RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/08 p. 4
  • Pfuma Inogona Kuva Yako!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pfuma Inogona Kuva Yako!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kutsunga Kupfuma Mune Zvokunamata
    Mukai!—2007
  • Suo Rokupayona Zvino Ravhurika Kwauri Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 5/08 p. 4

Pfuma Inogona Kuva Yako!

1. Nei uchifanira kufunga nezvokuita piyona wenguva dzose?

1 Uri kutsvaka kuwana mufaro mukuru uye kugutsikana muupenyu hwako here? Uri kufara uye uri kugutsikana nokubatsira vamwe here? Uri kushuva kuwedzera basa raunoitira Jehovha here? Kana ukapindura kuti hungu kune mumwe wemibvunzo iyi, zvinoreva kuti unokwanisa kuva piyona wenguva dzose. Asi tinofanira kufunga nezvemhuri uye zvimwe zvinodiwa neMagwaro pamwe chete noutano hwedu uyewo zvimwe zvatisingakwanisi kuita pamusana pezvatiri.

2. Taura zvimwe zvikomborero zvine chokuita nokunamata zvinowanikwa nemapiyona enguva dzose.

2 Mashoko aSoromoni aakanyora achifuridzirwa naMwari anoti chikomborero chaJehovha chinouya pamwe chete nepfuma. (Zvir. 10:22) Nhasi, chikomborero chaJehovha chinopfumisa zvikurukuru mune zvokunamata. Mapiyona enguva dzose ndiwo anowana pfuma yakadaro yakawanda. Somuenzaniso, anowana mufaro mukuru wokupa vamwe ‘sezvaanotenga nguva’ kubva muzvinhu zvaanoita somunhu oga. (VaK. 4:5; Mab. 20:35) Mabasa avo orudo anoonekwa uye anokosheswa naJehovha. ‘Pfuma yokudenga’ yakadaro haidereri kukosha kwayo. (Mat. 6:20; VaH. 6:10) Uyezve, mapiyona paanova ‘neziso rakanaka’ uye paanovimba kuti Jehovha anoapa zvaanoda, ukama hwavo naye hunosimba zvikuru.—Mat. 6:22, 25, 32; VaH. 13:5, 6.

3. Kutsvaka pfuma ine chokuita nokunamata nokutsvaka pfuma yokunyama zvakasiyana papi?

3 Kutsvaka pfuma yokunyama kunowanzotungamirira vanhu ku“zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza.” (1 Tim. 6:9, 10; Jak. 5:1-3) Izvi hazvimboitiki nechikomborero chaJehovha. Mapiyona enguva dzose anobatsirwa kuramba akatsiga mune zvokunamata uye kuti arambe achifunga zvinhu zvinokosha sezvo achipedza nguva yakawanda muushumiri. (VaF. 1:10) Imwe hama yakasiya basa rouinjiniya raipedza nguva kuti iite upiyona. Yakati: “Basa rangu rokunyika rainetesa mupfungwa, asi kupayona hakudaro. Iye zvino ndava kubatsira vanhu uye ndiri kuvadzidzisa chokwadi. Izvi zvave zvichigutsa zvikuru uye zvichifadza.”

4. Mapiyona enguva dzose anokomborerwa sei paanenge achiunza zvikomborero kune vamwe?

4 Zvikomborero Kune Vamwe: Nhasi munhu wose anotarisana ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1) Vanhu kwose kwose vanoda zvikuru kuva netariro. Vazivisi voUmambo vanofara pavanozvionera voga kuti kusava netariro kuri pazviso zvevanhu kunogona kuchinja pavanogamuchira mashoko akanaka. Mapiyona enguva dzose anofara zvikuru sezvo achipedza maawa anopfuura 800 gore roga roga achiita basa iri rinoponesa upenyu!—1 Tim. 4:16.

5, 6. Chii chingaita kuti ukwanise kuva piyona wenguva dzose?

5 Wave uchifunga zvakadzama nezvokushumira sapiyona wenguva dzose here? Zvingada ku“zvitengera nguva yakakodzera” kubva pazvinhu zvisinganyanyi kukosha. (VaEf. 5:15, 16) Vakawanda vakaita izvi uye vakasarudza kurarama nezvinhu zvishoma, zvichiita kuti vaderedze nguva yavanopedza mumabasa okunyika kuitira kuti vapedze nguva yakawanda muzvinhu zvine chokuita noUmambo. Unogona kugadzirisa zvinhu zvako kuti ubatane navo here?

6 Kumbira Jehovha uchenjeri kuti uronge purogiramu yaunogona kutevedzera. (Jak. 1:5) Zvikomborero zvipi zvaungatarisira? Pfuma zhinji ine chokuita nokunamata! Jehovha achakukomborerawo nezvinhu zvokunyama zvaunoda. (Mat. 6:33) Vaya vanoedza Jehovha panyaya iyi vachawana ‘chikomborero kusvikira vasisina chavanoshayiwa.’—Mar. 3:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe