Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvakakodzera here kuti vateereri vaombere pashure pehurukuro imwe neimwe muChikoro chaMwari Choushumiri uye paMusangano Webasa?
Jehovha paakasika nyika, ‘nyeredzi dzemangwanani dzakashevedzera nomufaro pamwe chete, uye vanakomana vose vaMwari vakatanga kushevedzera vachirumbidza.’ (Job. 38:7) Ngirozi idzi dzaMwari dzaida kurumbidza Jehovha pamusana pebasa rake rinoshamisa rokusika, raiva chinhu chitsva pakuratidzwa kwouchenjeri, kunaka uye simba rake.
Zvakanaka kuti tionge nomwoyo wose zvinenge zvaitwa nehama dzedu uye zvadzinenge dzakurukura. Somuenzaniso, tinowanzoombera panopiwa hurukuro nemienzaniso pakuungana kunokosha, zvakadai sepamagungano. Hurukuro dzinopiwa ipapo dzinoda nguva yokuwedzera uye simba pakugadzirira. Kuombera kwatinoita hakungoratidzi kuonga kushanda nesimba kwomukurukuri asiwo mirayiridzo inopiwa naJehovha kuburikidza neShoko uye sangano rake.—Isa. 48:17; Mat. 24:45-47.
Zvakadini nokuombera panopiwa hurukuro muChikoro chaMwari Choushumiri uye paMusangano Webasa? Hapana mitemo inorambidza kuombera kana zvichiitwa nokuti vanhu vanenge vafadzwa panguva iyoyo, sezviya zvinoitwa kana mudzidzi apa hurukuro yake yokutanga muchikoro. Zvisinei, kuombera kunogona kuva katsika, kwoshaya zvakunoreva. Naizvozvo, hatiwanzoomberi panopera hurukuro imwe neimwe.
Kunyange zvazvo tisingawanzoomberi pahurukuro dzakawanda muChikoro chaMwari Choushumiri uye paMusangano Webasa, pane dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo tose kuti tinoonga mirayiridzo uye basa rinenge raitwa nevaya vanenge vadzipa. Tingaita izvi nokuramba takamuka uye tichinyatsoteerera vakurukuri vacho. Uye misangano yapera, kazhinji tinogona kuenda kune mukurukuri wacho tomuonga nezvaanenge aita.—VaEf. 1:15, 16.