RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/05 p. 6
  • Kudzokorora Zuva Regungano Chairo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Zuva Regungano Chairo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Purogiramu Itsva Yezuva reGungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kudzokorora Gungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Chengeta Ziso Rako Rakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Ziso Rako Rakanaka Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 8/05 p. 6

Kudzokorora Zuva Regungano Chairo

Mashoko aya achashandiswa papurogiramu yoMusangano Webasa nguva pfupi ungano isati uye yapinda zuva regungano chairo regore rebasa ra2006. Mutariri anotungamirira acharonga kuti pave nokukurukura uku gungano risati raitwa uye kuzodzokorora kana raitwa, sezviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 2004 papeji 4. Pakudzokorora kwacho, mibvunzo yose inofanira kubvunzwa, tichinyanya kufunga nezvemashandisiro atingaita mashoko akakurukurwa.

MANGWANANI

1. Zvinorevei kuramba uine ziso rakanaka, uye nei izvozvo zvakaoma nhasi? (“Nei Uchifanira Kuramba Uine Ziso Rakanaka?”)

2. Tinobatsirwa sei nokuramba tiine ziso rakanaka? (“Kohwa Zvikomborero Zvinobva Pakuramba Uine Ziso Rakanaka”)

3. Zvinhu zvinonzi zvagara zvichiitwa nevanhu vose zvine ngozi yei? (“Kuramba Uine Ziso Rakanaka Munyika Yakaipa”)

MASIKATI

4. Vabereki nevamwe vangakurudzira sei pwere kuti dzitsvake zvinangwa zvine chokuita nokunamata? (“Vabereki Vanonangidzira Miseve Yavo Zvakarurama” uye “Pwere Dzinotsvaka Zvinangwa Zvine Chokuita Nokunamata”)

5. Tingafambirana sei nesangano raJehovha (a) somunhu mumwe nomumwe? (b) semhuri? (c) seungano? (“Fungisisa Nezvokufambirana Nesangano raJehovha”)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe