RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/10 p. 1
  • Ziso Rako Rakanaka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ziso Rako Rakanaka Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Chengeta Ziso Rako Rakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Kusava Nezvinhu Zvakawanda Kunotibatsira Kuti Tirumbidze Mwari
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Rarama Upenyu Hwakadzikama, Hwakapfava
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Kudzokorora Zuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 6/10 p. 1

Ziso Rako Rakanaka Here?

1. Zvinorevei kuva ‘neziso rakanaka’?

1 Zvatinotarisa nemaziso edu ndizvo zvinokonzera zvatinoita. Mashoko aJesu akakodzera chaizvo anoti: “Zvino, kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchava wakajeka”! (Mat. 6:22) Kana ziso redu “rakanaka” pane zvokunamata, rinenge riri pachinangwa chimwe chete, chiya chokuita zvinodiwa naMwari. Tinoisa Umambo panzvimbo yokutanga uye hatitsauswi nezvinhu zvenyama zvisingakoshi kana zvimwe zvinhu zvingavhiringidza ushumiri.

2. Chii chingavhiringidza maonero edu, asi chii chichatibatsira?

2 Kudiwa Kwokuzviongorora: Maonero atinoita zvatinoda anogona kuvhiringidzwa nezvatinoudzwa nevanoshambadzira kana kuti zvatinoona vamwe vanazvo. Tisati taita chimwe chinhu kana kuti tisati tatenga chimwe chinhu chichazoda nguva yakawanda, mari, kana kuti simba, zvakanaka ‘kuverenga zvinodiwa’ nokuzvibvunza kuti, ‘Izvi zvichaita kuti basa rangu randinoitira Jehovha riwedzere kunaka here kana kuti zvicharivhiringidza?’ (Ruka 14:28; VaF. 1:9-11) Kuchenjerawo kufunga panguva nenguva nezvezvatingaita kuti tiwedzere kuita kuti upenyu hwedu husava netwakawandawanda kuitira kuti tiite zvakawanda muushumiri.—2 VaK. 13:5; VaEf. 5:10.

3. Tinodzidzei kune imwe hanzvadzi yakagadzirisa zvinhu kuti upenyu hwayo husava netwakawandawanda?

3 Imwe hanzvadzi payakatanga upiyona hwenguva dzose, yakasarudza kuramba ichienda kubasa muswere wese wezuva kunyange zvazvo yaikwanisa kuwana rimwe basa raigona kuipa mari yakakwana pane zvayaida asi isingasweri kubasa mazuva ose. Pakupedzisira yakazoti: “Hapana anogona kushandira vanatenzi vaviri. Ndaitofanira kurega zvinhu zvisinganyanyi kukosha kuti ndiwane zvinhu chaizvo zvinokosha zvandaida. Ndakaziva kuti kufarira kwatinoita zvinhu zvenyama kunopera uye ndaizongopera simba ndichiedza kuzviwana.” Mamiriro ezvinhu ehanzvadzi iyi akaibvumira kugadzirisa upenyu hwayo kuti husava netwakawandawanda, uye kuchinja basa, zvikaita kuti irambe ichipayona.

4. Nei zvichikosha kuti tirambe tiine ziso rakanaka iye zvino?

4 Kupera kwaita nguva kunoita kuti zvikoshe chaizvo kuti tirambe tiine ziso rakanaka. Zuva rega rega rinopfuura rinotiswededza pedyo nokuguma kwemamiriro ezvinhu aripo uye kutanga kwenyika itsva yaMwari. (1 VaK. 7:29, 31) Kana tikaramba takaisa pfungwa dzedu pabasa rokuparidza, tinogona kuzviponesa uye kuponesa vaya vanotiteerera.—1 Tim. 4:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe