka yekuti vaiita basa rekuparidza. Vakawanda vari kunetseka neutano kana kuti nemarwadzo anouya nemhaka yekuti vakwegura. Uyewo vamwe vari kurwadziwa nekuti vakafirwa nehama kana kuti shamwari yavo yepedyo kana kuti pane zvimwe zvinhu zvisina kunaka zvakaitika muupenyu hwavo. Ko iwewe, idambudziko ripi rauri kusangana naro riri kuita kuti unetseke? Pasinei nedambudziko raungadaro uri kusangana naro, ziva kuti Jehovha anokukoshesa.

2 Nguva dzese tinofanira kuedza kuona zvinhu sezvazvinoitwa naJehovha. Izvi tinofanira kuzviitawo patinosangana nematambudziko. Nei zvichikosha kuti tidaro? Nemhaka yekuti kana tikasaona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha patinosangana nematambudziko, zvinogona kutiomera kuti tirambe takadzikama uye kuti tizive zvekuita. Tinogona kuzvifananidza neizvi: Kana hwindo remotokari yauri kutyaira rakasviba, zvinogona kukuomera kuti uone zviri kumberi zvoita kuti uzoguma wabondera. Asi kana hwindo racho rakachena, unokwanisa kuziva zvekuita kuti usabondera. Saka munyaya ino tichadzidza (1) maonero atinofanira kuita matambudziko atinosangana nawo, (2) zvinogona kuitika kana tikasaona matambudziko edu semaonerwo aanoitwa naJehovha, uyewo (3) zvatinogona kuita patinenge tiri mumatambudziko.

Murume ari kutyaira mota ine hwindo rakasviba. Anozongoerekana aona kuti mugwagwa wakavharwa.

Kana tikaona matambudziko edu semaonerwo aanoitwa naJehovha zvichatibatsira kuti tizive zvatinofanira kuita kuti tirambe takatendeka kwaari (Ona ndima 2)


MAONERO ATINOFANIRA KUITA MATAMBUDZIKO

3. Nei tichisangana nematambudziko?

3 Tichatosangana nematambudziko munyika ino. Chinoita kuti tisangane nematambudziko ndechekuti tiri kurarama munyika inotongwa naSatani uye tine chivi. Uyewo, sezvatiri kuwedzera kuswedera pedyo nemugumo upenyu huri kuwedzerawo kuoma. Njodzi dzinoitika dzega dziri kungoramba dzichiwedzera uyewo nemhaka yekuti vanhu vakawanda vari kuwedzera kuita zvakaipa, matambudziko evanhu ari kuwedzerawo. (Mat. 24:8; 2 Tim. 3:13) Tinoziva kuti Jehovha achabvisa matambudziko ese mune ramangwana. Asi kana akapindira, obvisa matambudziko ese atiri kusangana nawo iye zvino zvinenge zvichiita sekuti ari kutobatsira Satani kutonga nyika. Saka chero bedzi Satani ari iye ari kutonga nyika ino, tichatosangana ‘nematambudziko.’—Mup. 9:​12, mashoko emuzasi.

4. Chii chimwe chinoita kuti tisangane nematambudziko?

4 Tinosanganawo nematambudziko nekuti tiri vaKristu. Jesu aigara achiudza vadzidzi vake kuti vaizotambudzwa nemhaka yekuti vakasarudza kumutevera. (Mat. 24:9; Joh. 16:2) Saka nesuwo kana tikatanga kutambudzwa, hazvitivhundutse nekuti ndizvo zvakataurwa naJesu kuti zvaizoitika. Asi tinotoramba takatendeka. (1 VaT. 3:​3, 4) Kana tikaramba takatendeka kunyange zvazvo zvinhu zvakatiomera muupenyu, tinoziva kuti tichawana upenyu husingaperi. Uyewo, kana tikaramba takatendeka, tinenge tichiratidza kuti tasarudza kunamata Jehovha uye kuti ndiye watinoda kuti ave Mutongi wedu. Tinenge tichiratidzawo kuti Satani murevi wenhema. Satani anoti vanhu vanonamata Jehovha nemhaka yekuti vane zvavanenge vachida kwaari kwete nemhaka yekuti vanomuda. Ndokusaka achirwisa vanhu vaMwari nekuti anoti kana vakaomerwa, vanosiya Jehovha. (Job. 1:​9-11) Saka patinoramba takatendeka nemhaka yekuti tinoda Jehovha, Jehovha anofadzwa nazvo.—Zvir. 27:11.

5. Tinodzidzei pana Muparidzi 7:​13, 14? (Onawo mifananidzo.)

5 Jehovha anobvumirawo kuti tisangane nematambudziko. Jehovha haana utsinye uye haambotiitiri zvakaipa. (Jak. 1:13) Asi Mambo Soromoni akanyora kuti “zuva redambudziko” ‘ibasa raMwari wechokwadi.’ (Verenga Muparidzi 7:​13, 14.) Airevei? Aisareva kuti Jehovha ndiye anokonzera matambudziko edu. Asi aireva kuti Jehovha anobvumira matambudziko iwayo kuti aitike. Saka zvii zvatinogona kudzidza kubva pana Muparidzi 7:​13, 14? Pane zvinhu zviviri. Chekutanga, tinofanira kuziva kuti munyika ino yatiri kurarama iri kutongwa naSatani dzimwe nguva zvinhu zvichatifambira zvakanaka uye dzimwe nguva hazvisi kuzotifambira zvakanaka. Kana zvinhu zvichitifambira zvakanaka, ngatitendei Jehovha nekuti zvipo zvese zvakanaka zvinobva kwaari. Chechipiri, Soromoni aitiyeuchidza kuti ‘hatizivi zvichaitika kwatiri mune ramangwana.’ Saka hatigoni kuziva kuti ndepapi zvinhu pazvichatifambira zvakanaka kana kuti ndepapi patichazosangana nematambudziko. Munhu wese anosangana nematambudziko asingamatarisiri pasinei nekuti anoita zvakanaka here kana kuti anoita zvakaipa.

Mifananidzo: Murume ane gadheni rake. 1. Achifara paanokohwa madomasi ake. 2. Achirwadziwa nekuti madomasi ake haana kuita zvakanaka.

Tinofanira kugara tichiyeuka kuti dzimwe nguva zvinhu zvichatifambira zvakanaka, asiwo dzimwe nguva hazvisi kuzotifambira zvakanaka nekuti tiri kurarama munyika yaSatani (Ona ndima 5)


6. Nei Jehovha achibvumira kuti tisangane nematambudziko? (VaHebheru 12:​7, 11)

6 Patinenge tiri mumatambudziko, zvinotipa mukana wekudzidza kuvimba naJehovha pane kuti tiedze kugadzirisa dambudziko racho tiri tega. Jehovha anoona zvese zvinoitika kwatiri. Anorwadziwa paanoona tichitambura uye achatibatsira nguva dzese. Kunyange patinosangana nedambudziko rinoita kuti titambure zvisingaiti, Jehovha anotibatsira kuti tizive zvekuita. Anoramba achitiratidza kuti anotida uye anotipa simba rekutsungirira matambudziko acho. (Pis. 23:4) Matambudziko anogona kutibatsira kuona patiri kufanira kugadzirisa paunhu hwedu uye Jehovha anobva atibatsira kuti tipagadzirise. (Verenga VaHebheru 12:​7, 11.) Izvi ndizvo zvakaitika kuna Jobho. Paakasangana nematambudziko muupenyu hwake, akaona kuti aifanira kuwedzera kuzvininipisa. Jehovha haasi iye akaita kuti Jobho asangane nematambudziko aakasangana nawo, asi akamabvumira kuti aitike uye akatozoshandisa mukana wacho kuti abatsire Jobho kuvandudza unhu hwake. (Job. 42:​1-6) Saka tinoziva kuti kana Jehovha akabvumira kuti tisangane nematambudziko muupenyu hwedu, iye achatibatsira kuti tirambe takatendeka kwaari uye haambotadzi kutipa mubayiro.—VaR. 8:​35-39.

7. Zvinoita here kuti munhu arambe achifara paanenge achitambudzwa? Tsanangura.

7 Tinogona kufara pasinei nekutambudzwa. Kana uri kutambudzwa nemhaka yekuti unoshumira Jehovha, usafunga kuti Jehovha haachakufariri. Kutambudzwa ikoko kunotoratidza kuti Jehovha anokufarira. (Mat. 5:​10-12) Kana tikagara tichiyeuka izvozvo, zvichaita kuti tirambe tichifara uye tisazvitarisira pasi. Izvi ndizvo zvakaitwa nevaapostora pavaitambudzwa. (Mab. 5:​40-42) Uyewo, vamwe vasiri Zvapupu pavanotiona tichiramba takatendeka pasinei nekutambudzwa, zvinogona kuita kuti vade kudzidza chokwadi, “vokudza Mwari.” (1 Pet. 2:12) Chimbofunga nezvaJosefa. Paakakomborerwa naJehovha akanga achiri mujeri. Ndizvo zvinogona kuitwawo naJehovha kwatiri. Anogona kutotikomborerawo matambudziko edu asati apera.—Gen. 39:​3, 23.

8. Chii chichatibatsira kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha patinenge tichisangana nematambudziko?

8 Matambudziko edu achapera. Nyaya yaJobho inotiyeuchidza kuti matambudziko edu achazongopera chete. Bhaibheri rinototi: “Jehovha akakomborera makore ekupedzisira eupenyu hwaJobho kupfuura ekutanga.” (Job. 42:12) Ndizvo zvichaitwawo naJehovha kwatiri. Anotivimbisa upenyu husingaperi uye upenyu hwacho huchange hwakanaka chaizvo kupfuura upenyu hwakazara nhamo nematambudziko hwatiri kurarama mazuva ano. Dai izvozvo zvikaita kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha kusvika pamugumo.—Mat. 24:13.

MAONERO ATINOITA MATAMBUDZIKO ANOGONA KUTIKANGANISA

9. Maonero atinoita matambudziko anogona kutikanganisa sei?

9 Maonero atinoita matambudziko atinosangana nawo anogona kutikanganisa. Anogona kutikanganisa sei? Tinogona kutanga kufunga kuti Jehovha ndiye ari kukonzera matambudziko edu. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Jobho. Pane imwe nguva, akatanga kufunga kuti Jehovha ndiye aikonzera matambudziko ake uye izvozvo zvakaita kuti aedze “kuzviita akarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.” (Job. 32:2) Ndizvo zvakaitikawo kuna Naomi paakasangana nematambudziko. Akatanga kufunga kuti Jehovha ndiye aimakonzera. (Rute 1:​13, 20, 21) Kudai Jobho naNaomi vakaramba vaine mafungiro iwayo, vaigona kutozopedzisira varegedza kushumira Jehovha. (Zvir. 19:3) Asi Jehovha akavabatsira kuti vanzwisise kuti haasi iye aikonzera matambudziko avo, uye akatovakomborera nekuti vakaramba vakatendeka kwaari.

10. Tinogona kutanga kufungei patinosangana nematambudziko?

10 Kunyange kana tichinyatsoziva kuti Jehovha haasi iye anokonzera matambudziko edu, tinogona kutanga kufunga kuti haasisina basa nesu. Mafungiro iwayo anogona kuita kuti titange kuora mwoyo, zvotipedza simba pakushumira Jehovha. (Zvir. 24:10) Mambo Dhavhidhi nemuprofita Habhakuki pavakasangana nematambudziko vakambofunga kuti Jehovha akanga asiri kupindura minyengetero yavo. (Pis. 10:1; Hab. 1:2) Asi vakaramba vachinyengetera uye Jehovha akapindura minyengetero yavo, akavabatsira. Jehovha achakubatsirawo paunosangana nematambudziko.—Pis. 10:17.

11. Maonero atinoita matambudziko anogona kutikanganisawo sei?

11 Maonero atinoita matambudziko anogona kutikanganisawo pakuti tinogona kutanga kufunga kuti hatifaniri kusangana nematambudziko. Saka patinozosangana nematambudziko tinogona kutanga kunetseka kuti nei zviri kuitika kwatiri. (1 Pet. 4:12) Ndizvo zvaiitika kuvadzidzi vaJesu. Zvakanga zvakavaomera kubvuma kuti Jesu aizotambura ofa. (Ruka 18:​33, 34) Petro akatombotaura kuti Jesu aisafanira kusangana nematambudziko kunyange zvazvo Jesu akanga atsanangurira vadzidzi vake kuti ndizvo zvaizoitika kwaari. Jesu aiziva kuti kwaiva kuda kwaMwari kuti atambure ofa uye aida kuteerera Jehovha. Saka kudai aifunga sezvaifungwa naPetro, zvaigona kumukanganisa kuita kuda kwaMwari. Saka akatsiura Petro. (Mako 8:​31-33) Uye kunyange Jesu afa, vadzidzi vake vakanga vasati vanzwisisa chikonzero nei akanga aurayiwa. Asi Jesu aivada uye akaramba achivabatsira. Jesu paakamutswa, akavabatsira kunzwisisa chikonzero nei aifanira kutambura. Akataura navo ‘mumugwagwa achinyatsovatsanangurira Magwaro.’ (Ruka 24:​25-27, 32, 44-48) Kufungisisa zvavakanga vadzidziswa naJesu, kunofanira kunge kwakavabatsira kuti vagadzirire kupikiswa kwavakazoitwa. Nesuwo kana tikafungisisa zvinotaurwa neBhaibheri nezvekupikiswa kana kuti matambudziko atinosangana nawo, zvichatibatsira kuti tisazovhunduka patinosangana nematambudziko.

12. Kana maonero atinoita dambudziko akasiyana nemaonerwo arinoitwa naJehovha, tinogona kupedzisira tava kunzwa sei?

12 Kana maonero atinoita dambudziko akasiyana nemaonerwo arinoitwa naJehovha, tinogona kutanga kufunga kuti hatisi kubatwa zvakanaka kana kutoona dambudziko racho serakakura kupfuura zvariri. Izvozvo ndizvo zvakaitika kune vamwe vanhu vakataurwa naJesu mumufananidzo wake wevashandi vemumunda wemuzambiringa. Vamwe vashandi havana kufara nekuti havana kupiwa mubhadharo wavaifunga kuti vaifanira kuwana, asi tenzi wavo akaudza mumwe wavo kuti: “Shamwari, hapana chandakutadzira.” (Mat. 20:​10-13) Kuchema-chema kwaiita vashandi ava kwaisabva pakuti vakanga vasina kubatwa zvakanaka asi kwaibva pakuti vane zvavaifunga kuti ndizvo zvavaifanira kuitirwa. Izvozvo zvakatomboitikawo kune vamwe vaKristu mazuva ano pavakanzi vasiye kuita rimwe basa ravaiita muungano kana kuti pavasina kuwana imwe ropafadzo yavaida. Vakatanga kufunga kuti vakanga vasina kubatwa zvakanaka. Saka patinenge tiri mudambudziko, zvii zvatingaita kuti maonero edu afanane nemaonero anoita Jehovha?

ZVATINOGONA KUITA PATINENGE TIRI MUMATAMBUDZIKO

13. Chii chinogona kuitika patinosangana nematambudziko?

13 Sevashumiri vaJehovha, tinoziva zvikonzero nei tichisangana nematambudziko. Uye tinogona kunge takaverengera vanhu vakawanda mavhesi ari muBhaibheri anotsanangura nyaya yacho tichiedza kuvanyaradza. Asi patinenge tiri mudambudziko, zvinogona kutiomera kuti tive nemaonero aJehovha. Tinogona kutanga kufunga kuti Jehovha ari kutiranga kana kuti haasi kupindura minyengetero yedu. Tingaita sei kuti tirambe tiine maonero aJehovha patinenge tiri mudambudziko?

14. Chii chaunogona kunyengeterera paunenge uchisangana nematambudziko? (VaFiripi 4:13)

14 Kumbira Jehovha kuti akubatsire. Udza Jehovha kuti uri kusangana nedambudziko rakaita sei uye kuti dambudziko iroro riri kuita kuti unzwe sei. Unogona kutomuudzawo kuti ungada kuti akubatsire sei. Unogona kutokumbirawo Jehovha kuti akupe mweya wake mutsvene. Mweya mutsvene unotibatsira kuti tive nesimba rekutsungirira matambudziko uyewo kuti tizive zvekuita patinenge tasangana nawo. Asi yeuka kuti Jehovha anogona kupindura minyengetero yako nenzira yausiri kutarisira. (VaEf. 3:20) Anogona kukubatsira achishandisa ngirozi kana kuti hama nehanzvadzi dzako. (Pis. 34:7) Saka edza kuona kuti Jehovha ari kukubatsira sei pauri mudambudziko uye mutende nerubatsiro rwaari kukupa. Ziva kuti Jehovha anogona kukupa mweya mutsvene unoenderana nedambudziko chero ripi zvaro rauri kusangana naro.—Verenga VaFiripi 4:13.

15. Chii chichakubatsira kuti utsungirire matambudziko? (Onawo mufananidzo.)

15 Gara uchiita zvekunamata. Mamiriro ako ezvinhu anogona kuita kuti usakwanisa kuita zvakawanda sezvawaimboita kare, asi shanda nesimba kuti uite zvawava kukwanisa kuita. Panguva yaunenge uri mumatambudziko, ndipo paunofanira kutoshanda nesimba kuti uve nemaonero aJehovha. (Pis. 119:143) Saka verenga Bhaibheri zuva rega rega, wana nguva yekurifungisisa, uye tsvakurudza kuti zvarinotaura zvinoshanda sei muupenyu hwako. Shanda nesimba muushumiri zvichienderana nemamiriro ako ezvinhu. Gara uchipinda misangano uye uchipindura pamisangano yacho. Dzimwe nguva unogona kunzwa usingadi kutaura nevamwe vanhu. Pakadaro, shanda nesimba kuti usazviparadzanisa nehama nehanzvadzi dzako uye gara uchitaura nadzo.—Zvir. 18:1.

Hama iri kuteerera misangano iri pamubhedha muchipatara. Yakavhura Nharireyomurindi neBhaibheri.

Pasinei nematambudziko auri kusangana nawo, ita zvese zvaunogona kuti urambe uine ushamwari hwepedyo naJehovha (Ona ndima 15)


16. Kana ukasangana nematambudziko, unogona kutanga kufungei, asi chii chichakubatsira? (2 VaKorinde 10:​4, 5)

16 Shandisa Bhaibheri kuti ugadzirise mafungiro ako. Dzimwe nguva patinosangana nematambudziko tinogona kunge tiine pfungwa ‘dzakadzika midzi’ matiri dzinoita kuti tipedzisire tava nemaonero asina kunaka nezvedambudziko racho kana kuti Jehovha. Kana zvakadaro, chii chichakubatsira kuti ugadzirise mafungiro aya asina kunaka? (Verenga 2 VaKorinde 10:​4, 5.) Kana tikaverenga Bhaibheri uye mabhuku anobudiswa nesangano, zvichatibatsira kugadzirisa maonero atinoita Jehovha uye dambudziko redu. Ngatitii unombofunga kuti Jehovha haachakufariri. Unogona kuongorora zvakaitika kune muapostora Pauro. Paaiita ushumiri hwake, akasangana nematambudziko akakura asi akakwanisa kuramba achiparidza achishingaira pasinei nematambudziko aaisangana nawo. Izvi zvakaita kuti anyatsova nechokwadi chekuti Jehovha naJesu vaimufarira. (2 VaK. 11:​23-27) Kana kuti ngatitii unombofunga kuti Jehovha haana kuregerera zvivi zvawakaita kare. Kana zvakadaro, nyora pasi mavhesi emuBhaibheri anotiratidza kuti Jehovha anoregerera zvivi. (Isa. 43:25) Chibva waverenga mavhesi acho, wofungisisa zvawaverenga. (Pis. 119:97) Kana kuti ngatitii pane zvimwe zvinhu zvakaipa zvaitika kwauri kana kuti kune mumwe munhu wepedyo. Unogona kutanga kunetseka kuti sei Jehovha azvisiya zvichiitika. Kana zvakadaro, tsvakurudza mumabhuku edu kuti sei Jehovha achisiya zvakaipa zvichiitika kwatiri. Unogonawo kutsvakurudza kuti uone kuti anotichengetedza sei kuti tirambe tiine ushamwari hwakasimba naye pasinei nezvatinenge tasangana nazvo. (Pis. 91:​9-12) Uyewo, unogona kuverenga nyaya dzehama nehanzvadzi dzakasangana nematambudziko akakura asi dzakaramba dzichishumira Jehovha dzichifara.a

17. Chii chatinofanira kuita patinosangana nematambudziko?

17 Kana zvinhu zviri kukufambira zvakanaka, rumbidza Jehovha uye mutende nezvinhu zvakanaka zvaari kukupa. (Mup. 7:14) Asi kana uri kusangana nematambudziko, ramba uchiona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha uye vimba naye nemwoyo wese. Kana ukadaro, Bhaibheri rinoti Jehovha ‘achaitawo nzira yekubuda nayo kuti ukwanise kutsungirira.’ (1 VaK. 10:13) Asi ko tingabatsira sei hama nehanzvadzi dzedu kana dzikasangana nematambudziko? Izvozvo tichazvikurukura munyaya inotevera.

UCHIRI KUYEUKA HERE?

  • Chii chinogona kutibatsira kuti tione matambudziko edu semaonerwo aanoitwa naJehovha?

  • Kana tikasaona matambudziko edu semaonerwo aanoitwa naJehovha, zvinogona kutikanganisa sei?

  • Zvii zvatinofanira kuita patinenge tiri mumatambudziko?

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

a Unogona kuverenga nyaya yeupenyu yaHama David Maza ine musoro unoti, “Mhuri Inofara Yakasangana Nedambudziko Ikarikunda” inowanikwa pajw.org. Nyaya yacho inotaura kuti Hama Maza nemhuri yavo vakaita sei pavakafirwa nemwanakomana wavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe