Kudzokorora Gungano Redunhu
Mashoko aya achashandiswa papurogiramu yoMusangano Webasa nguva pfupi ungano isati uye yapinda gungano redunhu regore rebasa ra2006. Mutariri anotungamirira acharonga kuti pave nokukurukura uku gungano risati raitwa uye kuzodzokorora kana raitwa, sezviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 2004, papeji 4. Pakudzokorora kwacho, mibvunzo yose inofanira kubvunzwa, tichinyanya kufunga nezvemashandisiro atingaita mashoko akakurukurwa.
ZUVA ROKUTANGA
1. Tinopfeka sei unhu hutsva, uye nei tichifanira kuramba tiinahwo?
2. Vamwe vakawedzera sei basa ravo rokuparidza?
3. Nei tisingafaniri kuzvienzanisa nevamwe?
4. Nhengo dzemhuri dzingaratidza sei unhu hutsva mumhuri?
5. Tingaratidza sei kuti tinotsigira nokuvimbika muungano?
6. Nei tichifanira kuratidza unhu hutsva muushumiri hwomumunda?
7. Kufungisisa zvakanaka kunosanganisirei, uye tinobatsirwa sei nokufungisisa kwakadaro?
8. Unhu hupi huchatiita kuti tinyatsoumbika mumaoko aJehovha?
ZUVA RECHIPIRI
9. Zvinokosha zvakadini kuti tishandise rurimi rwedu zvakanaka?
10. Tinobatsirwa sei kana tikataura zvakanaka nevatinoshanda navo, vatinodzidza navo, nevamwe?
11. Tingashandisa sei zano raPauro riri pana VaEfeso 4:25-32 muukama hwedu nevatinonamata navo?
12. Rurimi rwedu rungashandiswa munzira ipi inokudzwa zvikuru?
13. Tinofanira kuitei kuti tikunde wakaipa?
14. Tinofanira kuedza kuramba tisina ruvara rwenyika muzvinhu zvipi?
15. Nei tichifanira kuita kuti munhu watiri nechomukati ave mutsva zuva nezuva, uye tingazviita sei?
16. Izano ripi rakabva papurogiramu yegungano redunhu regore rino rauri kuronga kushandisa?