RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 April pp. 2-7
  • Jehovha Akandidzidzisa Kubvira Ndichiri Mudiki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Akandidzidzisa Kubvira Ndichiri Mudiki
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • JEHOVHA AKARAMBA ACHINDIDZIDZISA
  • KUPAYONA KWAKAITA KUTI NDIWANE MAKOMBORERO AKAWANDA
  • KUENDESWA KUSENEGAL
  • KUPAYONA MUPUROVHINZI yeNEW BRUNSWICK UYEWO yeQUEBEC
  • HANDIKANGANWE VAYA VAISHANDA NESIMBA
  • ZVANDAKADZIDZA KUBVA KUNE VAMWE
  • KUENDA kuUNITED STATES
  • Zvandakadzidza Kune Vamwe Zvakaita Kuti Ndiwane Makomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kuva Nehanya Nevamwe Kunounza Makomborero Asingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Kusarudza Zvakarurama Kwakaita Kuti Ndikomborerwe Kwoupenyu Hwose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Ndakatsunga Kusashayisa Maoko Angu Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 April pp. 2-7
Hama David Splane vari muhofisi mavo.

NYAYA YEUPENYU

Jehovha Akandidzidzisa Kubvira Ndichiri Mudiki

YAKATAURWA naDAVID SPLANE

NDAKARAMBA ndakatarisa kapepa kandainge ndapiwa neimwe hama. Pakapepa ikako pakanga pakanyorwa mashoko ekuti, “David Splane, 8 April 1953: ‘Kuparidza Nezvekuguma Kwenyika.’” Saka ndakabvunza kuti, “Chii ichi?” Hama yacho ikapindura kuti, “Ndiyo hurukuro yauchapa paChikoro chaMwari Choushumiri.”a Ndakabva ndati, “Aa! Handina kumbonyoresa kupa hurukuro ini!”

Asi ndisati ndaenderera mberi, regai ndimbokuudzai nhoroondo yeupenyu hwangu. Ndakaberekwa muguta rinonzi Calgary, riri muCanada, Hondo Yenyika Yechipiri payaitsviriridza. Makore ekuma1940 ava kunopera, imwe hama yechidiki yaipayona yainzi Donald Fraser yakauya pamba pedu ichiparidza uye amai vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Vainakidzwa chaizvo nezvavaidzidza muBhaibheri asi nemhaka yekuti panguva iyoyo vairwara, vakanga vasingakwanise kupinda misangano nguva dzese. Urwere hwavo hauna kuvatadzisa kufambira mberi. Vakabhabhatidzwa muna 1950. Asi pasina makore maviri vabhabhatidzwa, vakabva vashaya. Baba vangu vakanga vasati vava Chapupu asi vakabvuma kuti imwe hama yemuungano ipe hurukuro yemariro.

Papera mazuva mashoma, imwe hanzvadzi yainzi Alice yakandikoka kuti ndipinde misangano. Alice aiva mumwe wevakazodzwa. Aindiziva nekuti ndaimboenda kumisangano yekupera kwevhiki naamai vangu pavainge vachikwanisa. Ndakakumbira baba kuti ndiende uye vakabvuma. Vakatoti tiende tese. Ivo vaida kungoenda kamwe chete kuti vanotenda hama yakanga yapa hurukuro yemariro aamai vangu. Musi iwoyo paiitwa Chikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa. Baba vakanakidzwa chaizvo nemusangano iwoyo nekuti vakanga vaita kosi yekudzidzira kutaura paruzhinji. Saka kubvira ipapo vakanga vava kupinda musangano iwoyo vhiki rega rega. Nekufamba kwenguva vakatanga kupinda misangano yese.

Mumazuva iwayo, muranda weChikoro chaMwari Choushumiri aitanga nekushevedzera mazita ehama dzainge dzakanyoresa pachikoro ichocho. Uye mumwe nemumwe wavo paainzwa zita rake richishevedzerwa, aipindura achiti, “Ndiripo.” Mumwe musi ndakakumbirawo hama yaiitisa chikoro kuti zita rangu rizoshevedzerwa pamusangano waitevera. Hama yacho yakanditenda chaizvo, asi haina kundibvunza kuti ndainyatsonzwisisa here kuti zvairevei.

Ndakanga ndisingazivi kuti pandakaita izvi ndakanga ndatonyoresa kupa hurukuro pachikoro. Ndaingoda kuti zita rangu ringoshevedzerwa chete. Saka vhiki rakatevera zita rangu parakashevedzerwa ndakafara uye ndakapindura kuti, “Ndiripo.” Pakapera musangano hama nehanzvadzi dzakauya dzichinditenda. Papera mavhiki, ndakabva ndapiwa kapepa kehurukuro kandambotaura nezvako patangira nyaya ino.

Kutaura chokwadi zvakanga zvakaoma! Kwakanga kusina hurukuro yekuverenga Bhaibheri saka vadzidzi vaifanira kugadzirira hurukuro isingapfuuri maminitsi 8 asi isiri pasi pemaminitsi 6. Baba vangu vakandibatsira kuigadzirira. Vakaita kuti ndiidzidzire ka20 ndisati ndaipa. Ndapedza kuipa, muranda weChikoro chaMwari Choushumiri akandibatsira kuona pandaifanira kugadzirisa. Ndinotenda Jehovha kuti mumakore ese aya, akandidzidzisa zvinhu zvakawanda achishandisa baba vangu, hama nehanzvadzi dzemuungano uyewo sangano rake.

JEHOVHA AKARAMBA ACHINDIDZIDZISA

Pandakatanga kuparidza, Alice uya wandambotaura nezvake ndiye akandidzidzisa kuti zvinoitwa sei. Mumazuva iwayo taiwanzonzi tiverengere saimba mavhesi 3 tobva tamupa bhuku. Alice aiti kana ndiri ini ndava kufanira kuparidza pane imwe imba, aitanga kukurukura nemunhu wacho, obva anditi ndiverenge vhesi rekutanga. Kana ndapedza, ndaizoenderera mberi nemharidzo yacho, ndoverenga vhesi rechipiri nerechitatu ndobva ndapa munhu wacho bhuku. Ndakazopedzisira ndava kutogona kutanga kukurukura nevanhu. Asi baba pavakazobhabhatidzwa gore ra1954 rava kunopera, ndivo vakanga vava kundidzidzisa kuparidza. Kunyange zvazvo baba vangu vakandirera vari vega, vakaita zvese zvavaikwanisa kuti vandibatsire kuda Jehovha. Vaikoshesa chaizvo kupinda misangano uye basa rekuparidza, saka ndaitoziva kuti hatirovhi misangano uye taienda kunoparidza kupera kwevhiki rega rega.

Mumakore 12 andaiva kuchikoro, ndakadzidza zvakawanda zvakazondibatsira muupenyu. Ndakasvika pakunyatsonzwisisa masvomhu (Maths) uye Chirungu. Kudzidza kwandakaita Chirungu kuri kundibatsira chaizvo mubasa randiri kuita muDhipatimendi Rekunyora.

Ndinowanzobvunzwa nevanhu kuti chii chakaita kuti ndizotanga kufarira zvemimhanzi. Inyaya yekuti vabereki vangu vaifarirawo zvemimhanzi. Pandaiva nemakore 7 ndakatombodzidzira kuridza piyano. Asi munhu aindidzidzisa akaona kuti ndakanga ndisingagone saka akaudza baba vangu kuti ndisiyane nazvo. Chokwadi chiripo ndechekuti panguva iyoyo ndaisafarira zvekuridza piyano.

Papera mwedzi mishoma, baba vangu vakatsvaga mumwe munhu kuti andidzidzise kuridza piyano uyewo kuimba. Ndakasvika pakugona zvese zvekuti ndakatohwina mamwe makwikwi ataiita. Basa randaizoda kuita ndakura raiva rekudzidzisa vanhu mimhanzi kuti ndikwanise kuwana mari yandaizoshandisa pakupayona. Saka ndakatanga kuita dhigirii remimhanzi. Asi ndakazoona kuti zvaizonditorera nguva yakawanda ndichidzidza uye ndichigadzirira bvunzo dzacho. Saka ndakazosiyana nazvo ndikatanga kupayona muna 1963.

KUPAYONA KWAKAITA KUTI NDIWANE MAKOMBORERO AKAWANDA

Pashure pegore ndichipayona, ndakagadzwa sapiyona chaiye uye ndakanzi ndinoshandira kune rimwe taundi riri kuOntario rinonzi Kapuskasing. Hama yandaipayona nayo yainzi Daniel Skinner uye aiva mukuru chaizvo kwandiri. Ndakagadzwa kuti ndishande muDare Rebasa Reungano ndiine makore 20. Saka ndaisaziva zvakawanda. Asi Daniel Skinner akandidzidzisa kuti zvinhu zvinofambiswa sei muungano. Ndiri kufara kuona sangano richikoshesa zvakare nyaya iyi yekudzidzisa vechidiki mabasa. Kana vechidiki ava vakashanda nesimba, Jehovha anogona kutovapa mabasa akawanda kunyange vachiri vadiki.

Dzimwe nguva kuKapuskasing kwaisararamika. Munguva yechando kwaitonhora zvisingaite. Uye kazhinji taitofanira kufamba netsoka kwese kwataienda. Kunyange zvazvo zvinhu zvakanga zvakaoma kuKapuskasing pane zvimwe zvinhu zvakanaka zvakaitika zvakadai sekuonana neimwe hanzvadzi yainzi Linda Cole. Linda ndiye wandakazoroorana naye.

Linda aifarira chaizvo basa rekuparidza uye aiwanzodzokera kune vanhu vakawanda vanenge varatidza kufarira. Aivawo munhu akanaka, asinganyimi uye anoda vanhu. Amai vake vainzi Goldie uye baba vake vainzi Allen. Aiva nehanzvadzi mbiri, John naGordon. Amai vake vaishumira Jehovha vakatendeka asi pakutanga baba vake vaisafarira Zvapupu. Goldie aienda nevana kumisangano uye akavadzidzisa kuparidza pasinei nekuti murume wake aimupikisa. Zvakaitwa naGoldie zvakabatsira nekuti iye nevana vake vese vakatombopayona. Pashure pemakore akawanda, Allen akazova Chapupu chaJehovha uye akashanda nesimba achiita mabasa akasiyana-siyana muungano.

Muna 1965, ndakashevedzwa kuBheteri rekuCanada kuti ndipinde Chikoro Choushumiri hwoUmambo chaiitwa kwemwedzi mumwe chete. Ndiri kuchikoro ichocho ndakapiwa fomu reGiriyedhi. Ndakanga ndisina pfungwa dzekuita mumishinari nekuti ndaiona sekuti handizvikwanisi. Asi ndakanyorera kuti ndipinde chikoro chacho uye ndakashamisika pandakatozoshevedzwa kukirasi yechi42. Varayiridzi vedu vekuGiriyedhi vaigara vachitiudza zvataigona uye zvataifanira kugadzirisa. Kubvira pakutanga chaipo varayiridzi vedu vaindikurudzira kuti ndizive zvakawanda nezvesangano. Iroro raiva zano rakanaka chaizvo nekuti ndaingova nemakore 21 pandakapinda chikoro ichi.

KuGiriyedhi takaita kosi yaitidzidzisa kuti tinofanira kutaura sei nevanhu veredhiyo, vemaTV uyewo vemapepanhau. Kosi iyoyo yaindinakidza chaizvo. Handina kumboziva kuti zvinhu izvozvo zvataidzidza zvaizondibatsira muupenyu. Ndichatsanangura kuti zvakandibatsira sei.

KUENDESWA KUSENEGAL

Mazuva mashoma tapedza chikoro, ini naMichael Höhle, takaenda kuSenegal kwatakanga tanzi tinoshanda semamishinari. Panguva iyoyo kwaingova neZvapupu 100.

Ndisati ndatombosvitsa gore muSenegal, ndakatanga kushanda pahofisi yebazi. Hofisi yacho yaingova kamuri imwe chete pane imwe imba yemamishinari. Vhiki rega rega ndaiva nezuva rimwe chete randainoshanda ikoko. Emmanuel Paterakis uyo aiva muranda webazi, aigara achindiyeuchidza kuti kunyange zvazvo hofisi yebazi yakanga iri diki, yaitomiririra sangano raJehovha muSenegal. Rimwe zuva Hama Paterakis vakafunga kuti tinyorere mamishinari ese tsamba yekuvakurudzira. Panguva iyoyo, taitofanira kunyora tsamba imwe neimwe tichishandisa tapureta (typewriter). Zvakanga zvakaoma nekuti kana ukakanganisa waitofanira kutangidza zvakare.

Paakanga ava manheru ndava kuda kudzokera kuimba yemamishinari yandaigara, Hama Paterakis vakanditambidza tsamba. Vakabva vati, “David, oo tsamba yako yawanyorerwa neSosaiti.” Pandakazoivhura ndakaona kuti ndiyo tsamba yandakanga ndanyora! Izvozvo zvakandidzidzisa kuti ndinofanira kuremekedza sangano pasinei nekuti bazi racho rakakura here kana kuti harina.

Hama Splane nedzimwe hama nehanzvadzi vachinyemwerera vachitorwa pikicha.

Ndiine mamwe mamishinari muSenegal, muna 1967

Ndaiva neshamwari dzakawanda muungano uye ndaiwanzotandara nadzo manheru eMugovera. Handimbofa ndakakanganwa mazuva iwayo. Nanhasi tinotombopota tichitaura nevamwe vacho. Pandaiva kuSenegal ndaitaura chiFrench uye izvozvo zviri kundibatsira chaizvo pandinoshanyira dzimwe nyika dzinotaura chiFrench.

Ini naLinda takatanga kuronga muchato wedu muna 1968. Ndakaita nguva yakareba ndichitsvaga basa kuitira kuti ini naLinda tizokwanisa kupayona muSenegal. Asi zvaisava nyore kuriwana nekuti vanhu vanobva kune dzimwe nyika vaisawanzopiwa mabasa. Pashure pekunge ndadzokera kuCanada takabva tachata uye takanzi tinoshanda semapiyona chaiwo muguta reEdmundston, riri mupurovhinzi inonzi New Brunswick. Purovhinzi yacho yakaganhurana nepurovhinzi yeQuebec.

David naLinda Splane vachinyemwerera. Kumashure kwavo kune maruva.

Pamuchato wedu, muna 1969

KUPAYONA MUPUROVHINZI yeNEW BRUNSWICK UYEWO yeQUEBEC

KuEdmundston kwaisava neZvapupu. Kwaingova nezvidzidzo zveBhaibheri zvishoma. Chechi yeRoma ndiyo yakanga yakabata muguta iri. Dzimba dzakawanda dzaiva nezvikwangwani zvakanzi: “Hatidi Zvapupu zvaJehovha pano.” Mazuva ano tikaona imba ine chikwangwani chakadaro hatiendi pamba yacho. Asi mumazuva iwayo taingoenda zvakadaro. Vhiki rega rega chechi yeRoma yaiisa chiziviso mupepanhau chekuti: “Ngatitsvagei Zvapupu zvaJehovha tizvibuditse muno.” Maingova neZvapupu 4 chete muEdmundston zvinoti inini naLinda uye Victor naVelda Norberg avo vainge vauyawo kuzoshumira ikoko. Saka taiziva kuti vaitaura nezvedu.

Handikanganwi patakashanyirwa nemutariri wedunhu kekutanga tiri kuEdmundston. Pashure pekunge ashanda nesu muushumiri kwevhiki rese, akataura kuti, “Zvimwe zvamungatoita muri kuno kungobatsira vanhu kuti vachinje maonero avanoita Zvapupu zvaJehovha.” Saka ndizvo zvatakaita uye zvakatoshanda! Zvishoma nezvishoma vanhu vakapedzisira vava kuona kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vanozvininipisa uye kuti vakatosiyana zvachose nevakuru vakuru vechechi yeRoma vanozvikudza. Iye zvino matova neungano diki muguta iroro.

Patakanga tava kusvitsa gore tiri muEdmundston, takanzi tinoshanda mune imwe ungano yakakura yaiva muguta rinonzi Quebec City. Takaita mwedzi 6 tiri muungano iyoyo. Taifara chaizvo nehama nehanzvadzi dzemuungano iyoyo nekuti dzaigamuchira vaenzi zvakanaka. Pashure pemwedzi 6 takazonzi tinoshanda mudunhu.

Takaita makore 14 tichishanyira matunhu aiva mupurovhinzi reQuebec. Takanakidzwa zvisingaite! Ndima yekuQuebec yainge yakaorera uye muungano dzataishanyira taiwanzoona muine mhuri dzakawanda dzaidzidza Bhaibheri. Zvainakidza kuona vanhu ivavo vachishandisa zvavaidzidza kuitira kuti vazobhabhatidzwa.

HANDIKANGANWE VAYA VAISHANDA NESIMBA

Hama nehanzvadzi dzinotaura chiFrench dzekuCanada vanhu vasingavanzi zvavari, vanofara uye vanoita zvinhu nemwoyo wese. Nemhaka yeizvi unongonzwa kuvada. Asi zvaisava nyore kuti vave Zvapupu nekuti vaiwanzopikiswa nevemumhuri. Vamwe vechidiki vaitoudzwa nevabereki vavo vasiri Zvapupu kuti, “Kana ukaramba uchidzidza neZvapupu zvaJehovha unobva pano!” Asi vakaramba vakavimbika kuna Jehovha. Ndinofunga kuti Jehovha anodada navo chaizvo.

Handikanganwiwo mapiyona enguva dzose nemapiyona chaiwo aishumira muQuebec. Vazhinji vavo vaibva kune dzimwe nzvimbo dziri muCanada. Vaitofanira kudzidza mutauro wechiFrench uyewo kudzidza nezvevanhu vemuQuebec avo vainge vakanyura muchechi yeRoma.

Mapiyona chaiwo aiwanzoendeswa kunzvimbo dzakanga dzisina Zvapupu. Asi nemhaka yekuti vanhu vaigara kunzvimbo idzodzo vaisafarira Zvapupu, zvakanga zvakaoma kuwana pekugara uyewo twumabasa twaizovararamisa. Zvainge zvakaoma zvekuti kunyange vaya vachangobva kuroorana vaisakwanisa kuwana mari inokwana yekuti vagare pamba pavo vari vega. Saka vaitofanira kubatana nevamwe kuti vabatsirane kubhadhara rendi, zvekuti pamwe pacho vaigara vari 4, vari 6 kana kuti vari 8. Mapiyona aya aishanda nesimba uye ainge akazvipira. Vaiti kana vakatanga kudzidza nemunhu, vaiita zvese zvavanogona kuti vamubatsire kuti afambire mberi. Iye zvino kuQuebec kwava nevaparidzi vakawanda, saka mapiyona akawanda ava kuenda kunoparidza kune dzimwe nzvimbo dzinoda vaparidzi vakawanda.

Pataiva mudunhu, taiwanzobuda nevechidiki Mugovera wega wega. Izvi zvaitibatsira kuti tizive matambudziko avaisangana nawo. Iye zvino vamwe vavo vava kutoshumira semamishinari kune dzimwe nyika uyewo vamwe vane mabasa avari kuita musangano.

Mumazuva iwayo dzimwe ungano dzakanga dzisingakwanise kutibatsira nemari yekutenga peturu uyewo zvekudya. Saka dzimwe nguva paizopera mwedzi tainge tisisina kana mari. Panguva dzakadaro, taitofanira kuvimba naJehovha kuti atibatsire nekuti ndiye ega ainyatsoziva kuti zvinhu zvakanga zvakatimirira sei. Jehovha haana kumbobvira atirasisa nekuti hapana patakambotadza kuenda kune imwe ungano tashaya mari.

ZVANDAKADZIDZA KUBVA KUNE VAMWE

Pandaiva kuQuebec taiva nemikana yakawanda yekuparidza paredhiyo, paTV uye mumapepanhau. Saka ndinotenda chaizvo kuti ndakanga ndadzidza zvinhu izvi pandaiva kuGiriyedhi. Ndaiwanzoshanda naLéonce Crépeault, uyo aive mutariri wedunhu ainyatsogona kutaura nevatori venhau. Paaitaura nevakuru vakuru vevatori venhau, aisashamisira achida kuvaratidza kuti anoziva. Asi aiwanzoti: “Ini nemumwe wangu tinoita basa rekuparidza. Saka zvekutaura paTV, neparedhiyo hatinyatsozvizive. Asi tanzi tiudze vanhu nezvemusangano weZvapupu zvaJehovha watichaita. Mungatibatsirawo here kuti tizive kuti tingazviita sei?” Nemhaka yekuti aiva munhu anozvininipisa, taiwanzowana rubatsiro rwataida.

Bazi rakazonditi ndishande neimwe hama yaiva gweta raishandiswa nesangano. Hama yacho yainzi Glen How uye taishanda panyaya dzemumatare dzakanga dzakaoma. Nyaya dzacho dzaiwanzofarirwa nevanhu vezvenhau. Saka zvinhu zvandakadzidza kuGiriyedhi uyewo zvinhu zvandakadzidza pandaishanda naHama Léonce zvakandibatsira chaizvo kuti ndiite basa rangu. Ndinotenda chaizvo kuti ndakawana mukana wekushanda naHama How. Vaisatya kutaura vachimiririra sangano mumatare uyewo vaida Jehovha zvekuti.

Muna 1985 takanzi tiende kunoshanda mudunhu rakanga riri pedyo nekwaigara baba vangu, kumavirira kweCanada, kuitira kuti tikwanise kuvachengeta. Baba vakazoshaya pashure pemwedzi mitatu. Asi takaramba tichishumira tiri mumatunhu aiva ikoko kusvika muna 1989 patakakokwa kuti tiende kunoshanda paBheteri rekuUnited States. Takanga tava kutosvitsa makore 19 tiri mudunhu. Makore ese iwayo takagamuchirwa mudzimba dzehama nehanzvadzi dzakawanda chaizvo. Tinotenda hama nehanzvadzi dzese idzodzo dzakatigamuchira zvakanaka mudzimba dzavo.

KUENDA kuUNITED STATES

Patakasvika kuBrooklyn, ndakanzi ndinoshanda muDhipatimendi Rebasa. Ndine zvakawanda zvandakadzidza ikoko. Chimwe chandakadzidza ndechekuti panomuka nyaya, ndinofanira kutanga ndanyatsova nemashoko akakwana kwete kuita zvekufungidzira. Muna 1998, ndakanzi ndiende kunoshanda muDhipatimendi Rekunyora uye ndichiine zvakawanda zvandiri kudzidza ikoko. Ndakaitawo makore ndichishanda pamwe chete naHama John Barr. Hama Barr, ndivo vakanga vari murongi muKomiti yeKunyora yeDare Rinotungamirira. Ndinotenda kuti ndakawana mukana wekushanda pamwe chete navo ndichidzidza zvakawanda. Hama Barr vainyatsova neunhu hwaKristu.

David naLinda Splane vachitorwa pikicha vaina John naMildred Barr.

Ndiina John naMildred Barr

Ndinotenda chaizvo hama nehanzvadzi dzandinoshanda nadzo muDhipatimendi Rekunyora. Vanhu ava vanozvininipisa uye vanogara vachikumbira Jehovha kuti avabatsire pakuita basa ravo. Vanoziva kuti kubudirira kwavanoita pabasa hakusi kugona kwavo, asi ndiJehovha anenge achivapa mweya wake mutsvene.

Hama Splane vachiimbisa kwaya ine hama nehanzvadzi 20, imwe hanzvadzi ichiridza piyano.

Ndichiimbisa kwaya pamusangano wepagore wa2009

Hama Splane vachitambidza imwe hanzvadzi Bhaibheri vachinyemwerera.

Ndichipa vanhu maBhaibheri pagungano renyika dzakawanda muna 2014 kuSeoul, Korea

Ini naLinda takawana mukana wekushanyira hama nehanzvadzi dziri munyika 110. Tainyatsoona kuti mamishinari, hama dziri muMatare Emapazi uye vamwe vari mubasa renguva yakazara vanoda Jehovha. Takaonawo kuti hama nehanzvadzi dziri kuramba dzichishumira Jehovha nemwoyo wese uye dzakavimbika kwaari pasinei nekuti mune dzimwe nyika idzi mune hondo, nhamo yemari uye kuti vamwe vari kutotambudzwa. Ndinofunga kuti Jehovha anovada zvisingaite.

Linda ava nemakore akawanda chaizvo achinditsigira pamabasa andinoita. Linda anoda vanhu uye kana akaona mumwe munhu anenge achida kubatsirwa anotanga kufunga kuti angamubatsira sei. Anogonawo kutanga kutaura nevanhu. Ane vanhu vakawanda vaakabatsira kuti vagamuchire chokwadi. Uyewo akatobatsirawo vamwe vakanga vasiya Jehovha kuti vadzoke kwaari. Chokwadi Linda chipo chaicho chandakapiwa naJehovha. Iye zvino takwegura saka tinotenda chaizvo kubatsirwa kwatinoitwa nehama nehanzvadzi dzechidiki pakuita zvinhu zvakasiyana-siyana.—Mako 10:​29, 30.

Ndava nemakore anopfuura 80 uye pandinotarisa upenyu hwandararama ndinotenda Jehovha. Ndinobvumirana nezvakataurwa nemunyori wepisarema kuti: “Haiwa Mwari, makandidzidzisa kubvira ndichiri mudiki, uye nanhasi ndichiri kuzivisa mabasa enyu anoshamisa.” (Pis. 71:17) Ndinoda kuramba ndichiita izvozvo chero bedzi ndichiri mupenyu.

a Mazuva ano hurukuro idzi dzava kuitwa pamusangano wepakati pevhiki.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe