RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 March pp. 8-13
  • Vimba naJehovha, Mwari Wemasimbaose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vimba naJehovha, Mwari Wemasimbaose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • SATANI AKAPINDA PAKATI PAVO
  • JEHOVHA ANE SIMBA REKURAMBIDZA KANA KUBVUMIDZA ZVIMWE ZVINHU
  • JEHOVHA ANOITA KUTI MATAMBUDZIKO AJOBHO APERE
  • JEHOVHA ANODA VASHUMIRI VAKE VAKAVIMBIKA
  • VIMBA NAJEHOVHA NEMWOYO WESE
  • Bhuku raJobho Rinogona Kukubatsira Paunosangana Nematambudziko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Jobho Akarumbidza Zita raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Tarisira Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Ungava Sei Shamwari yaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 March pp. 8-13

MAY 11-17, 2026

RWIYO 7 Jehovha, Simba Redu

Vimba naJehovha, Mwari Wemasimbaose

“Jehovha, imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.”—PIS. 83:18.

ZVATICHADZIDZA

Tichaona zvikonzero zvinoita kuti tivimbe kuti Jehovha ndiye Mwari Wemasimbaose uye achatibatsira patichasangana nematambudziko.

1. Jobho akasangana nematambudziko api?

JOBHO aiva murume aiva nekutenda asi akanga afirwa nevana vake, arasikirwa neupfumi hwake hwese uye akanga ava kurwara zvakaipisisa. Aimbova munhu airemekedzwa nevanhu munharaunda yaaigara asi akanga asisina chiremerera pane vamwe. Uye vamwe varume vatatu vaizviti ishamwari dzake pavakauya vachimuona, vakataura zvinhu zvakawanda zvakaipa pamusoro pake, izvo zvakatowedzera kumurwadzisa. Kunyange mudzimai wake chaiye akanetseka zvekuti akasvika pakuudza Jobho kuti: “Tuka Mwari ufe!” (Job. 2:9; 15:​4, 5; 19:​1-3) Munhu paanosangana nezvinhu zvakaoma kudaro muupenyu, anogona kutanga kufunga kuti Mwari haamudi uye haazombomubatsiri. Saka Jobho aigona kutanga kufunga kuti Jehovha anongosiya vaya vanomuda uye vanomushumira vachitambura.

2-3. (a) Tinogona kutanga kufungei patinosangana nematambudziko? (b) Zvidzidzo zvipi zvatichawana kubva munyaya yaJobho?

2 Tiri kurarama ‘munguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.’ (2 Tim. 3:1) Saka sezvakaitika kuna Jobho tinogona kusangana nematambudziko akakura muupenyu. Patinosangana nematambudziko akawanda panguva imwe chete zvinogona kuita kuti tiremerwe, totanga kufunga kuti zvinhu hazvimbofa zvakachinja. Vamwe pavakasangana nematambudziko akakura muupenyu vakatanga kufunga kuti Jehovha akanga asisavadi uye kuti akanga asingadi kuvabatsira.

3 Izvozvo zvakamboitikawo kwauri here? Kana zvakamboitika, usanetseka hako. Jobho akadzidza muupenyu kuti Jehovha anonunura vaya vakavimbika kwaari. Newewo unogona kusvika pakuvimba naBaba vako vekudenga zvakadaro. Kuti tinyatsovimba naJehovha, ngatimboongororai nyaya yaJobho uye tichaona pfungwa huru mbiri dzichatibatsira dzinoti: (1) Jehovha ndiye Mwari Wemasimbaose. (2) Mwari wedu Wemasimbaose ane simba rekuzadzisa zvese zvaanenge avimbisa uyewo anotichengetedza nekutipa zvese zvatinoda kuti tirambe tiine ushamwari hwakanaka naye.

SATANI AKAPINDA PAKATI PAVO

4. Ndivanaani vakanga varipo pamusangano wakaitwa kudenga unotaurwa mubhuku raJobho?

4 Rimwe zuva, “vanakomana vaMwari wechokwadi” vakaungana pamberi paJehovha kudenga. Patinoverenga nyaya yacho muBhaibheri inoratidza kuti “Satani akapindawo pakati pavo.” (Job. 1:6) Munyori webhuku raJobho ndiye akatanga kushandisa zita rekuti “Satani” muBhaibheri. Ngirozi iyi yakasvika pakunzi Satani nekuti inopikisa Jehovha. Panguva yakaitika musangano uyu kudenga, Satani akanga asisiri mwanakomana waMwari akatendeka. Akanga azviita muvengi waJehovha uye wemhuri yake yese yekudenga nepanyika. Nei tichidaro? Ona zvakataurwa naJehovha kuna Satani zviri pana Genesisi 3:15. Akati: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi.” Mukadzi ari kutaurwa apa imhuri yaJehovha yekudenga, iyo yaizobereka mwana. Saka zviri pachena kuti Satani haasi mumhuri iyoyo.

5. Tinodzidzei pane zvakaitika pamusangano wakaitwa kudenga?

5 Jehovha akaita kuti zvakataurwa pamusangano uyu wakaitwa kudenga zvinyorwe muBhaibheri. Zvakataurwa naSatani pamusangano uyu zvinoratidza kuti ane utsinye chaizvo uye anovenga vaya vanoshumira Jehovha. (Job. 1:9; enzanisa naZvakazarurwa 12:10.) Asiwo zvakaitika pamusangano uyu zvinotibatsira kuona kuti Jehovha ndiMwari Wemasimbaose uye anoshandisa simba rake zvakanaka nguva dzese. Uyewo tinodzidza kuti sezvo ari Wemasimbaose, Jehovha ane simba rekubvumidza kana kurambidza vanhu kuti vaite zvimwe zvinhu.

JEHOVHA ANE SIMBA REKURAMBIDZA KANA KUBVUMIDZA ZVIMWE ZVINHU

6. Jehovha akaratidza sei kuti ndiye aiva nesimba rekusarudza zvaizoitwa pamusangano wakaitwa kudenga? (Jobho 1:​7, 8)

6 Verenga Jobho 1:​7, 8. Jehovha ndiye akatanga kubvunza Satani kuti: “Waona mushumiri wangu Jobho here?” Kutotanga kwaakaita kutaura kunoratidza kuti ndiye aiva nesimba rekusarudza zvaizoitwa pamusangano uyu wakaitwa kudenga uye ainyatsoziva kuti Satani aida kurwisa Jobho. Ngationei kuti Jehovha akashandisa sei simba rake kubatsira Jobho.

7. Maererano naJobho 1:​10, 11, Satani akati kudii nezvevanhu vanonamata Jehovha?

7 Verenga Jobho 1:​10, 11. Jehovha ndiMwari Wemasimbaose uye anoshandisa simba rake kuita zvaanoda, asi nguva dzese anorishandisa zvakanaka. (Jer. 32:17; Dhan. 4:35). Kunyange zvakadaro, Satani anoti Jehovha anoshandisa simba rake zvisiri izvo. Mashoko akataurwa naSatani aireva kuti Mwari anopa vanhu vakaita saJobho zvinhu zvakawanda zvakanaka kuitira kuti vagomunamata. Airevawo kuti vaya vanoshumira Jehovha vanongomushumira nekuti vanenge vaine zvavari kuda kwaari. Jehovha akaita sei Satani paakataura zvinhu izvi?

8-9. Jehovha akaudza Satani kuti aikwanisa kuedza Jobho kusvika papi, uye nei akadaro? (Jobho 1:12) (Onawo mufananidzo.)

8 Verenga Jobho 1:12. Jehovha akabvumira Dhiyabhorosi kuti aedze Jobho asi ane zvaakamurambidza. Mwari akanyatsoudza Satani kuti: “Usatambanudzira ruoko rwako paari iye pachake!” Ngirozi dzese dzaiva pamusangano uyu dzakanyatsonzwa Jehovha achipa Satani murayiro uyu. Uye Satani aitofanira kuuteerera. Akanga asina simba rekuita zvinopfuura zvaakanga abvumirwa naJehovha kuti aite. Uye ndizvo zvazvichiri nanhasi. Satani haakwanisi kuita zvinopfuura zvaanenge abvumirwa naJehovha. Saka Jehovha akashandisa simba rake kudzivirira Jobho uye akaratidza kuti iye ndiMwari akanaka uye ane rudo.

9 Satani haana kubudirira pamuedzo wekutanga waakapa Jobho. Jobho akaramba achishumira Baba vake vekudenga akatendeka. (Job. 1:22) Asi Satani aizoedza Jobho zvakare.

Satani ari kudenga achitaura naJehovha asingamuremekedzi dzimwe ngirozi dzese dzichiona.

Jehovha akabvumira Satani kuti ataure zvaaifunga pamberi pengirozi dzese (Ona ndima 8-9)


10. Nei Jehovha akabvumira Satani kuti aedze Jobho zvakare? (Jobho 2:​2-6)

10 Verenga Jobho 2:​2-6. Satani akawedzera kurwisa Jobho nekuti aida kuti aregedze kushumira Jehovha. Mashoko akataurwa naSatani anoratidza kuti aifunga kuti kana Jobho akatarisana nerufu, aizovenga Jehovha oregedza kumushumira. Saka kuti aratidze kuti zvakanga zvataurwa naSatani zvaiva zvenhema, Jehovha akabvumira Satani kuti aite kuti Jobho arware. Asi sezvaakanga aita pekutanga, Jehovha ane zvaakarambidza Satani. Akamupa murayiro wekuti: “Usamuuraya!” Satani akanga asina simba rekuuraya Jobho nekuti Mwari aisazomubvumira kuita izvozvo. Saka Jehovha akaratidza zvakare kuti iye ndiMwari Wemasimbaose nekuti Satani aisakwanisa kupfuura zvaakanga abvumirwa naJehovha kuti aite.

JEHOVHA ANOITA KUTI MATAMBUDZIKO AJOBHO APERE

11. Jehovha akakomborera sei Jobho pashure pekunge aita kuti matambudziko ake apere? (Jobho 42:​10-13)

11 Verenga Jobho 42:​10-13. Nemhaka yekuti Jobho akaramba akatendeka, Jehovha haana kubvumira Satani kuti arambe achirwisa Jobho. Saka Jehovha akaita kuti matambudziko aJobho apere. Satani akanga asina simba rekuti atadzise Jehovha kudzivirira uye kukomborera Jobho.

12. Taura zvakaitika zvinoratidza kuti Jehovha akashandisa simba rake kununura vanhu vaivimba naye.

12 Jehovha ari kushandisawo simba rake kubatsira vashumiri vake vakawanda mumazuva ano ekupedzisira. Semuenzaniso muna 1945 masoja akamanikidza Zvapupu zvaJehovha 230 kuti zvifambe rwendo rwakanga rwakareba chaizvo uye rwakanga rwakaoma, vachibva kujeri raiva kuGermany vachiendeswa kugungwa kuti vanourayiwa. Asi hapana kana Chapupu chimwe chete chakafa. VaKristu ava vakazonyora vachitaura zvakanga zvaitika. Vakataura kuti Jehovha akanga avanunura sezvaakamboita vaHebheru vaya vatatu vakakandwa mumoto asi vakabuda vasingatombonhuwi utsi. Vakakunda muedzo wakanga wakakura chaizvo uye kutenda kwavo kwakatowedzera kusimba. Jehovha ndiye akanga avapa simba rekuti vatsungirire. Vainzwawo sekuti vakanunurwa, sekununurwa kwakaitwa Dhanieri kubva mugomba reshumba. Kubvira ipapo vakanga vava nechido chekushumira Jehovha nariini nariini. Uye vakataura kuti hakuna chinopfuura kushumira Jehovha nekusingaperi.—Enzanisa naDhanieri 3:27; 6:22.

13. Chii chaunofanira kugara uchiyeuka kana ukasangana nematambudziko? (Onawo mifananidzo.)

13 Nesuwo tinogona kusangana nematambudziko akakura muupenyu. (1 Pet. 5:​8-10) Uye tinogona kutanga kuora mwoyo nekuti tinenge tichiona sekuti matambudziko iwayo haasi kuzombofa akapera. Kana izvozvo zvikaitika kwatiri, tinofanira kuyeuka zvakaitika kuna Jobho. Yeuka kuti Jehovha ane simba rekupedza matambudziko edu ese. Anogona kuzviita iye zvino kana kuti munyika itsva. Ane zuva raakatosarudza kuti ndiro raachaparadza nyika ino yakaipa. Haasi kuzosiya zuva iroro richipfuura asina zvaaita!

Mifananidzo: Vashumiri vaJehovha vari kusangana nematambudziko akasiyana-siyana. 1. Hama yakwegura iri kunyaradzwa neimwe hama pavari kuchema vari kumakuva. 2. Vabereki vari kunetseka pavari kuona mwanasikana wavo achirwara zvisingaiti akarara pamubhedha muchipatara. 3. Hama iri kujeri iri kuchereswa gomba kuchipisa zvisingaiti yakarindwa nemusoja ane pfuti.

Jehovha achabvisa zvinhu zvese zvinoita kuti vashumiri vake vatambure (Ona ndima 13)


JEHOVHA ANODA VASHUMIRI VAKE VAKAVIMBIKA

14-15. Jehovha anoda kuitirei vashumiri vake vakavimbika? (Jobho 14:15) (Ona mufananidzo.)

14 Verenga Jobho 14:15. Baba vedu vekudenga vakavimbika kune vaya vakavimbika kwavari. Vanovada chaizvo, zvekuti kunyange vakafa vanoda kuvamutsa. Saka pavachamutsa vashumiri vavo munyika itsva, vanhu vachashaya pekubata nemufaro.—Isa. 65:17.

15 Matambudziko aJobho akanga apera asi akanga achiri kungorarama munyika yakaipa inotongwa naSatani. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha akakomborera Jobho zvinoshamisa. Akaita kuti Jobho ave neutano hwakanaka uye akatomupa zvinhu zvakawanda kupfuura zvaaiva nazvo pakutanga. Asi Jehovha achatopa Jobho zvinopfuura ipapo munyika itsva. Jehovha akaratidza kuti anoda chaizvo kuti vaya vakavimbika kwaari vafare uye vanakidzwe muupenyu. Jehovha achatoita kuti vaya vanoramba vakavimbika kwaari vawane mukana wekurarama nekusingaperi muparadhiso panyika. (Zvak. 21:​3, 4) Ndiye Mwari Wemasimbaose uye ane chido chekuita zvinhu izvi. Kufungisisa zvinhu izvi kunotisimbisa kana tikasangana nematambudziko.

Jobho ava neutano hwakanaka uye akapfeka zvakanaka. Iye nemudzimai wake vashanyirwa neshamwari dzavo.

Pashure pekunge matambudziko aakasangana nawo apera, Jobho nemudzimai wake vakawana makomborero akawanda kubva kuna Jehovha (Ona ndima 14-​15)


16. Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti tivimbe naJehovha Mwari Wemasimbaose?

16 Kunyange zvazvo Jehovha akakomborera Jobho neupenyu hwakareba, Jobho akazongofa. Asi Jehovha ane simba rekumumutsa nekuti ndiMwari Wemasimbaose. (Dheut. 32:39) Jehovha atori nenguva yaakaronga kumutsa vaya vaanoda uye hapana anomutadzisa kuita izvozvo.—VaR. 8:​38, 39.

VIMBA NAJEHOVHA NEMWOYO WESE

17. Chii chinoratidza kuti Satani akundikana kuparadza vanhu vaJehovha?

17 Kuongorora kwataita nyaya yaJobho kwatibatsira kuona zvikonzero zvakawanda zvatiinazvo zvekuvimba naJehovha nemwoyo wese. Tinotenda Jehovha chaizvo nekuti haana kubvumira Satani kuti aparadze vanhu vaMwari. Mazuva ano kune vanhu vanoda kusvika 9 miriyoni vari kushumira Jehovha vakatendeka. Izvozvo zvinoratidza kuti Jehovha ndiMwari Wemasimbaose. (Isa. 54:17) Hurumende dzakawanda dzine simba uyewo vakuru vezvitendero vakaedza kakawanda kutadzisa vanhu vaMwari kumunamata uye kuparidza mashoko akanaka. Asi havasi kubudirira nekuti Jehovha ari kutibatsira. Uye hapana chinotitadzisa kuudza vamwe kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi uye kuti Satani murevi wenhema uye muurayi. Kunyange kana tikafa, Jehovha achamutsa vaya vanoramba vakatendeka kwaari.—Hos. 13:14.

18. Nei tisingafaniri kutya zvichaitika mune ramangwana?

18 Kana tikawana nguva yekufungisisa zvakaitika kuna Jobho, tinosimbisa kutenda kwedu kuti Jehovha acharamba ainesu pasinei nezvingaitika mune ramangwana. Hatina chekutya. Pakutambudzika kukuru, Satani nemauto ake vachafunga kuti vanhu vaMwari havana anovadzivirira uye vachavarwisa. Asi Jehovha achashandisa simba rake guru kudzivirira vanhu vake sezvaakaita kuna Jobho. Pasinei nezvingaitwa naSatani kuvanhu vaMwari, Jehovha anokwanisa kuzvigadzirisa. Kwasara nguva pfupi kuti Jehovha abvise matambudziko ese anokonzerwa naSatani. Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vachavharirwa mugomba rakadzikadzika kwemakore 1 000. (Ruka 8:31; Zvak. 20:​1-3) Pashure pemakore 1 000 Satani nevaya vanomutsigira vachaparadzwa, sezvakataurwa naJehovha.—Gen. 3:15; VaR. 16; Zvak. 20:10.

19. Vaya vanovimba naJehovha nemwoyo wese vachawana makomborero api? (Onawo mufananidzo.)

19 Tanonokerwa kuti nyika itsva isvike, patichararama tisisina chivi uye tichinyatsofara. Upenyu munyika itsva huchanakidza kupfuura zvatingafungidzira. Jehovha akavimbisa kuti: “Inzwa! Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.” (Zvak. 21:5) Mashoko iwayo anorevei? Kubvira pakatadza Adhamu naEvha, Satani ari kukanganisa vanhu uye ari kuita kuti vaite zvakaipa. Asi panguva iyi anenge asisakwanisi kuita izvozvo. Tichanyatsonzwa kuti aaa tasunungurwa! Matambudziko emunyika ino ari kukushayisa hope anenge asisipo. Vaya vachapona paAmagedhoni vachaona zvishamiso zvakawanda. Vaya vanenge vachirwara vachava neutano hwakanaka. Uyewo hama neshamwari dzedu dzakafa dzichamutswa. Panguva iyoyo tichararama upenyu hwakanaka hwaidiwa naBaba vedu vekudenga kuti tirarame!

Hama nehanzvadzi dzatamboona dzava kunakidzwa neupenyu muparadhiso. Hama iya yechikuru haisisina kuchembera uye iri kufamba neshamwari yayo yamutswa. Vabereki vaya vari kufamba nemwanasikana wavo ava neutano hwakanaka. Hama iya yanga iri kujeri yakagara pasi pemuti ichiverenga Bhaibheri. Padivi payo pane mwana weshumba.

Jehovha achakomborera vanhu vakatendeka, vakatsungirira matambudziko avaisangana nawo (Ona ndima 19)


20. Zvii zvaunofanira kuramba uchiita?

20 Mumazuva ano ekupedzisira, tichasangana nematambudziko akawanda uye tichada kutoshinga kuti tirambe takatendeka. Saka tinoda kuramba tichivimba naJehovha nemwoyo wese uye tichimuteerera nekuti ndiye mutongi wedu. Tinodawo kuramba tichiratidza kuti tinoda Baba vedu vekudenga Jehovha. Patinoita izvozvo tinenge tichiratidza kuti zvakataurwa naSatani nezvaJehovha uye vashumiri vake ndezvenhema. Tinogona kuva nechokwadi chekuti kana tikaramba takatendeka kuna Jehovha Mwari Wemasimbaose, tichava neramangwana rakanaka, nekuti Jehovha anoda chaizvo kupa vashumiri vake vakatendeka mubayiro uye ndizvo chaizvo zvaachaita!

NYAYA YAJOBHO INORATIDZA SEI KUTI . . .

  • Jehovha ndiye Mwari Wemasimbaose?

  • Jehovha anoda chaizvo kupa mubayiro vashumiri vake vakavimbika?

  • unogona kuvimba naJehovha Mwari Wemasimbaose?

RWIYO 153 Ndipeiwo Ushingi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe