RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/99 pp. 3-4
  • Suo Rokupayona Zvino Ravhurika Kwauri Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Suo Rokupayona Zvino Ravhurika Kwauri Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Tichazviita Zvekare Here? Kumwe Kukumbira Mapiyona Ebetsero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 8/99 pp. 3-4

Suo Rokupayona Zvino Ravhurika Kwauri Here?

1 Rugwaro rwedu rwegore rwa1999 rwunotiyeuchidza kuti tichiri mu“zuva rokuponeswa” raJehovha. (2 VaK. 6:2) Asi zuva rake rokuponeswa richaguma nokukurumidza. Ipapo ‘zuva [rake] rokutonga’ richatanga. (2 Pet. 2:9) Panguva iyo Jehovha ari kupfuurira kupa vanhu mukana wekuponeswa, zvinofadza sei kuona vazhinji vanoramba vachiwedzera vachidavidza!

2 Vanhu vaJehovha vakarwisa chinetso chokuenda kune vanoda kusati kwava kunyanyononoka. Nokuda kwevaparidzi veUmambo vakawanda, izvi zvakareva kupinda mubasa rokupayona. Suo rokupayona zvino ravhurika kwauri here? Nei tichibvunza?

3 Kuonga Kwakaratidzwa: Sezvakaziviswa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 1999, maawa anodiwa nokuda kwemapiyona enguva dzose neebetsero akaderedzwa. Kuti asvitse zvinodiwa zvitsva, mapiyona enguva dzose anofanira kupedzera maawa 70 muushumiri mwedzi woga woga kuti asvitse maawa 840 pagore rebasa. Mapiyona ebetsero achapedzera maawa 50 mubasa mwedzi woga woga. Heanoi mashomanana emashoko akawanda ekuonga akagamuchirwa somugumisiro wekuderedzwa uku:

“Chipo chakakomborerwa zvakadini chinobva kuna Baba vedu vokudenga!”

“Hapana mashoko angabudisa kunzwa kwemufaro, rudo, uye kuonga gadziriro idzi!”

“Zvinoita kuti purogiramu yedu ive nyore zvikuru kushanda!”

“Munyengetero wedu ndewokuti vakawanda zvino vachaita ushumiri hwenguva yakazara ndokuva nezvikomborero zvinobva mukubatira Jehovha nenzira yakakura.”

4 Sezvatinosvika pamugumo wezuva raMwari rokuponeswa, zviri pachena kuti anoda kuti vanhu vake vadanidzire nesimba kurumbidza kukuru, kwekupedzisira. Kukosha nekukura kweshoko iri kuri kuwedzerwa (1) nokuwedzera zvishoma nezvishoma kwenhamba yevazivisi veUmambo uye (2) nokutsvaka kwemumwe nemumwe kuwedzera zvaanogona kuita mukuparidza Umambo. Jehovha, uyo uno“meresa,” akaunza kubudirira munzira dzose kuburikidza nokukomborera chido chavose vakabvuma kuponeswa.—1 VaK. 3:6, 7; Pis. 110:3.

5 Musapotsa Chinangwa Chawo: Pauro akarayira vaKristu vaainamata navo nezvezuva raJehovha rekuponeswa achiti: “Zvatinoshanda pamwe naye [Jehovha], tinokutetereraiwo kuti musagamuchira mutsa usina kufanirwa waMwari mopotsa chinangwa chawo.” Hatizo“pots[i] chinangwa chawo” kana tichiuona se“nguva yakanaka chaizvo” kuti tishandire kuponeswa kwavamwe pamukana uri wose.—2 VaK. 6:1, 2, NW.

6 Ivavariro ine Musoro: MuZimbabwe, tiri kuvavarira kuona mapiyona enguva dzose 2 000 anyoresa panozosvika 1 September. Tinodavira kuti iyi ivavariro ine musoro neinobvira kusvitsa. Nei tine chivimbo chakadaro? Muna March wa1997 takaona hama nehanzvadzi dzinosvika 2 947 dzaiita upiyona hwebetsero, uye muna April wa1998 dzinoda kusvika 4 000 dzakadaro. Vazhinji vakashuma maawa 60—kungosiya maawa 10 chete kuti asvike pane matsva anodiwa napiyona wenguva dzose! Kunyange kana 100 bedzi veavo vakaita upiyona hwebetsero vakanyoresa semapiyona enguva dzose gore rino rebasa risati rapera, tinogona kutanga September nemapiyona enguva yakazara 2 000 kana kuti anopfuura!

7 Purogiramu Inodiwa: Maawa 70 ebasa romumunda pamwedzi achiri kuita sokuti haagoneki here? Zvichida kufunga nezvemaawa 17 pavhiki kuchabetsera. Uchishandisa purogiramu yemuenzaniso iri papeji inotevera, edza kutanga kuita purogiramu yapiyona wenguva dzose iyo ichakodzera mamiriro ako ezvinhu somunhu oga. Mukuronga purogiramu yako, taura nemapiyona ane ruzivo rwakakura kuti akupe mazano nepfungwa zvokuti anowiriranisa sei basa rokupayona nemitoro yemunhu oga neyemhuri. Bvunza mutariri wako wedunhu kuti mapiyona ari mudunhu anoronga sei basa rawo vhiki nevhiki. Ipapo tarira kuna Jehovha kuti akomborere zvirongwa zvako zvokupayona.—Zvir. 16:3.

8 Chiitei Chirongwa Chemhuri: Mati mambofunga nezvekuita kuti kupayona kuve chirongwa chemhuri here? Mungagara pasi semhuri ndokukurukura—muchironga nokungwarira nokushandira pamwe zvakanaka—kuti nhengo imwe kana kuti mbiri dzemhuri dzingakwanisa sei kupayona. Nenzira inonzwisisika, vamwe vachaona kuti kunzvera migariro yavo nokutendeseka hakuvabvumiri kupayona nguva dzose iye zvino. Kana zvakadaro, itai kupayona vavariro yenguva yemberi. Asi tangai kuita zvirongwa zvokushandira zuva chairo rokutanga kupayona. Zvichida mungaita upiyona hwebetsero kanoverengeka pagore muchivavarira kuita basa rekuva piyona wenguva dzose.

9 Mapiyona enguva dzose anopfuura 1 900 aripo panguva ino muZimbabwe ane migariro yakasiyana-siyana. Havasi vose vane utano hwakanaka, uye vazhinji vane mitoro yemhuri neyemari. Mumakore mashanu akapfuura, takanyoresa mapiyona enguva dzose anopfuura 300 ane makore 50 kana kuti kupfuura. Panguva iyoyowo, takanyoresa anopfuura 220 aiva nemakore 19 kana kuti ari pasi. Chinenge chikamu chimwe kubva muzvina chemapiyona ose ihama, dzakawanda dzadzo dzine mitoro yemhuri neyeungano. Vose vaivava vari ‘kutenga nguva yose yakafanira’ nokuda kwekupayona, muzviitiko zvakawanda zvakareva kurarama upenyu huri nyore asi hunogutsa zvikuru.—VaK. 4:5, NW.

10 Munofanira Kuita Kuti Zvive Nyore Here? Kuita kuti upenyu hwenyu huve nyore kungava kiyi inokuvhurirai suo rokupayona. Upenyu hwenyu hwakaita seimba hombe ine makamuri nemidziyo yomumba zvisina basa, zvinoda nguva yakawanda, mari, uye basa rokuitarisira here? Kana hwakadaro, kuchinjira kumigariro ine mwero zvikuru kungakubvumirai kupayona. Mungagona kuderedza nguva yamunopedzera kubasa rokunyika here? Mungagona kutenga nguva kumabasa asingakoshi kana kuti kuratidza kuva pakati nepakati zvikuru panguva inopedzerwa munhandaro here?

11 Bhaibheri, pana 1 Timotio 6:8, rinotirayira kuti: “Kana tine zvokudya nezvokufuka, [tichagutsikana, NW] nazvo.” Kugutsikana nezvishoma chinhu chinokosha kuti tiite zvatinogona mubasa raJehovha uye kunoita kuti zvive nyore kupa nzvimbo yokutanga kuzvinhu zvomudzimu. (Mat. 6:22, 33) Papeji 104 ye1998 Yearbook pamushumo weJapan, pane zvakati kuti zvinotaurwa pamusoro pokuti nei munyika iyoyo mune chido chokupayona chakanaka zvakadaro. Chimbofunga chimwe chacho ichi: “Kazhinji kacho dzimba dzevaJapan dzakanaka zvakafanira, saka dzinoda nguva shoma yokutarisira, uye kakawanda kacho, itsika kurarama upenyu husina kuoma.” Handizvo here zvinoreva 1 Timotio 6:8?

12 Munyika yose, vashumiri vaMwari vari kuparidza mashoko akanaka zvikuru kwazvo zuva raJehovha rokuponeswa risati rasvika kumugumo. Zvinorumbidzwa kuti gore rapera avhareji yevanoda kusvika 700 000 vakaitawo rudzi rwakati rwebasa roupiyona mwedzi woga woga. Ungagadzirisa upenyu hwako kuti ubatane navo here? Tinokukumbira kuti uongorore mamiriro ako ezvinhu nekungwarira uye uchinyengetera sezvaunopindura mubvunzo uyu: “Suo rokupayona zvino ravhurika kwauri here?”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

VAVARIRO: MAPIYONA ENGUVA DZOSE 2 000!

[Bhokisi riri papeji 4]

Purogiramu Dzokuenzanisira Dzapiyona Wenguva Dzose

Anodiwa: Maawa 17 pavhiki

Zuva 1 Pakati Pevhiki Nokupera Kwevhiki

Zuva Maawa

Chishanu 8

Mugovera 6

Svondo 3

Maawa Ose: 17

Mazuva 2 Pakati Pevhiki neMugovera

Zuva Maawa

Chipiri 7

China 7

Mugovera 3

Maawa Ose: 17

Mazuva 3 Pakati Pevhiki neSvondo

Zuva Maawa

Muvhuro 5

Chitatu 5

Chishanu 5

Svondo 2

Maawa Ose: 17

Manheru 2 Nokupera Kwevhiki

Zuva Maawa

Muvhuro 3

Chitatu 3

Mugovera 8

Svondo 3

Maawa Ose: 17

Gadzira Purogiramu Yako Wega Yapiyona Wenguva Dzose

Zuva Maawa

Muvhuro

Chipiri

Chitatu

China

Chishanu

Mugovera

Svondo

Maawa Ose: 17

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe